Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | NHEMA DZINOITA KUTI VANHU VASADA MWARI

Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Haana Zita

Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Haana Zita

ZVINOTENDWA NEVAKAWANDA

“Hatisati tabvumirana kuti Mwari ane zita, uye kana tikabvumirana, hatizivi kuti zita racho ringava ripi.”—Muzvinadzidzo David Cunningham, mubhuku rinonzi Theological Studies.

CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI

Mwari akati: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Isaya 42:8) Jehovha izita rakabva muchiHebheru rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.”—Ona chikamu 1, ndima 1 cheMashoko Okuwedzera, muShanduro yeNyika Itsva.

Jehovha anoda kuti tishandise zita rake. Bhaibheri rinoti: “Danai zita rake. Zivisai zvaakaita pakati pemarudzi. Taurai kuti zita rake rikwidziridzwe.”—Isaya 12:4.

Jesu akashandisa zita raMwari. Akataura kuna Jehovha mumunyengetero achiti: “Ndakavazivisa [vadzidzi vaJesu] zita renyu uye ndicharizivisa.” Nei Jesu akazivisa vadzidzi vake zita raMwari? Akaenderera mberi achiti: “Kuti rudo rwamakandida [Mwari] narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.”—Johani 17:26.

NEI ZVICHIKOSHA

Muongorori wezvechitendero, Walter Lowrie akanyora kuti, “Munhu asingazivi Mwari nezita haasati ava kunyatsomuziva zvaari chaizvo, . . . uye haangasviki pakumuda kana achimuona sesimbawo zvaro risiri munhu.”

Kushandisa mamwe mazita panzvimbo pezita raMwari kwakafanana nekuricheka, uchiribvisa muBhaibheri

Mumwe murume anonzi Victor aienda kuchechi vhiki nevhiki, asi aiona sokuti akanga asinganyatsozivi Mwari. Anoti: “Ndakazoziva kuti zita raMwari ndiJehovha, uye zvakaita sokuti ndakanyatsosumwa kwaari. Ndakanzwa sokuti ndakanga ndazoonana neMunhu wandakanga ndambonzwa zvakawanda nezvake. Ndakasvika pakumuona seMunhu chaiye uye pakuva shamwari yake.”

Jehovha anoswedera pedyo nevanhu vanoshandisa zita rake. Nezve“vaya vanofunga nezvezita rake,” Mwari anovimbisa kuti: “Ndichavanzwira tsitsi, sezvinoita murume anonzwira nyasha mwanakomana wake anomushandira.” (Maraki 3:16, 17) Mwari anokomborerawo vaya vanodana zita rake. Bhaibheri rinoti: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”—VaRoma 10:13.