Enda pane zvauri kuda

Unoona Sei Bhaibheri?

Unoona Sei Bhaibheri?

Ungati . . .

  • ibhuku reuchenjeri hwevanhu here?

  • ibhuku rengano here?

  • iShoko raMwari here?

BHAIBHERI RINOMBOTII?

“Magwaro ese akafemerwa naMwari.”​—2 Timoti 3:16, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?

Uchawana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo inokosha muupenyu.​—Zvirevo 2:1-5.

Uchatungamirirwa pane zvaunoita zuva nezuva.​—Pisarema 119:105.

Uchava netariro yeramangwana rakajeka.​—VaRoma 15:4.

TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?

Hongu. Tine zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tidaro:

  • Mashoko aro anopindirana zvinoshamisa. Bhaibheri rakatora makore 1 600 richinyorwa nevanhu vangasvika 40. Vakawanda vavo havana kumbobvira vaonana. Asi zviri mubhuku racho rese zvinopindirana, uye rinonyanya kutaura nezvenyaya imwe chete!

  • Rinotaura zvakaitika risingavanzi zvimwe. Kazhinji vaya vanonyora zvakaitika havatauri nezvekukundwa kwakaitwa vanhu vavo. Asi vanyori veBhaibheri vainyatsonyora zvese zvavakakanganisa ivo pachavo nezvakakanganiswa nevanhu vavo.​—2 Makoronike 36:15, 16; Pisarema 51:1-4.

  • Uprofita hwakavimbika. Bhaibheri rakagara rataura nezvekuparadzwa kweguta rainzi Bhabhironi, zvikazoitika kwapfuura makore anenge 200. (Isaya 13:17-22) Rakataura kuti Bhabhironi raizoparadzwa sei uye rakataurawo zita remunhu wacho aizorikunda!​—Isaya 45:1-3.

    Pane humwe uprofita hwakawanda hwakazadziswawo pasina kana chaisara. Izvi zvinonyatsoratidza kuti Bhaibheri iShoko raMwari.​—2 Petro 1:21.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

Shoko raMwari ringavandudza sei upenyu hwako?

Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana ISAYA 48:17, 18 na2 TIMOTI 3:16, 17.