Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUKAI! Nhamba 1 2018 | Nzira Yekuwana Mufaro

TINGAWANA KUPI MAZANO EKUTI TIFARE MUUPENYU?

Bhaibheri rinoti: “Vanofara vasina mhosva panzira dzavo.”—Pisarema 119:1.

Nyaya 7 dziri mumagazini ino dzine mazano anoshanda anotibatsira kuwana mufaro.

 

Ungauwana Sei

Uri munhu anofara here? Chii chinoita kuti munhu afare?

Kugutsikana Uye Kuva Nerupo

Vakawanda vanoti mufaro unobva pakuva nepfuma. Asi ichokwadi here kuti pfuma ndiyo inoita kuti munhu afare? Ongororo dzakaitwa dzinoratidzei?

Kuva Neutano

Kana tikarwara kana kuti tikaremara, zvinoreva kuti hatichafari here muupenyu?

Rudo

Kudiwa kana kuti kuda vamwe kunoita kuti munhu afare.

Kuregerera

Munhu anogara akagumbuka haana mufaro uye anotokanganisa utano hwake.

Chinangwa Cheupenyu

Kuziva mhinduro dzemibvunzo inokosha muupenyu kunoita kuti tifare.

Tariro

Vakawanda vanoona zvakaoma kuti vafare kana vasingazivi zvichange zvakaita ramangwana ravo uye zvichaitika kuhama dzavo.

Dzidza Zvimwe Pawebsite Yedu

Pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti munhu afare kana kuti asafara. Verenga unzwe kwaungawana mazano anoita kuti ufare usingabhadhari.