Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | VANHU VAKARATIDZWA KUDENGA VAKAONEI?

Ndivanaani Vanogara Kudenga?

Ndivanaani Vanogara Kudenga?

Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vakaratidzwa zvakaita kudenga. Patinoverenga zvavakaona tinoita setiri kudongorera zvakaitawo kudenga. Zvinhu izvi zvakaonekwa hazvifaniri hazvo kutorwa sezvazviri asi zvinotibatsira kunzwisisa kuti ndivanaani vanogara kudenga uye kuti vanotibatsira sei. Chimboona zvimwe zvacho.

JEHOVHA NDIYE WEMASIMBAOSE

“Chigaro choumambo chakanga chiri panzvimbo yacho mudenga, paine akanga agere pachigaro chacho choumambo. Iye akanga agere ipapo, aiva nechitarisiko chakaita sedombo rejaspa nedombo dzvuku rinokosha, uye chigaro choumambo chakanga chakakomberedzwa nomuraraungu une chitarisiko chakaita seemaradhi.”—Zvakazarurwa 4:2, 3.

“Aipenya kumativi ose. Kwaiva nechimwe chinhu chakaita somuraraungu unobuda mugore gobvu pazuva rinonaya mvura zhinji. Ndizvo zvakanga zvakaita kupenya kwacho kumativi ose. Kwakanga kwakaita sokubwinya kwaJehovha.”—Ezekieri 1:27, 28.

Muapostora Johani nemuprofita Ezekieri pavairondedzera runako rwaJehovha Mwari Wekumusoro-soro, vakataura zvinhu zvatinoziva zvakadai sematombo anopenya, muraraungu nechigaro cheumambo chakanaka chaizvo. Zvavakaona zvinotiratidza kuti nzvimbo inogara Jehovha yakanyanya kunaka uye ine runyararo.

Zvavakaona izvi zvinoenderana nezvakataurwa nemunyori wepisarema paakati: “Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa kwazvo. Anotyisa kupfuura vamwe vanamwari vose. Nokuti vanamwari vose vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira; asi Jehovha, ndiye akasika matenga. Kukudzwa nokubwinya zviri pamberi pake; simba norunako zviri munzvimbo yake tsvene.”—Pisarema 96:4-6.

Kunyange zvazvo Jehovha ari iye Wemasimbaose, anotiudza kuti tinyengetere kwaari uye anotivimbisa kuti anotinzwa. (Pisarema 65:2) Mwari anotida chaizvo zvekuti muapostora Johani akazonyora kuti: “Mwari rudo.”—1 Johani 4:8.

JESU ANOGARA NAMWARI

“[Stefani], azere nomudzimu mutsvene, akanyatsotarira kudenga, akaona kubwinya kwaMwari nokwaJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari, akati: ‘Tarirai! Ndinoona matenga akavhurika uye Mwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.’”—Mabasa 7:55, 56.

Stefani akataura izvi amire pamberi pevatungamiriri vechiJudha avo vainge vaurayisa Jesu. Zvakaonekwa naStefani zvairatidza kuti Jesu akanga amutswa uye atova nechinzvimbo chepamusoro. Muapostora Pauro achitaura nezvenyaya iyi akati: ‘Jehovha paakamutsa Jesu kubva kuvakafa, akamugarisa kuruoko rwake rworudyi munzvimbo dzokudenga, kumusorosoro kwehurumende dzose nechiremera nesimba noushe nemazita ose anodanwa, kwete chete mumamiriro ezvinhu epanguva ino, asiwo mune aya achauya.’—VaEfeso 1:20, 21.

Magwaro haangogumiri pakutaura nezvechinzvimbo chepamusoro chaJesu, asi anotaurawo kuti akafanana naJehovha pakuti ane rudo nevanhu. Paaiva panyika, Jesu akaporesa vairwara nevakaremara uye akamutsa vakafa. Kuzvipira kufa kwaakaita kwakaratidza kuda kwakadzama kwaanoita Mwari uye vanhu. (VaEfeso 2:4, 5) Jesu ava pedyo kushandisa simba raakapiwa kuti akomborere vanhu vese vanoteerera.

NGIROZI DZINOSHUMIRA MWARI

“[Ini Dhanieri] ndakaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoumambo zvaiswa, Akakwegura Pamazuva [Jehovha] akagara ipapo. . . . Paiva nezviuru zvine chiuru zvairamba zvichimushumira, uye zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi zvairamba zvimire pamberi pake chaipo.”—Dhanieri 7:9, 10.

Dhanieri paakaratidzwa zvakaita kudenga akaona ngirozi dzakawanda. Akashamiswa chaizvo nezvaakaona! Ngirozi hadzina muviri wenyama, dzine simba uye dzakangwara. Dzimwe dzinonzi maserafi uye dzimwe makerubhi. Bhaibheri rinotaura nezvengirozi kanopfuura ka250.

Ngirozi hadzisi vanhu vaimborarama panyika. Mwari akadzisika asati atombosika vanhu. Nyika payakasikwa, ngirozi dzakashevedzera dzichirumbidza.—Jobho 38:4-7.

Ngirozi dzakatendeka dzinobatsirawo pabasa rinokosha riri kuitwa mazuva ano rekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Muapostora Johani akaratidzwa zvadzinoita pabasa iri paakati: “Ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga, uye yakanga iine mashoko akanaka asingaperi okuti izivise semashoko anofadza kune vaya vanogara panyika, nokumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu.” (Zvakazarurwa 14:6) Kunyange zvazvo ngirozi dzisingachatauri nevanhu sezvadzaiita kare, dzinobatsira vanenge vachiparidza kuti vaende kune vanhu vanoda kudzidza Shoko raMwari.

SATANI ANOTSAUSA VANHU VAKAWANDA

“Hondo yakavapo mudenga: Mikaeri [Jesu Kristu] nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa asi haina kukunda, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanikazve kudenga. Naizvozvo dhiragoni huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa; akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.”—Zvakazarurwa 12:7-9.

Rugare rwaiva kudenga rwakambovhiringidzwa. Jehovha paakasika vanhu vekutanga, pane imwe ngirozi yakachiva kunamatwa ichibva yapanduka, uye yakazonzi Satani kureva kuti “Mudzivisi.” Dzimwe ngirozi dzakazopandukawo uye ndidzo dzakazonzi madhimoni. Dzinovenga Jehovha uye dziri kuita kuti vanhu vakawanda vaite zvinhu zvinopesana nezvaanoda.

Satani nemadhimoni ake vane utsinye husingaiti. Vanoshungurudza vanhu uye ndivo vari kukonzera zvakaipa zvakawanda zviri kuitika. Semuenzaniso, Satani akauraya zvipfuwo zvaJobho uye vashandi vake. Zvadaro, akakonzeresa “mhepo huru” yakaparadza imba yaiva nevana 10 vaJobho uye vese vachibva vafiramo. Satani akabva arova Jobho “nemamota akaipa kubvira pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake.”—Jobho 1:7-19; 2:7.

Satani ava pedyo kuparadzwa. Kubvira paakakandwa panyika, anoziva kuti “ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:12) Satani ari kuzoparadzwa uye kuziva izvozvo kunofadza chaizvo!

VAYA VANOTORWA PANYIKA

‘Jesu akatengera Mwari vanhu kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi, uye akaita kuti vave umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.’—Zvakazarurwa 5:9, 10.

Kune vamwe vachamutswa kubva kuvakafa sezvakaitwa Jesu, kuti vanoraramawo kudenga. Akaudza vaapostora vake vakatendeka kuti: “Ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo. Uyewo, . . . ndichadzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandinenge ndiri, kuti pandinenge ndiri imi muvepowo.”—Johani 14:2, 3.

Vaya vanoenda kudenga vane basa ravachanoita. Ivo pamwe chete naJesu, vachaumba hurumende kana kuti Umambo huchatonga pasi rese uye vachakomborera vanhu vanenge vari panyika. Umambo uhwu ndihwo hwaitaurwa naJesu paakaudza vateveri vake kuti vanyengetere vachiti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mateu 6:9, 10.

CHII CHICHAITWA NEVANOENDA KUDENGA?

“[Ini Johani] ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, . . . achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Izvi zvichaitika Umambo hwaMwari pahuchabvisa utongi hwaSatani uye hwoita kuti nyika ive paradhiso. Umambo uhwu hunoumbwa naJesu nevaya vanoenda kudenga. Matambudziko ese achange asisipo. Kunyange rufu chairwo kuchange kusisina.

Ko ruzhinji rwevanhu vakafa uye vasiri kuzomutswa vachienda kudenga vachaitwa sei? Vachamutswa kuti vararame nekusingaperi muparadhiso pano panyika.—Ruka 23:43.

Zvakaonekwa izvi zvinotibatsira kuziva kuti Jehovha Mwari neMwanakomana wake Jesu Kristu, nengirozi dzakatendeka uyewo vaya vakatengwa kubva panyika, vose vanoda kuti tirarame upenyu hwakanaka. Kana uchida kuziva zvimwe zvavachaita, taura neZvapupu zvaJehovha kana kuti enda pawebsite yedu inonzi www.pr418.com, kana kuti dhaunirodha bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?