Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | NHEMA DZINOITA KUTI VANHU VASADA MWARI

Zvii Zvinotadzisa Vamwe Kuda Mwari?

Zvii Zvinotadzisa Vamwe Kuda Mwari?

“‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga.”—Akataurwa naJesu Kristu muna 33 C.E. *

Vakawanda vanoomerwa nokuda Mwari. Vanoona sokuti Mwari haanzwisisiki, haana basa nesu, uye ane utsinye. Ona mashoko anotevera akataurwa nevamwe:

  • “Ndakanyengetera kuna Mwari kuti andibatsire, asi ndainzwa sokuti haana basa neni. Ndaisaona Mwari somunhu chaiye.”—Marco, wokuItaly.

  • “Kunyange zvazvo ndaida kunamata Mwari nomwoyo wose, ndaiona sokuti haatombondifariri. Ndaifunga kuti ndiMwari ane utsinye, anongotiranga chete. Ndaisambofunga kuti angandida.”—Rosa, wokuGuatemala.

  • “Ndichiri mudiki, ndaifunga kuti Mwari aingotsvaga zvatinokanganisa, obva atiranga paaiona zvakakodzera. Ndakazopedzisira ndava kumuona seasingambondifariri. Mwari aiita semutungamiriri wehurumende anoda kuona zvose zvinoitwa nevanhu vaanotungamirira, asi asinganyatsovafariri.”—Raymonde, wokuCanada.

Ko iwe unofungei? Zvakaoma here kuti usvike pakuda Mwari? Mubvunzo uyu wange uchibvunzwa nevaKristu kwemazana emakore. Chokwadi ndechokuti kubvira kuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E., vakawanda vaigara munyika dzechiKristu vaisatombonyengetera kuna Mwari Wemasimbaose. Nemhaka yei? Vaitya kutaura naye. Munyori wenhoroondo dzekare, Will Durant akataura nezvazvo achiti: “Mutadziwo zvake angaedza sei kunyengetera kumunhu ari pachigaro chinotyisa uye chiri kure zvakadaro?”

Mwari akasvika sei pakuonekwa “seanotyisa uye asingambofariri vanhu”? Bhaibheri rinombodzidzisei nezvaMwari? Kudzidza chokwadi nezvaMwari kungaita kuti umude here?