Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva

Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva

MUBHAIBHERI rako, Pisarema 83:18 rakashandurwa sei? Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene inoshandura ndima iyi seizvi: “Kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, Imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoverengeka dzinoshandura zvakafanana. Zvisinei, shanduro dzakawanda dzinosiya zita rokuti Jehovha, dzichiritsiva nemazita okuremekedza akadai sokuti “Ishe” kana kuti “Asingagumi.” Chii chinofanira kushandiswa pandima iyi? Zita rokuremekedza here kana kuti zita chairo rokuti Jehovha?

Zita raMwari rakanyorwa nemabhii echiHebheru

Ndima iyi inotaura nezvezita chairo. MuchiHebheru chepakutanga chakashandiswa kunyora zvakawanda zviri muBhaibheri, pano pandima iyi pane zita chairo rinomusiyanisa nevamwe vose. Rinopereterwa kuti יהוה (YHWH) nemabhii echiHebheru. MuchiShona, shanduro inozivikanwa zvakanyanya yezita iroro ndeyokuti “Jehovha.” Zita iroro rinongova mundima imwe chete yeBhaibheri here? Kwete. Mumashoko epakutanga eMagwaro echiHebheru ririmo kanoda kusvika ka7 000!

Zita raMwari rinokosha zvakadini? Funga nezvomunyengetero wokuenzanisira wakapiwa naJesu Kristu. Unotanga seizvi: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Gare gare, Jesu akanyengetera kuna Mwari achiti: “Baba, kudzai zita renyu.” Achipindura, Mwari akataura ari kudenga, achiti: “Ndakarikudza uye ndicharikudzazve.” (Johani 12:28) Zviri pachena kuti zita raMwari rinokosha zvakanyanya. Saka, nei vamwe vashanduri vakasiya zita iri chairo mushanduro dzavo dzeBhaibheri vakaritsiva nemazita okuremekedza?

Panoita sepane zvikonzero zvikuru zviviri. Chokutanga, vakawanda vanoti zita racho harifaniri kushandiswa nokuti madudzirwo araiitwa kare haazivikanwi mazuva ano. ChiHebheru chekare chainyorwa chisina mavhawero. Saka, mazuva ano hapana ane chokwadi chaicho chokuti vanhu vomunguva inotaurwa muBhaibheri vaidudza sei YHWH. Zvisinei, izvi zvinofanira kutitadzisa kushandisa zita raMwari here? Munguva inotaurwa muBhaibheri, zita rokuti Jesu ringave raidudzwa kuti Yeshua kana kuti zvichida Yehoshua—hapana anogona kuva nechokwadi. Asi, vanhu munyika yose nhasi vanoshandisa madudzirwo akasiyana-siyana ezita rokuti Jesu, vachizviita maererano nezvinonyanya kuzivikanwa mumutauro wavo. Havambozezi kushandisa zita racho pamusana pokuti havazivi kuti muzana remakore rokutanga raidudzwa sei. Saizvozvowo, kudai waizoenda kune imwe nyika, zvichida waizoona kuti zita rako pachako rinonzwika zvakasiyana chaizvo mune mumwe mutauro. Saka, kusava nechokwadi nemadudzirwo ekare ezita raMwari hachisi chikonzero chokurega kurishandisa.

Chikonzero chechipiri chinowanzopiwa chokusiya zita raMwari muBhaibheri chine chokuita netsika yechiJudha yave iripo kwenguva refu. Vakawanda vavo vanodavira kuti zita raMwari harimbofaniri kududzwa. Zviri pachena kuti kudavira izvi kunobva pakushandiswa zvisina kururama kwomutemo weBhaibheri unoti: “Usashandisa zita raJehovha Mwari wako pasina, nokuti Jehovha haazoregi kuranga munhu anoshandisa zita rake pasina.”—Eksodho 20:7.

Mutemo uyu unorambidza kushandiswa zvisina kukodzera kwezita raMwari. Asi unorambidza here kushandiswa kwezita rake nenzira yokuremekedza? Kana. Vanyori veBhaibheri rechiHebheru (“Testamende Yekare”) vose zvavo vaiva varume vakanga vakatendeka vakararama maererano noMutemo uyo Mwari akapa vaIsraeri vekare. Asi, vaiwanzoshandisa zita raMwari. Somuenzaniso, vakarinyora mumapisarema akawanda aiimbwa zvinonzwika nemapoka evanamati. Jehovha Mwari akatorayira vanamati vake kuti vadane zita rake, uye vaya vakanga vakatendeka vakateerera. (Joeri 2:32; Mabasa 2:21) Saka, mazuva ano vaKristu havazenguriri kushandisa zita raMwari nenzira yokuremekedza, sezvakangoitwa naJesu.—Johani 17:26.

Pavanotsiva zita chairo raMwari nemazita okuremekedza, vashanduri veBhaibheri vanoita chikanganiso chakakomba. Vanoita kuti zviite sokuti Mwari ari kure uye haasi munhu, asi Bhaibheri richikurudzira vanhu kuva “shamwari yepedyo yaJehovha.” (Pisarema 25:14) Funga nezveshamwari yako yepedyo. Zvechokwadi, maizova pedyo zvakadini kudai usina kumboziva zita reshamwari yako? Saizvozvowo, vanhu pavanoramba vasingazivi zita raMwari rokuti Jehovha, zvechokwadi vangava sei pedyo naMwari? Uyezve, vanhu pavasingashandisi zita raMwari, havasviki pakuzivawo zvarinoreva zvinoshamisa. Zita raMwari rinorevei?

Mwari pachake akatsanangura zvinoreva zita rake kumushumiri wake akanga akatendeka Mosesi. Mosesi paakabvunza zita raMwari, Jehovha akapindura kuti: “Ndichava iye wandichava.” (Eksodho 3:14) Shanduro yaRotherham inoshandura mashoko iwayo kuti: “Ndichava chero zvandinoda kuva.” Saka, Jehovha anogona kuva chero zvinenge zvichidiwa kuti azadzise zvinangwa zvake.

Ngatitii waigona kuva chero zvaunoda kuva. Waizoitirei shamwari dzako? Kudai imwe yadzo yaizorwara zvakanyanya, waizova chiremba ane unyanzvi woiporesa. Kudai imwe yaizoshaya mari, waizova mubatsiri akapfuma woiyamura. Zvisinei, chokwadi ndechokuti pane zvinokutadzisa kuva zvaungada kuva. Tose zvedu tinazvo. Sezvaunodzidza Bhaibheri, uchashamisika kuona kuti Jehovha anova sei chero chinenge chichidiwa kuti azadzise zvipikirwa zvake. Uye zvinomufadza kushandisa simba rake kubatsira vaya vanomuda. (2 Makoronike 16:9) Izvi zvinhu zvakanaka chaizvo zvine chokuita nounhu hwaJehovha hazviwanikwi nevaya vasingazivi zita rake.

Zviri pachena kuti zita rokuti Jehovha rinofanira kushandiswa muBhaibheri. Kuziva zvarinoreva uye kurishandisa takasununguka pakunamata kwedu kunobatsira chaizvo pakuswedera pedyo naBaba vedu vokudenga, Jehovha. *

^ ndima 3 Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nezita raMwari, zvarinoreva, uye zvikonzero nei richifanira kushandiswa pakunamata, ona bhurocha rinonzi Zita raMwari Richagara Nokusingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.