Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | TSIKA DZAKAENDEPI?

Zvokuita Pakutsiura Vana

Zvokuita Pakutsiura Vana

ICHOKWADI kuti kurera vana ibasa rakaoma. Asi kana mukasaranga mwana iye achifanira kurangwa zvinoita kuti basa racho ritowedzera kuoma. Nei? Nokuti kana vasingarangwi (1) vanopedzisira vasingachadzoreki, zvotambudza vabereki, uye (2) kana vabereki vakachinja-chinja zvavanotaura zvichaita kuti vana vapedzisire vasingachazivi kuti chakanaka kana chakaipa ndechipi.

Asi kana mwana akarangwa zvine rudo mukati, zvichamubatsira kugadzirisa mafungiro ake ova munhu kwaye. Zvichaitawo kuti paachakura kuva munhu mukuru haazonetseki. Asi ndekupi kwamungawana mazano anokubatsirai pakurera vana venyu?

Kubatsira Kunoita Mazano eBhaibheri

Zvapupu Jehovha ndizvo zvinobudisa magazini ino uye zvinobvuma kuti Bhaibheri ‘rinobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu uye pakuranga.’ (2 Timoti 3:16) Bhaibheri harisi bhuku rokurera vana; asi kuti mazano arimo anonyatsobatsira mhuri. Ona mimwe mienzaniso.

BHAIBHERI RINOTI: ‘Upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womwana.’Zvirevo 22:15.

Kunyange zvazvo vana vangagona kuita zvinhu zvakanaka uye zvinoratidza kuti vanoshandisa pfungwa, dzimwe nguva vanomboita zvinhu zveupenzi. Saka vanoda kupota vachirangwa. (Zvirevo 13:24) Kuziva izvi kuchakubatsira kuti ukwanise kuita basa rako semubereki.

BHAIBHERI RINOTI: ‘Usarega kuranga mwana.’Zvirevo 23:13.

Haufaniri kutyira kuti ukaranga vana vako unovakuvadza kana kuti vanozokuvenga. Kana vakarangwa zvakanaka zvichaita kuti vazvininipise vobvuma kutsiurwa, uye pavanokura havazombonetseki pavanotsiurwa.VaHebheru 12:11.

BHAIBHERI RINOTI: “Zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.”VaGaratiya 6:7.

Zviri muropa kuti vabereki vade kudzivirira vana vavo, uye hapana chakaipa. Asiwo hazvidi kuzonyanyisa. Kana mwana wenyu aine mhosva dzaapara momhanyirira kumununura kana kuti mukaudzwa nemudzidzisi kana nemumwe munhu mukuru nezvemisikanzwa yake asi moedza kumureverera, hapana kubatsira kwamunenge muchiita mwana. Itoonai vanhu vakadaro sevanokubatsirai. Mukadaro muchabatsira mwana wenyu kuti ateerere vanhu vakuru, kusanganisira imi.VaKorose 3:20.

BHAIBHERI RINOTI: ‘Mwana anongoregwa hake achanyadzisa amai vake.’—Zvirevo 29:15.

Ivai nerudo, musachinja zvamunenge mataura, uye ivai vanonzwisisa

Kunyange zvazvo vabereki vasingafaniri kushungurudza vana, havazofaniriwo kuvarega vachingoita zvavanoda. Bhuku rinonzi The Price of Privilege rinoti, “Mwana anongoregwa achiita zvaanoda haazozivi kuti vabereki ndivo vanotungamirira pamba.” Kana musingaratidzi kuti ndimi muri kutungamirira, mwana wenyu achafunga kuti ndiye ari kutungamirira. Pakupedzisira mwana wenyu achaita zvisina musoro zvoita kuti imi pamwe chete naye murwadziwe.Zvirevo 17:25; 29:21.

BHAIBHERI RINOTI: ‘Murume achanamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe.’Mateu 19:5.

Bhaibheri rinoti murume nemudzimai vanofanira kutanga varoorana vasati vabereka vana uye voramba vari vose vana pavanenge vachikura uye pavanozobva pamba. (Mateu 19:5, 6) Saka izvi zvinoratidza kuti chinotanga kuva murume nemudzimai, kwozotevera kuva mubereki. Asi kana mwana akanyanya kukosheswa kudarika wanano yenyu ‘achanyanya kuzvifunga kupfuura zvaanofanira kufunga.’ (VaRoma 12:3) Izvozvo zvichapedzisira zvakanganisa wanano yenyu.

Mazano Anobatsira Vabereki

Kuti mukwanise kuita basa renyu semubereki, munofanira kushandisa mazano aya.

Ivai nerudo. “Musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”VaKorose 3:21.

Musachinja zvamunenge mataura. “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.”Mateu 5:37.

Ivai vanonzwisisa. “Ndichakururamisa zvakafanira.”Jeremiya 30:11. *

^ ndima 21 Kuti uwane mamwe mashoko enda pajw.org. Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VAKAROORANA UYE VABEREKI, paunowana nyaya dzakadai seidzi “Kuranga Vana,” “Mungaita Sei Kana Mwana Achishusha,” “Dzidzisai Vana Venyu Kuzvibata,” uye “Kudzidzisa Mwana Kuti Akuteererei.”