VHIDHIYO 1
Chiedza Chechokwadi Chinovhenekera Nyika
Pakutanga Shoko rakanga riina Mwari uye riri mwari (gnj 1 00:00–00:43)
Shoko rakashandiswa naMwari kusika zvinhu zvese (gnj 1 00:44–01:00)
Upenyu nechiedza zvakavapo pachishandiswa Shoko (gnj 1 01:01–02:11)
Rima harina kukunda chiedza (gnj 1 02:12–03:59)
Ruka anonyorera Tiyofiro tsamba achitsanangura mamiriro akanga akaita zvinhu nezvikonzero zvekunyora tsamba yacho (gnj 1 04:13–06:02)
Gabrieri anotaura nezvekuberekwa kwaJohani Mubhabhatidzi (gnj 1 06:04–13:53)
Gabrieri anotaura nezvekuberekwa kwaJesu (gnj 1 13:52–18:26)
Mariya anoshanyira hama yake Erizabheti (gnj 1 18:27–21:15)
Mariya anokudza Jehovha (gnj 1 21:14–24:00)
Johani anoberekwa uye anotumidzwa zita (gnj 1 24:01–27:17)
Uprofita hwaZekariya (gnj 1 27:15–30:56)
Mariya anobata pamuviri pemweya mutsvene; zvinoitwa naJosefa (gnj 1 30:58–35:29)
Josefa naMariya vanoenda kuBhetrehema uye Jesu anozvarwa (gnj 1 35:30–39:53)
Ngirozi dzinozviratidza kuvafudzi vari kumafuro (gnj 1 39:54–41:40)
Vafudzi vanoenda kuchidyiro chezvipfuwo (gnj 1 41:41–43:53)
Josefa naMariya vanoenda naJesu pamberi paJehovha kutemberi (gnj 1 43:56–45:02)
Simiyoni anowana ropafadzo yekuona Kristu (gnj 1 45:04–48:50)
Ana anotaura nezvemwana wacho (gnj 1 48:52–50:21)
Vazivi venyeredzi vanoshanya uye Herodhi anoronga zano rekuda kuuraya Jesu (gnj 1 50:25–55:52)
Josefa anotora Mariya naJesu votizira kuIjipiti (gnj 1 55:53–57:34)
Herodhi anouraya vana vechikomana muBhetrehema nemumaruwa aro ese (gnj 1 57:35–59:32)
Vabereki vaJesu vanoenda kunogara kuNazareta (gnj 1 59:34–1:03:55)
Jesu ane makore 12 uye ari patemberi (gnj 1 1:04:00–1:09:40)
Jesu anodzokera kuNazareta nevabereki vake (gnj 1 1:09:41–1:10:27)
Chiedza chechokwadi chakanga chava kuda kuuya munyika (gnj 1 1:10:28–1:10:55)