Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sayenzi neBhaibheri Zvinowirirana Here?

Sayenzi neBhaibheri Zvinowirirana Here?

Zvinotaura Bhaibheri

Sayenzi neBhaibheri Zvinowirirana Here?

“Mufaro wandinowana musayenzi unobva panguva dzandinombodzidza chinhu chitsva uye pakuzviudza kuti, ‘Saka ndiwo maitirwo azvakaitwa naMwari!’”​—HENRY SCHAEFER, PUROFESA WEKEMISITIRI.

SAYENZI ine zvakawanda zvainoita kutibatsira kunzwisisa zvinhu zvakasikwa, inobudisa pachena kurongeka, kururama, uye kuoma kwakaita kuzvinzwisisa, zvinozoita kuti vakawanda vazive nezvaMwari ane uchenjeri nesimba zvisingagumi. Mumaonero avo, sayenzi haingobudisi pachena nezvezvinhu zvakasikwa chete, asi inobudisawo mafungiro aMwari.

Maonero akadaro anotsigirwa zvikuru muBhaibheri. VaRoma 1:20 inoti: “Zvaari zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.” Pisarema 19:1, 2 inotiwo: “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari; nzvimbo huru yokudenga inozivisa basa remaoko ake. Zuva rimwe pashure perimwe zuva rinoita kuti kutaura kubude, usiku humwe pashure pohumwe usiku hunoratidza zivo.” Asi, pasinei nokushamisa kunoita zvinhu zvakasikwa, zvose zvinongoratidza zvinhu zvishomanana nezvoMusiki wedu.

Zvisingagoni Kuitwa Nesayenzi

Sayenzi haigoni kutidzidzisa chokwadi chose pamusoro paMwari. Somuenzaniso, musayendisiti angakwanisa kutsanangura zvose zvinoumba keke, asi ongororo yake inobudisa pachena here kuti keke racho rakabikirwei uye rakabikirwa ani? Kuti awane mhinduro dzemibvunzo yakadaro dzinonzi nevanhu vakawanda ndidzo dzinonyanya kukosha, anofanira kubvunza munhu akabika keke racho.

Saizvozvowo, sayenzi “inopa mashoko akawanda ezvinoitika chaizvo,” akanyora kudaro mumwe anoita zvefizikisi wokuAustria uye akahwina mubayiro weNobel anonzi Erwin Schrödinger, “asi hapana kana zvainombotaura pane zvose . . . zvinonyatsodiwa nemwoyo yedu, zvinonyatsokosha kwatiri.” Anoti izvi zvinosanganisira “Mwari uye kusaguma.” Somuenzaniso, Mwari chete ndiye anogona kupindura mibvunzo yakadai seyokuti: Nei zvinhu zvose zvakasikwa? Nei nyika yedu iine zvinhu zvakawanda zvine upenyu, kusanganisira zvisikwa zvakachenjera? Kana Mwari ari wemasimbaose zvechokwadi, nei achibvumira uipi uye kutambura? Uye pane tariro here pashure perufu?

Mwari akapindura here mibvunzo iyoyo? Hungu, anopindura mibvunzo yacho muBhaibheri. (2 Timoti 3:16) Ungabvunza kuti, ‘Asi ndingava sei nechokwadi kuti Bhaibheri rakabva kuna Mwari?’ Pamaonero esayenzi, zvinotaurwa neBhaibheri nezvezvinhu zviri munyika zvinofanira kuwirirana nezvinotaurwa nesayenzi kuti ndizvo chaizvo zvinoitika, nokuti Mwari haambozvipikisi. Ndizvo zvakaita Bhaibheri here? Chimbofunga mienzaniso mishoma.

Rinotaura Zvinhu Zvaisazivikanwa Panguva Yarakanyorwa

Panguva yainyorwa Bhaibheri, vanhu vakawanda vaidavira kuti vanamwari vakawanda vaigara panyika uye vanamwari ivavo, kwete mitemo yezvinhu zvakasikwa, ndivo vaidzora zuva, mwedzi, mamiriro ekunze, kuberekwa kwevana, zvichingodaro. Asi vaprofita vaMwari vechiHebheru vekare vakanga vasingadaviri kudaro. Chokwadi, vaiziva kuti Jehovha Mwari aigona kudzora zvinhu zvakasikwa uye kuti akatombozviita pane dzimwe nguva. (Joshua 10:12-14; 2 Madzimambo 20:9-11) Zvisinei, John Lennox, purofesa wemasvomhu paUniversity of Oxford kuEngland, akaona kuti vaprofita ivavo “vaisafanira havo kurega kudavira muna vanamwari vacho [vemungano]. . . , pamusana pokuti havana kumbobvira vadavira kuti vanamwari vacho variko. Kudavira muna Mwari Mumwe Chete Wechokwadi, Musiki wedenga nenyika, ndiko kwakaita kuti vasadavira muna vanamwari ivavo.”

Kudavira izvozvo kwakavadzivirira sei pakudavira mashura? Chimwe chinhu ndechokuti Mwari wechokwadi akavazivisa kuti ndiye anodzora zvinhu zvose zvakasikwa achishandisa mitemo kana kuti mirau. Somuenzaniso, makore anopfuura 3 500 akapfuura, Jehovha Mwari akabvunza mushumiri wake Jobho kuti: “Wava kuziva mirau yokumatenga here?” (Jobho 38:33) Muzana remakore rechinomwe B.C.E., muprofita Jeremiya akanyora nezve“mirau yokudenga neyepanyika.”—Jeremiya 33:25.

Nokudaro, vose vakararama munguva dzekare vaitenda muzvakanyorwa nevaprofita vanotaurwa muBhaibheri vaigona kuziva kuti zvinhu zvakasikwa zvinodzorwa nemitemo, kwete navanamwari vemungano vasingagoni kuvimbwa navo. Saka, vanhu ava vaitya Mwari vakanga vasingakotamiri zvinhu zvakasikwa, zvakaita sezuva, mwedzi, kana nyeredzi, uye vakanga vasingadaviri kuti zvinoshura. (Dheuteronomio 4:15-19) Asi, vaiona mabasa aMwari sezvinhu zvokudzidza nezvazvo zvinoratidza uchenjeri hwaMwari, simba rake uye humwe unhu.—Pisarema 8:3-9; Zvirevo 3:19, 20.

VaHebheru vekare vaidavirawo zvinodavirwa nemasayendisiti akawanda mazuva ano, kuti zvinhu zvakasikwa zvine pazvakatangira. Genesisi 1:1 inoti, “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” Uyewo, makore anenge 3 500 akapfuura, Mwari akazivisa mushumiri wake Jobho kuti nyika ‘yakaturikwa pasina chinhu.’ (Jobho 26:7) Uyezve, makore anopfuura 2 500 akapfuura, muprofita Isaya akanyora kuti nyika idenderedzwa.—Isaya 40:22. *

Chokwadi, Bhaibheri rinowirirana nechokwadi chinotaurwa nesayenzi nezvezvinhu zvakasikwa. Kutaura zvazviri, zvinhu zviviri izvi, Bhaibheri nesayenzi, hazvingowirirani chete—zvinotibatsira kudzidza nezvaMwari. Kufuratira chimwe chazvo kwakafanana nekusavhura rimwe dhoo rekuziva nezvaMwari.—Pisarema 119:105; Isaya 40:26.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Kuti udzidze zvakawanda nezvokuvapo kwaMwari uye kururama kwakaita Bhaibheri, tapota verenga bhurocha rinonzi Was Life Created? uye bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?

● Zvinhu zvakasikwa zvinotiudzei nezvaMwari?—VaRoma 1:20.

● Ichokwadi chipi nezvaMwari chisingakwanisi kutsanangurwa nesayenzi?2 Timoti 3:16.

● Nei vaprofita vekare vaMwari wechokwadi vakanga vasingadaviri kuti kuna vanamwari vakawanda vanodzora zvinhu zvakasikwa?—Jeremiya 33:25.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 25]

Zvinhu zvakasikwa zvinodzorwa nemitemo—“mirau yokudenga neyepanyika.”—JEREMIYA 33:25