Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Ndivanaani vachaenda kudenga uye vachaenda kunoitei?

Mamiriyoni akawanda evanhu anoda kuenda kunogara kudenga. Jesu akati vaapostora vake vakatendeka vaizonogara kudenga. Asati afa, Jesu akavavimbisa kuti aizovagadzirira nzvimbo kudenga kuna Baba vake.—Verenga Johani 14:2.

Sei vanhu vachizomutswa kubva panyika kuti vanogara kudenga? Vachanoitei ikoko? Jesu akaudza vaapostora vake kuti vaizova madzimambo. Vachatonga nyika.—Verenga Ruka 22:28-30; Zvakazarurwa 5:10.

Vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga here?

Munyika dzakawanda, vanhu vashomanana chete ndivo vanotonga. Sezvo Jesu achimutsa vanhu kuti vanogara kudenga kuitira kuti vazotonga nyika ino, taizotarisira kuti vanosarudzwa vacho vave vashoma. (Ruka 12:32) Bhaibheri rinotaura nhamba yevachatonga naJesu.—Verenga Zvakazarurwa 14:1.

Jesu akagadzirira vamwe vateveri vake nzvimbo kudenga. Unoziva here kuti vachanoitei ikoko?

Asi vaya vanoenda kudenga havasirivo chete vachapiwa mubayiro. Vaya vanozviisa pasi peUmambo hwaJesu vachanakidzwa neupenyu husingaperi muparadhiso panyika pano. (Johani 3:16) Vamwe vachapinda muParadhiso pashure pokunge vapona pachaparadzwa vanhu vakaipa. Vamwe vachapinda kana vamutswa kubva kuvakafa.—Verenga Pisarema 37:29; Johani 5:28, 29.