Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakapindwa Muropa Nezvinhu Zvemagetsi Zvinofambisa Mashoko Here?

Ndakapindwa Muropa Nezvinhu Zvemagetsi Zvinofambisa Mashoko Here?

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndakapindwa Muropa Nezvinhu Zvemagetsi Zvinofambisa Mashoko Here?

Ndezvipi zvakafanana zvinoitwa nevatatu ava?

“Handitombogoni kugara ndisingatumiri mameseji! Ndinofunga kuti hapana chinonakidza kupfuura izvi. Handimbozvirambi nyangwe ukanditi ndizvo zvandava kuraramira.”—Alan. *

“Amai vangu vakanditengera TV yomumba mangu, uye ndakafara zvokubata denga. Panzvimbo pokuti ndirare usiku, ndairara ndakasvinura ndichiiona. Ndaisarudza kuona TV panzvimbo pokuswera ndiine vemumhuri kana kuti shamwari.”—Teresa.

“Ndakapedza nguva yakareba ndisingakwanisi kuenda kumwe kunhu kana kuita chimwe chinhu ndisina kumbodongorera paIndaneti kuti ndione kana pasina anditumira meseji. Pandaipepuka pakati pousiku ndaibva ndangovhura Indaneti. Pose pandaingowana mukana ndaibva ndawedzera zvandinoda kuisa paIndaneti.”—Anna

Pane vechiduku vatatu ava ndeupi waungati akapindwa muropa nechimwe chezvinhu zvinofambisa mashoko?

Alan Teresa Anna

VABEREKI vako pavaiyaruka, TV neredhiyo ndizvo zvinhu zvemagetsi zvaishandiswa pakufambisa mashoko. Kare ikako, foni dzaingoshandiswa pakufona pasina zvimwe zvakawanda-wanda zvavaigona kuita nadzo uye dzaingova foni dzomumba. Kwauri, izvi zvinoita sezvakanyanya kuva zvechinyakare here? Mumwe musikana anonzi Anna ndizvo zvaaifunga. Anoti, “Makore aikura vabereki vangu kwakanga kusati kwava nezvigadzirwa zvemagetsi zvakadai semaserura. Iye zvino vari kutotambura kuti vazive kuti zvimwe zviri pamaserura avo zvinoshandiswa sei!”

Mazuva ano wava kugona kufona, kuteerera mumhanzi, kuona firimu, kutamba mutambo, kunyorera shamwari dzako mae-mail, kutora mapikicha, uye kushandisa Indaneti—uchingoshandisa kamudziyo kanokwana muhomwe yako. Nemhaka yokuti uri kukura uchishandisa makombiyuta, maserura, TV uye Indaneti, unogona kuona sokuti hapana chakaipa nokugara wakangoti tsiki-tsiki pazvinhu izvi. Zvisinei, vabereki vako vangaona sokuti uri kunyanyisa. Kana vakakutaurira kuti unenge uri kunyanyisa, usaisa zvimiti munzeve uchifunga kuti havazivi zvemazuva ano. Mambo akachenjera Soromoni akati: “Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari.”—Zvirevo 18:13.

Unombofungawo here kuti nei vabereki vako vachinetseka? Zviongorore uchishandisa zvinotevera kuti uone kana paine zviratidzo zvokuti wava kunyanyisa pakushandisa zvimwe zvigadzirwa zvemagetsi zvinofambisa mashoko.

‘Ndapindwa Muropa Here?’

Imwe enisaikoropidhiya inorondedzera kupindwa muropa “setsika yokungoramba uchiita zvinhu zvakafanana zvokuti haukwanisi kana kuti haudi kuzvirega, pasinei nematambudziko angazovapo.” Tichishandisa tsanangudzo iyi, vechiduku vatatu vataurwa patangira nyaya ino vakambopindwa muropa kana kuti vakatopindwa muropa nezvinhu zvemagetsi zvinofambisa mashoko. Ko iwewo? Mundima dzinotevera, tsanangudzo iyi yakamurwa kuva zvikamu-zvikamu. Verenga zvakataurwa nevamwe, woona kana wakambozvitaurawo kana kuti kuzviita. Wadaro, chinyora mhinduro dzako.

Kutadza kuzvidzora. “Ndaipedza maawa nemaawa ndichitamba mitambo yemavhidhiyo. Zvainditadzisa kurara uye pose pandaiva nevamwe ndiyo yaingova nyaya. Ndakanga ndava kuzviita zindoga ndisisina nguva yokuva nevanhu vomumhuri yedu uye ndakanga ndanyura mumitambo yemavhidhiyo.”—Andrew.

Unofunga kuti pazuva unofanira kupedza nguva yakareba sei uchishandisa zvinhu izvi? ․․․․․

Ko vabereki vako vanoti unofanira kupedza nguva yakawanda sei? ․․․․․

Zuva nezuva unopedza nguva yakawanda sei uchitumira mameseji, uchiona TV, uchiisa mapikicha uye mashoko paIndaneti, uchitamba mitambo yemavhidhiyo, nezvimwewo? ․․․․․

Kana ukatarisa mhinduro dzako pamusoro apa, ungati uri kunyanyisa pakushandisa zvinhu izvi here?

□ Hungu □ Kwete

Haukwanisi kana kuti haudi kuzvirega. “Vabereki vangu vanogara vachindiona ndichingonyora mameseji uye vanonditi ndiri kunyanyisa. Asi kana ndichizvienzanisa nevamwe vezera rangu, zvangu zvitori nani. Ndiri kureva kuti, kana ndichizvienzanisa nevabereki vangu, chokwadi ndinotumira mameseji kupfuura zvavanoita. Asi izvi zvakaita sokuenzanisa maapuro nemaorenji—ivo vane makore 40 uye ini ndine 15.”—Alan.

Vabereki vako kana kuti shamwari dzako vakambokuudza kuti unopedza nguva yakawandisa uchishandisa chimwe chezvinhu izvi here?

□ Hungu □ Kwete

Zviri kukunetsa here kuti uzvidzore pakushandisa zvinhu izvi kana kuti hautombodi kusiyana nazvo?

□ Hungu □ Kwete

Matambudziko angazovapo. “Shamwari dzangu dzinogara dzichingotumira mameseji, kunyange padzinenge dzichityaira. Chokwadi izvozvo zvine ngozi!”—Julie.

“Pandakatanga kuva neserura, ndaigara ndichifonera kana kuti kutumira vamwe mameseji. Ndizvo chete zvandaingoswera ndichiita. Zvakabva zvakanganisa ukama hwangu nevemumhuri yedu kusanganisira nedzimwe shamwari dzangu. Iye zvino ndava kuona kuipa kwazvo nokuti patinenge tichikurukura neshamwari dzangu, unonzwa mumwe achiti: ‘Mira ndimbopindura meseji.’ Ndizvo zvinoita kuti ndisava pedyo navo.”—Shirley.

Paunenge uchityaira kana kuti uri mukirasi, unomboverenga kana kutumira mameseji here?

□ Hungu □ Kwete

Paunenge uchikurukura nevemumhuri yako kana kuti neshamwari, unoramba uchimbodimburira nyaya dzacho kuti upindure mae-mail, udavire foni kana kuti meseji here?

□ Hungu □ Kwete

Kushandisa kwaunoita zvigadzirwa zvemagetsi kuri kukudyira nguva yaunofanira kurara kana kuti kukuvhiringidza pakudzidza here?

□ Hungu □ Kwete

Zvaungaita Kuti Uve Nemwero

Kana uchishandisa zvimwe zvinhu zvemagetsi zvinofambisa mashoko—ingava kombiyuta, serura kana kuti zvimwewo, zvibvunze mibvunzo mina iri pasi apa. Kushandisa mazano ari muBhaibheri uye kuita zvaunonzi uite worega zvaunonzi usaita kuchakudzivirira uye kuchaita kuti uzvidzore.

1. Zvii zvirimo? ‘Zadzai pfungwa dzenyu nezvinhu zvakanaka chete, zvamunozorumbidzwa nazvo: zvinhu zvechokwadi zvinopa rukudzo, zvakarurama, zvakachena, zvinofadza, nezvinorumbidzwa.’—VaFiripi 4:8, Bhaibheri Rinoera.

Unofanira kuramba uchikurukura neshamwari uye nevomumhuri muchitaura nyaya dzinovaka uye mafungiro enyu.—Zvirevo 25:25; VaEfeso 4:29.

Haufaniri kuparadzira makuhwa akaipa, kutumira mameseji kana mapikicha anoratidza zvounzenza, kana kuona mavhidhiyo kana kuti mapurogiramu ounzenza.—VaKorose 3:5; 1 Petro 4:15.

2. Ndirini pandiri kuzvishandisa? “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa.”—Muparidzi 3:1.

Unofanira kuzviisira muganhu wenguva yauchapedza uchitumira mameseji, kudavira foni, kuona mavhidhiyo kana kuti uchitamba mitambo. Kana uchiita zvinhu zvinokosha zvakadai sokuva pamisangano yokunamata, dzima foni yako kuratidza kuti unozvikoshesa. Mameseji ako unogona kuzoaona wapedza zvauri kuita.

Haufaniri kuita kuti kushandisa kwaunoita zvinhu izvi kukupedzere nguva yaunofanira kunge uine shamwari nevomumhuri, nguva yokudzidza, kana kuti yokuita zvinhu zvine chokuita nokunamata.—VaEfeso 5:15-17; VaFiripi 2:4.

3. Ndiri kushamwaridzana nani? “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaKorinde 15:33.

Unofanira kushandisa zvinhu izvi zvemagetsi kusimbisa ushamwari nevanhu vanokukurudzira kuti uve netsika dzakanaka.—Zvirevo 22:17.

Haufaniri kuzvinyengera—uchatevedzera maitiro, matauriro uye mafungiro evaya vaunosarudza kushamwaridzana navo kuburikidza nee-mail, mameseji, TV, mavhidhiyo, kana kuti Indaneti.—Zvirevo 13:20.

4. Ndiri kupedza nguva yakawanda sei? ‘Iva nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’—VaFiripi 1:10.

Unofanira kunyora pasi nguva yaunopedza uchishandisa zvinhu izvi.

Haufaniri kuisa zvimiti munzeve kana shamwari dzako kana kuti vabereki vako vakati uri kupedza nguva yakawandisa uchishandisa zvimwe zvezvinhu izvi.—Zvirevo 26:12.

Achitaura nezvokuva nemwero pakushandisa zvinhu izvi zvemagetsi, Andrew ambotaurwa nezvake, anogumisa nyaya yacho zvakanaka achiti: “Kushandisa zvinhu izvi kunonakidza, asi kwenguva diki chete. Ndakadzidza kusabvumira zvigadzirwa zvemazuva ano kuti zvindiparadzanise nevomumhuri yangu uye neshamwari dzangu.”

Dzimwe nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa panzvimbo yokubudisira mashoko inonzi www.watchtower.org/ype

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 27]

ZVINOTAURWA NEVAMWE VEZERA RAKO

“Vabereki vangu vaigara vachindiudza kuti ‘Nemashandisiro aunoita serura, tichatokunamira zvigunwe zvako neguruu pafoni!’ Mazuva okutanga ndaiti vari kutamba asi ndakatozoona kuti vairevesa. Iye zvino handichangonyori-nyori mameseji uye ndiri kunyatsonzwa kuti ndava kufara!”

“Ndakanga ndisingagoni kugara ndisina kuona kuti hapana mameseji apinda here paIndaneti pose pandaiwana mukana. Ndakanga ndisingachaiti basa randaipiwa kuchikoro kuti ndiitire kumba kusanganisira kuverenga. Iye zvino ndakagadzirisa dambudziko iri uye ndinoona sokuti ndabvisirwa mutoro unorema. Hazvidi kunyanyisa.”

[Mifananidzo]

Jovarny

Mariah

[Bhokisi riri papeji 28]

“NDAIVA NDAKAPINDWA MUROPA NEINDANETI”

“Makore mashomanana apfuura, mhuri yedu yakatama. Ndaida kuramba ndichiziva zvaiitika kushamwari dzangu, uye vakandikumbira kuti ndiende pane imwe nzvimbo paIndaneti pokuti ndaigona kuona mifananidzo yavo ivo vachionawo yangu. Zvaiita senzira yakanakisisa yokuti ndirambe ndichiziva zvaiitika kwavari. Ndaizenge ndichingotaura nevanhu vandaiziva, kwete vandisingazivi, saka handina kumboona chakaipa nazvo.

“Pakutanga, hapana kumbova nedambudziko. Ndaienda paIndaneti kamwe pavhiki ndichida kuona mifananidzo yeshamwari dzangu uye ndichitaurawo zvandaifunga nokuverenga zvakanga zvanyorwawo nevamwe nezvemifananidzo yangu. Nenguva isipi ndakanga ndatopindwa muropa ndisingachabvi paIndaneti. Sezvo ndakanga ndava kungogara ndiri paIndaneti, vanhu vaishamwaridzana neshamwari dzangu vakatanga kuzviona, uye vose vaida kuti ndive shamwari yavo. Munongozivawo zvinoitika, kana shamwari yako ikakuudza kuti munhu uyu anonakidza, unobva wabvuma. Pasina nguva unotozoona wava neshamwari dzepaIndaneti 50.

“Ndakanga ndava kungogara ndichingofunga zvokuenda paIndaneti. Kunyange pandakanga ndava kuita zvimwe paIndaneti ndainzwa ndichida kumboona zvekare kana pasina mumwe anditumira meseji uye ndaidawo kutumira mapikicha matsva. Ndaiti ndikaverenga zvakanyorwawo nomumwe, ndoisa kavhidhiyo, uye ndichakavarairwa kudaro, ndaizongoona nguva yatopera.

“Zvakaramba zvichiitika kwerinenge gore nehafu, ndikatozoona kuti ndakanga ndatopindwa muropa. Asi iye zvino handichangoendi-endi paIndaneti uye ndiri kusimbirira pakushamwaridzana nevanhu vandinenge ndichionana navo uye vandinoziva kuti vane tsika dzakafanana nedzangu. Dzimwe shamwari dzangu hadzinzwisisi kuti ndiri kuzviitirei, asi ndakadzidza chidzidzo.”—Ellen, 18.

[Bhokisi riri papeji 28]

WADII KUBVUNZA VABEREKI VAKO?

Dzimwe nguva ungashamisika paunotanga kutaura nevabereki vako nezvezvinhu zvinovaraidza. “Pane imwe nguva baba vangu vaifungira kuti mimhanzi yandaiteerera yakanga isina kunaka,” anodaro mumwe musikana anonzi Cheryl. “Ndakavakumbira kuti tigare pasi tose toteerera CD racho rose ravaifungidzira kuti rakashata. Vakabvuma. Tapedza vakanditi havana kumboona chakaipa naro!”

Nechepasi apa, nyora mubvunzo waungada kubvunza vabereki vako nezvezvinhu zvemagetsi zvinofambisa mashoko.

[Bhokisi riri papeji 29]

MASHOKO KUVABEREKI

Nguva inopedzwa nemwana wenyu ari kuyaruka ari paIndaneti, achitumira mameseji asingaperi uye yaanenge akati tsiki-tsiki nekamuchina kanoridza mimhanzi kanonzi MP3 player, yakawanda kupfuura yaanopedza achitaura nemi here? Kana achidaro, mungaitei?

Zvamunogona kuita kumutorera mudziyo wacho. Asi musafunga kuti midziyo yose yemagetsi inofambisa mashoko yakaipa. Pamwe imiwo muri kutoshandisa midziyo yemagetsi yakanga isiko nguva yakararama vabereki venyu. Munogona kumutorera kana maona kuti pane chikonzero chakanaka chokuti mudaro. Asi pane kungotorera mwana wenyu mudziyo wake, munogona kushandisa mukana wacho kumudzidzisa kuti ashandise mudziyo wacho zvakanaka. Mungazviita sei?

Garai pasi mokurukura nyaya yacho nemwana wenyu. Kutanga, mutaurirei kuti nei musingafadzwi nemashandisiro aanoita mudziyo wake. Chechipiri, teererai zvaachataura. (Zvirevo 18:13) Chechitatu, tsvakai mazano anoshanda. Musatya kumupa mitemo yakasimba asi kwete kuzobva manyanyisa. (VaFiripi 4:5) Ellen ambotaurwa pakutanga anoti: “Pandakanga ndava kuti sika-sika nokutumira mameseji, vabereki vangu havana kunditorera foni yangu asi vakandipa mitemo. Zvavakaita izvi zvakandibatsira kuti nditumire mameseji zvine mwero, kunyange kana vasingandioni.”

Ko kana mwana wenyu akaramba zvamuri kumuudza? Musakurumidza kufunga kuti mwana wenyu haasi kuteerera zano renyu. Asi, ivai nomwoyo murefu mopa mwana wenyu mukana wokuti afungisise nezvenyaya yacho. Kazhinji mwana wenyu anenge achitobvumirana nemi uye kuti anenge achizogadzirisa maitiro ake. Vechiduku vakawanda vanoita saHailey uyo anoti: “Pakutanga ndakagumbuka chaizvo vabereki vangu pavakandiudza kuti ndakanga ndapindwa muropa nekombiyuta. Asi nokufamba kwenguva, pandakafungisisa nezvazvo, ndakabva ndaonawo kuti chokwadi zvavaitaura ndizvo.”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Zvinhu zvinofambisa mashoko zvemagetsi zvinokuita muranda here?