Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Hwangu Hwave Huine Zvikomborero Zvakawanda

Upenyu Hwangu Hwave Huine Zvikomborero Zvakawanda

Upenyu Hwangu Hwave Huine Zvikomborero Zvakawanda

Yakataurwa naHerawati Neuhardt

Ndakaberekerwa kuCirebon, Indonesia, guta rine mukurumbira pamusana pemachira aro akanaka zvikuru anonzi batik, akaita zvokudhirowewa nemaoko uye anodhayiwa nemavara anonyatsooneka. Upenyu hwangu somumishinari hwave hwakaita sebatik iyoyo—hwakaita sehune mavara akasiyana-siyana pamusana pokusangana kwandave ndichiita nevanhu vane tsika dzakasiyana-siyana kuSoutheast Asia uye kuSouth Pacific. Regai nditsanangure.

AMAI vangu vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha muna 1962, pandaiva nemakore gumi. Nokufamba kwenguva, amai nababa, vose vakaberekerwa kuIndonesia asi vari vokuChina, uyewo vana vavo vashanu kusanganisira ini, takava Zvapupu.

Mamishinari uye vatariri vanofambira vaishanyira ungano yedu kuti vazotikurudzira mune zvokunamata vaiwanzogara pamba pedu. Ndakabatsirwa zvikuru nemuenzaniso wavo wakanaka uye kukurukura kwavaiita zvinovaka. Pandakanga ndava nemakore 19, ndakasarudza kuita ushumiri hwechiKristu hwenguva dzose. Rinenge gore pashure pacho, ndakaroorana naJosef Neuhardt, mumishinari wechiGerman akanga auya kuIndonesia muna 1968. Pashure pokumbozorora tichangobva kuchata, takatamira kuSumatra, chitsuwa chechipiri pakukura pazvitsuwa zvokuIndonesia zvinopfuura 17 000. Ikoko ndakabatana naJosef mubasa rake rokuva mutariri anofambira, raisanganisira kushanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha.

Kuparidza muSumatra

Dunhu redu, kana kuti nzvimbo yatakanzi tinoshandira, raitangira muguta rinopisa uye rine vanhu vakawanda rinonzi Padang, riri kuWest Sumatra, kusvika kuLake Toba rakanaka zvikuru, gungwa rakavapo pamusana pokuputika kwemakomo riri munzvimbo yakakwirira kuNorth Sumatra. Pave paya takazonzi tinoshanda kumaodzanyemba kwechitsuwa chacho. Taigara tichifamba nemotokari yedu yakanga yava nemazuva yerudzi rweVolkswagen Beetle, tichifamba nemigwagwa yemusango ine makomba, tichiyambuka mazambuko aiva asina kusimba aitepuka tepuka akagadzirwa nemiti yekokonati, uye tichifamba nechemuzasi memakomo anoputika—mamwe achiri kuputika, mamwe haasisiri kuputika. Usiku tairara pasi mudzimba dzisina zvakawanda dzaiva dzisina magetsi, pombi dzemvura kana dzimba dzokugezera. Taigezera uye taiwachira mumadziva nemunzizi. Tairarama upenyu husina zvakawanda uye taida vanhu. Vaitigamuchira zvakanaka nokutipa zvokudya, uye vakawanda vaifarira Bhaibheri.

MuPadang, vanhu vechiMinangkabau, vakawanda vacho vari vechiMuslim, vakashamisika uye vakafara patakavaratidza kubva muBhaibheri kuti Mwari mumwe chete, haasi Utatu sezvinotaurwa nemachechi echiKristudhomu. (Dheuteronomio 6:4) Vanhu vakawanda vakagamuchira magazini eNharireyomurindi neMukai! vachifara, uye vamwe vaifarira vakazofambira mberi mune zvokunamata. KuLake Toba, vanhu vechiBatak, vakawanda vacho vanozviti vaKristu vaiziva zita raMwari, Jehovha, nokuti vairiona muBhaibheri ravo rechiBatak. (Pisarema 83:18) Asi, vaifanira kunyatsonzwisisa nezvaMwari uye chinangwa chake nokuda kwevanhu. Vakawanda vacho vakabvuma kudzidza Bhaibheri uye vakava vaevhangeri vechiKristu vanoshingaira.

Kuudza Vanhu vomuJava Nezvetariro Yedu

Muna 1973, ini naJosef takanzi tinoshandira kuJava, chitsuwa chakakura sehafu yeGreat Britain, chine vagari vanopfuura mamiriyoni 80. * Takaparidza mashoko akanaka kumapoka evanhu vechiJava, Sunda, uye vechiChina.

Pamusana pekuti ndiri munhu wokuChina akarererwa kuIndonesia, ndaitaura mitauro yakati oo, inosanganisira Javanese, Sundanese, Indonesian, uyewo Chirungu. Pamusana peizvozvo, ndainakidzwa nekukurukura nezveBhaibheri kwandaiita nevanhu vakawanda mumutauro waamai vavo.

MuJakarta, guta guru rokuIndonesia riri kuJava, ndakaparidza nezvetariro youpenyu husingaperi muParadhiso kune mumwe musikana wemakore 19 akanga akasuruvara. Pandaiverenga muBhaibheri, akatanga kusvimha misodzi. Akataura achishandisa shoko rairatidza rudo uye ruremekedzo achiti, “Maita basa, Mhamha, nokundiudza zvinhu izvi.” Akawedzera kuti: “Mangwana chaiye ndiri kuda imwe mari inosvika 1 500 000 rupiah [U.S. $160] yokubhadhara kuyunivhesiti, uye ndanga ndichitofunga zvokutengesa umhandara hwangu kuti ndiwane mari yacho. Musati mauya, ndanga ndichinyengeterera kuti ndizive zvokuita. Iye zvino ndava kuziva zvokuita. Ndatsunga kuzoita zvidzidzo zvangu pave paya ndoramba ndiine tsika dzakachena.” Musikana wacho akafara kudzidza zvakawanda kubva muBhaibheri.

Kubvira pandakasangana nemusikana iyeye, vamwe vakawanda vechiJava, Sunda uye vechiChina vakaita kuti upenyu hwavo huenderane nemitemo inobatsira iri muShoko raMwari. Izvi zvakaitawo kuti vawane rugare rwepfungwa uye mufaro sezvakavimbiswa naMwari.—Isaya 48:17, 18.

Kalimantan—Musha WevaDayak

Tichibva kuJava, ini naJosef takatamira kuKalimantan, dunhu rokuIndonesia riri kuBorneo, chitsuwa chechitatu pakukura pazvitsuwa zviri munyika yose (chinotevera Greenland neNew Guinea). Borneo inyika ine masango ane miti yakawanda, makomo, uye nzizi dzakakura, uye inogara vanhu vechiChina, vaMuslim vechiMalay uye zvidza zvemo zvinonzi vaDayak. VaDayak vanhu vanowanzogara munzizi, pane imwe nguva vaiva vanhu vanotyisa vaidimbura misoro yevavengi vavo voichengeta semikombe inoratidza kukunda kwavo.

Kuti tisvike kumisha yevaDayak yaiva kure, taiwanzofamba nechikepe kana kuti neigwa munzizi dzakanga dziine mvura yakachena uye dzaiva dzakavharwa nemiti yakawanda. Makarwe akakura aizambira zuva mumicheto yenzizi, tsoko dzaititarisa dziri mumiti, uye shiri dzairatidza minhenga yadzo ine mavara akawanda. Chokwadi, basa roumishinari ikoko rainakidza zvikuru!

Mhuri dzakawanda dzevaDayak dzaigara mudzimba dzakavakwa pamusoro pematanda uye dzakavakwa nemapango neuswa. Dzimwe dzimba dzacho dzaiva diki; dzimwewo dzaiva dzakakura uye dzaigarwa nemhuri dzakawanda. Vanhu vakawanda vakanga vasati vamboona munhu wokuEurope, saka vaida chaizvo kuona Josef. Vana vaimhanya nemusha wese vachishevedzera kuti, “Mufundisi! Mufundisi!” Vanhu vese vaibva vauya kuzonzwa kuti mushumiri wechichena uyu aida kutaurei. Josef aitaura achiturikirwa neZvapupu zvemunzvimbo yacho, uye zvaizoronga kuti zvidzidze Bhaibheri nevakawanda vaifarira.

Takanzi tinoshandira kuPapua New Guinea

Nemhaka yekushora kwakanyanya kwaibva kuvanhu vezvitendero, hurumende yekuIndonesia yakarambidza basa reZvapupu zvaJehovha muna December 1976. Ini naJosef takazopedzisira tanzi tinoshandira kuPapua New Guinea.

Tasvika muPort Moresby, guta guru renyika yacho, takaita kosi yemwedzi miviri yokudzidzira Hiri Motu, mutauro wavanoshandisa pakutengeserana. Takazotamira kuDaru, kachitsuwa kaduku kari mupurovhinzi iri kure nechekumadokero. Ikoko ndakasangana naEunice, zigadzi, rakasimba, raifarirwa, raiva nemazino akatsvukuruka nokutsenga betel nut kwemakore. Paakadzidza kuti Mwari anoda kuti vashumiri vake vave vakachena mumuviri, mutsika uyewo mune zvokunamata, Eunice akarega tsika yake yanga yava muropa uye akava muKristu akatendeka. (2 VaKorinde 7:1) Pose pataiona vanhu vakadaro vaizvininipisa vachishandisa chokwadi chiri muBhaibheri, taiwedzera kunzwisisa mashoko ari pana Pisarema 34:8 anoti: “Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka.”

Nokufamba kwenguva, Josef akagadzwa somutariri anofambira zvakare, uye takashanyira dzinenge nzvimbo dzose dziri muPapua New Guinea, nyika ine mitauro inenge 820. Kuitira kuti tikwanise kutaura nevanhu vakawanda, takawedzera mumwe mutauro pane yataikwanisa kutaura—Tok Pisin, mutauro wemunyika yacho unotaurwa nemapoka evanhu vemitauro yakasiyana-siyana. Kuti tisvike kumataundi nemisha yakawanda, taifamba netsoka, motokari, zvikepe, nendege diki uye taitsungirira kupisa kwakanga kusingaiti, mosikito, uye kugara tichibatwa nemarariya.

Muna 1985 takanzi tinoshanda semamishinari kuSolomon Islands, kumabvazuva kwePapua New Guinea. Takashanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yeikoko uye taishanyira zvitsuwa zvacho tichikurudzira ungano uye tichinopinda magungano echiKristu. Taifanira zvakare kudzidza mutauro mutsva—chiPidgin chokuSolomon Islands. Asi zvaifadza zvikuru kukurukura nevanhu vaida Bhaibheri vokuSolomon Islands!

Rwendo Rwakanga Rwakandiomera Zvikuru

Muna 2001, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kubvumirwa pamutemo muIndonesia, uye ini naJosef takadzokera kuJakarta. Zvisinei, pasina nguva yakareba, mudiwa wangu akaonekwa kuti ane chirwere chakaipa zvikuru chemelanoma, kenza yeganda inouraya. Takaenda kuGermany, kumusha kwaJosef kuti anorapwa. Asi zvinosuruvarisa kuti akafa muna 2005, musi watakasvitsa makore 33 taroorana, iye zvino akamirira kumutsirwa kuupenyu munyika itsva inenge yava Paradhiso. (Johani 11:11-14) Akanga ava nemakore 62 uye apedza makore 40 ari mubasa renguva yakazara.

Ndakaramba ndiri muJakarta uye ndiko kwandichiri kushumira semumishinari. Ndinosuwa murume wangu zvikuru. Asi kudzidzisa vamwe chokwadi chinokosha chinowanika muShoko raMwari kunondibatsira kutsungirira, nokuti ushumiri hunoita kuti ndinyatsogutsikana uye ndive nechinangwa muupenyu. Chokwadi, ndinogona kutaura nechivimbo kuti Jehovha akandipa upenyu hune zvakawanda zvinonakidza uye hune zvikomborero zvakawanda.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mazuva ano vagari vomuJava vanopfuura mamiriyoni 120.

[Mepu iri papeji 21]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

INDONESIA

Java

JAKARTA

Cirebon

Sumatra

Padang

Lake Toba

Borneo

PAPUA NEW GUINEA

PORT MORESBY

Daru

SOLOMON ISLANDS

[Mufananidzo uri papeji 22]

Herawati aine mumwe mudzidzi weBhaibheri nevana vake vaviri vokuSolomon Islands

[Mufananidzo uri papeji 22]

Ndiina Josef kuHolland, nguva duku asati afa muna 2005