Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Mhuka

Mhuka

Mhuka dzine zvadzinoita paupenyu hwemunhu mumwe nemumwe. Mabatiro atinoita mhuka ane basa here?

Tinofanira kubata sei mhuka?

ZVINOTAURWA NEVANHU

Vamwe vanofunga kuti vanogona kuita chero zvavada nemhuka. Asi vamwe vanoti mhuka dzinofanira kubatwa sezvinongoitwawo vanhu.

  • Mumwe murume anorwira kodzero dzemhuka anotaura kuti mhuka dzinofanira kuva “nekodzero yadzo yokuti dzibatwewo zvakanaka kwete kuti dzingoonekwa sezvinhu zvinogona kuwanisa munhu mari.” Anowedzera kuti: “Tinofanira kurega tsika yekungoita chero zvatada nemhuka.”

  • Vakawanda vanoshamiswa nezvakaitwa nemumwe mukadzi aiva akapfuma chaizvo ainzi Leona Helmsley uyo akasiya $12 miriyoni achiti imbwa yake izochengetwa kana afa uye kuti kana imbwa yacho ikazofa izovigwawo pedyo neguva rake.

Zvokufunga nezvazvo: Unofunga kuti mhuka dzinofanira kubatwa sei?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Musiki weupenyu Jehovha Mwari, akaudza vanhu kuti ‘vave nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.’ (Genesisi 1:28) Saka izvi zvinoratidza pachena kuti Mwari anoona vanhu vakakwirira kana achivaenzanisa nemhuka.

Izvi zvinowedzera kusimbiswa nemashoko okuti: “Mwari akatanga kusika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika munhurume nomunhukadzi.”—Genesisi 1:27.

Kusikwa kwatakaitwa “nomufananidzo waMwari” kunotisiyanisa nemhuka pakuti tinokwanisa kuratidza unhu hwaMwari, hwakadai seuchenjeri, kururamisira, uye rudo. Takasikwa tiine chido chekunamata uye chekuva netsika dzakanaka. Mhuka hadzikwanisi kuita izvi nekuti hadzina kusikwa “nomufananidzo waMwari.” Mhuka dzakaderera kana tichidzienzanisa nevanhu uye hadzina kusikwa kuti dzibatwe sezvinoitwa vanhu.

Izvi zvinoreva here kuti vanhu vanofanira kubata mhuka neutsinye? Kwete.

“Unofanira kuita basa rako mazuva matanhatu; asi urege pazuva rechinomwe, kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore.”Eksodho 23:12.

Kuuraya mhuka kwakaipa here?

ZVINOTAURWA NEVANHU

Vamwe vavhimi uye vabati vehove vanoita mitambo yekuuraya mhuka, kana kunakidzwa nekuona kuti ndiani anouraya dzakawanda. Vamwe vanobvumirana naLeo Tolstoy, munyori wemabhuku wekuRussia, uyo akanyora kuti kuuraya mhuka uye kudzidya “chitori chivi.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Mwari anobvumira vanhu kuuraya mhuka kuti dzisavakuvadza uye kuti vawane zvekupfeka. (Eksodho 21:28; Mako 1:6) Bhaibheri rinotiwo vanhu vanogona kuuraya mhuka kuti vawane zvokudya. Genesisi 9:3 inoti: “Mhuka dzose mhenyu dzinofamba dzingava zvokudya zvenyu.” Jesu chaiye akabatsira vadzidzi vake kuti vabate hove dzavakazodya.—Johani 21:4-13.

Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoti Mwari ‘anovenga munhu wose anoda zvechisimba.’ (Pisarema 11:5) Mashoko aya anoratidza kuti Mwari haadi kuti tikuvadze mhuka kana kudziuraya nechinangwa chekungonakidzwa kana kuti chemakwikwi.

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anokoshesa chaizvo upenyu hwemhuka.

  • Bhaibheri rinotaura kuti panguva yaaisika zvinhu, ‘Mwari akaita mhuka dzomusango maererano nemarudzi adzo nezvipfuwo maererano nemarudzi azvo nezvinokambaira zvose zvenyika maererano nemarudzi azvo. Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.’Genesisi 1:25.

  • Bhaibheri rinotaura nezvaJehovha richiti: “Anopa mhuka zvokudya zvadzo.” (Pisarema 147:9) Mwari akasika nyika nezvose zviri mairi kuti mhuka dziwane zvekudya zvakakwana nepokugara.

  • Mambo wevaIsraeri ainzi Dhavhidhi akanyengetera achiti: “Haiwa Jehovha, munoponesa munhu nemhuka.” (Pisarema 36:6) Somuenzaniso, Jehovha paakaparadza nyika yose nemafashamo, akachengetedza vanhu 8 nemarudzi ose emhuka.—Genesisi 6:19.

Zviri pachena kuti Jehovha anokoshesa chaizvo mhuka dzaakasika, uye anoda kuti vanhu vadzikoshesewo sezvaanoita.

“Munhu akarurama anotarisira mweya wechipfuwo chake.”Zvirevo 12:10.