MUKAI! Nhamba 1 2017 | Kubatsira Vechidiki Vane Chirwere cheDepression
Vechidiki vakawanda vari kubatwa nechirwere chedepression.
Munofunga kuti vangabatsirwa sei?
Magazini iyi ine mazano ekuti vechidiki vangaita sei nedambudziko iri, uye zvingaitwawo nevabereki kubatsira vana vavo.
NYAYA IRI PAKAVHA
Kubatsira Vechidiki Vane Chirwere cheDepression
Verenga unzwe zviratidzo zvedepression uye zvingangodaro zvichiikonzera. Ona kuti vabereki nevamwewo vangabatsira sei.
Kunyemwerera Kunobatsira
Mumwe munhu watisingazivi kana shamwari dzedu vakangonyemwerera zvichibva pasi pemwoyo, tinobva tangonzwawo kuda kunyemwerera.
ZVINOTAURA BHAIBHERI
Kubvisa Pamuviri
Gore negore, vakadzi vakawanda vari kubvisa pamuviri, zvichibva zvaita kuti vana vanopfuura 50 miriyoni vafe vasati vaberekwa. Kubvisa pamuviri kwakaipa here kana kuti munhu anozvisarudzira?
“Wainyatsoona Kuti Vane Rudo”
Musi weMugovera, 25 April 2015, kuNepal kwakaitika kudengenyeka kwenyika kwaityisa chaizvo. Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza sei rudo rwechokwadi?
MAZANO EKUBATSIRA MHURI
Tenda Zvinoitwawo Nemumwe Wako
Kana murume nemudzimai vakatarisa zvakanaka zvinoitwa nemumwe votendana, zvichaita kuti vawedzere kudanana. Zvii zvaungaita kuti uwedzere kutenda mumwe wako?
ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?
Chinoita Kuti Svosve rekuSahara Desert Risatsva Nezuva
Svosve iri rinokwanisa kushingirira kupisa kwezuva kupfuura dzimwe mhuka. Chii chinoita kuti rikwanise kuita izvi?
Zvimwe Zviri paIndaneti
Ndingaita Sei Kuti Ndisazvidya Mwoyo?
Mazano 5 anogona kukubatsira kuti ukurire kuzvidya mwoyo.
Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira vanenge vawirwa nenjodzi here?
Ona kuti tinobatsira sei vanenge vawirwa nenjodzi kusanganisira vatisinganamati navo.