Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 24

Pauro Anonyorera Ungano

Pauro Anonyorera Ungano

Tsamba dzaPauro dzinosimbisa ungano yechiKristu

UNGANO yechiKristu yakanga ichangoumbwa yaizova nebasa rinokosha mukuzadzika kwechinangwa chaJehovha. Asi pasina nguva, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakatanga kutambudzwa. Vaizoramba vakaperera here kuna Mwari pakutarisana nokutambudzwa nevanhu vaiva kunze kweungano uye pakutarisana nengozi dzisinganyatsooneki dzaibva kune vaiva muungano? Magwaro echiKristu echiGiriki ane tsamba 21 dzaipa mazano uye dzaikurudzira zvakakodzera.

Patsamba idzi, 14 dzacho—kubva pana vaRoma kusvika pana VaHebheru—dzakanyorwa nomuapostora Pauro. Tsamba idzi dzakapiwa mazita maererano nevadzainyorerwa—angava munhu mumwe chete kana vanhu veimwe ungano. Ona dzimwe nyaya dzinotaurwa mutsamba dzaPauro.

Nyevero nezvetsika uye mufambiro. Vaya vanoita ufeve, upombwe nezvimwe zvivi zvakakomba “havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (VaGaratiya 5:19-21; 1 VaKorinde 6:9-11) Vanamati vaMwari vanofanira kubatana pasinei nokuti ndevenyika ipi. (VaRoma 2:11; VaEfeso 4:1-6) Vanofanira kuzvipira pakubatsira vavanonamata navo vachifara. (2 VaKorinde 9:7) Pauro anoti: “Rambai muchinyengetera.” Kutaura zvazviri, vanamati vanokurudzirwa kudurura mwoyo yavo kuna Jehovha mumunyengetero. (1 VaTesaronika 5:17; 2 VaTesaronika 3:1; VaFiripi 4:6, 7) Kuti minyengetero yedu inzwiwe naMwari, tinofanira kunyengetera nokutenda.VaHebheru 11:6.

Chii chichabatsira mhuri kuti dzibudirire? Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Vakadzi vanofanira kuremekedza varume vavo zvikuru. Vana vanofanira kuteerera vabereki vavo, nokuti izvi zvinofadza Mwari. Vabereki vanofanira kutungamirira uye kudzidzisa vana vavo norudo, vachishandisa zvinotaurwa neShoko raMwari.VaEfeso 5:22–6:4; VaKorose 3:18-21.

Chinangwa chaMwari chinojekeswa. Zvakawanda zvakataurwa muMutemo waMosesi zvakabatsira kudzivirira uye kutungamirira vaIsraeri kusvikira Kristu asvika. (VaGaratiya 3:24) Zvisinei, vaKristu havafaniri havo kuchengeta Mutemo iwoyo kuti vanamate Mwari. Paainyorera vaHebheru—vaKristu vakambova muchiJudha—Pauro akajekesa zvikuru zvairehwa noMutemo uye kuti chinangwa chaMwari chaizozadzika sei pana Kristu. Pauro akatsanangura kuti zvikamu zvakasiyana-siyana zveMutemo wacho zvaikosha munyaya youprofita. Somuenzaniso, kubayira mhuka kwaifananidzira chibayiro chorufu rwaJesu, chaizoita kuti zvivi zvikanganwirwe zvechokwadi. (VaHebheru 10:1-4) Achishandisa rufu rwaJesu, Mwari akadzima sungano iyoyo yoMutemo, nokuti yakanga isingachadiwi.VaKorose 2:13-17; VaHebheru 8:13.

Mirayiridzo pakurongeka kwakakodzera kweungano. Varume vanoda kuita mabasa muungano vanofanira kuva netsika dzakanaka uye vanofanira kurarama maererano nezviri muBhaibheri. (1 Timoti 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9) Vanamati vaJehovha Mwari vanofanira kugara vachiungana nevavanonamata navo kuti vakurudzirane. (VaHebheru 10:24, 25) Misangano yokunamata inofanira kuvaka uye kudzidzisa.1 VaKorinde 14:26, 31.

Muapostora Pauro paakazonyora tsamba yake yechipiri kuna Timoti, akanga adzoka kuRoma; ari musungwa achimirira kutongwa. Vanhu vashomanana chete vaiva noushingi ndivo vakamushanyira. Pauro aiziva kuti nguva yake yakanga yava pfupi. Akati: “Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda.” (2 Timoti 4:7) Zvimwe Pauro akazourayirwa kutenda kwake pashure penguva pfupi. Asi nanhasi tsamba dzomuapostora wacho dzichiri kutungamirira vanamati vaMwari.

—Kubva pana VaRoma; 1 VaKorinde; 2 VaKorinde; VaGaratiya; VaEfeso; VaFiripi; VaKorose; 1 VaTesaronika; 2 VaTesaronika; 1 Timoti; 2 Timoti; Tito; Firimoni; VaHebheru.