Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
Unofunga kuti . . .
-
ndiMwari here?
-
vanhu here?
-
ndiSatani here?
BHAIBHERI RINOMBOTII?
“Satani ndiye anotonga pasi pano.”—1 Johani 5:19, Bhaibheri Rinoera.
‘Mwanakomana waMwari akauya . . . kuzoparadza mabasa aSatani.’—1 Johani 3:8, Bhaibheri Rinoera.
ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?
Uchawana tsanangudzo dzinonzwisisika dzekuti matambudziko ari munyika ari kubva kupi.—Zvakazarurwa 12:12.
Uchawana chikonzero chekutenda kuti nyika ino ichachinja, yonaka.—1 Johani 2:17.
TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?
Hongu. Tine zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tidaro:
-
Utongi hwaSatani hahuna kwahuchasvika. Jehovha haasi kuzosiya Satani achiramba achitonga vanhu. Anovimbisa ‘kuparadza Dhiyabhorosi,’ obvisa zvakaipa zvese zvakakonzerwa naSatani.—VaHebheru 2:14, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.
-
Mwari akasarudza Jesu Kristu kuti atonge nyika. Jesu akasiyana zvachose nemutongi wenyika ariko iye zvino ane utsinye, anongotsvaga zvakamunakira. Achitaura nezveutongi hwaJesu, Mwari akavimbisa kuti: “Achanzwira tsitsi munhu akaderera uye murombo . . . Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—Pisarema 72:13, 14.
-
Mwari haanyepi. Bhaibheri rinonyatsoti: ‘Hazvibviri kuti Mwari areve nhema.’ (VaHebheru 6:18) Kana Jehovha akavimbisa kuita chimwe chinhu, zvakangofanana nekuti atochiita! (Isaya 55:10, 11) “Mutongi wenyika ino achadzingwa.”—Johani 12:31.
ZVEKUFUNGA NEZVAZVO
Nyika ichange yaita sei kana mutongi wayo abviswa?
Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana PISAREMA 37:10, 11 naZVAKAZARURWA 21:3, 4.