Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 26

Nyika Inova Paradhiso!

Nyika Inova Paradhiso!

Achishandisa Umambo hunotungamirirwa naKristu, Jehovha anotsvenesa zita rake, anoreverera uchangamire hwake, uye anobvisa uipi hwose

BHUKU rokupedzisira reBhaibheri rinonzi Zvakazarurwa rinopa vanhu vose tariro. Rakanyorwa nemuapostora Johani, uye bhuku racho rine zvaakaratidzwa zvinoguma nokuzadzika kwechinangwa chaJehovha.

Mune zvakaratidzwa Johani pakutanga, Jesu akanga amutswa anorumbidza uye anoruramisa ungano dzinoverengeka. Zvinotevera zvinotiratidza chigaro choumambo chaMwari chokudenga uko zvisikwa zvemudzimu zvinenge zvichimurumbidza.

Chinangwa chaMwari zvachinoenderera mberi, Gwayana, Jesu Kristu, rinopiwa mupumburu une zvisimbiso zvinomwe. Panovhurwa zvisimbiso zvina zvokutanga, vatasvi vemabhiza vokufananidzira vanoonekwa panyika. Wokutanga ndiJesu ari pabhiza jena aine korona saMambo. Panozotevera vatasvi vari pamabhiza, rimwe nerimwe riine ruvara rwaro, nenzira youprofita anomiririra hondo, nzara, uye zvirwere—zvose izvi zvinoitika mumazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu epanguva ino. Kuvhurwa kwechisimbiso chechinomwe kunotisvitsa pakuridzwa kwemabhosvo manomwe okufananidzira, zvinoreva kuziviswa kwemashoko aMwari okutonga. Izvi zvinotungamirira kumatambudziko manomwe okufananidzira, kana kuti kuratidzirwa kwehasha dzaMwari.

Umambo hwaMwari, hunotsanangurwa semwanakomana achangoberekwa, hunogadzwa kudenga. Hondo inotanga, uye Satani nengirozi dzake dzakaipa vanokandirwa panyika. Inzwi guru rinodanidzira kuti, “Mune nhamo imi nyika.” Dhiyabhorosi akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.Zvakazarurwa 12:12.

Johani anoona Jesu ari kudenga achimiririrwa negwayana, aine vane 144 000 vakasarudzwa pakati pevanhu. Ivava “vachatonga [naJesu] semadzimambo.” Naizvozvo, Zvakazarurwa inobudisa pachena kuti nhamba yedzimwe nhengo dzinoumba mbeu inosvika 144 000.Zvakazarurwa 14:1; 20:6.

Vatongi venyika vanoungana paAmagedhoni, “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” Vanorwisana nemutasvi webhiza jena—Jesu, uyo anotungamirira mauto ekudenga. Vatongi vose venyika ino vanoparadzwa. Satani anosungwa, uye Jesu nevane 144 000 vanotonga panyika “kwemakore ane chiuru.” Pakupera kwemakore ane chiuru, Satani anoparadzwa.Zvakazarurwa 16:14; 20:4.

Kutonga kwemakore ane chiuru kwaKristu nevaanotonga navo kunorevei kuvanhu vanoteerera? Johani anonyora kuti: “[Jehovha] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Nyika inova paradhiso!

Naizvozvo bhuku reZvakazarurwa rinopedzisa mashoko eBhaibheri. Kuburikidza noUmambo hwaMesiya, zita raJehovha rinotsveneswa uye uchangamire hwake hunorevererwa zvakakwana nokusingaperi!

Kubva mubhuku reZvakazarurwa.