MUKAI! Nhamba 2 2018 | Zvinhu 12 Zviri Kubatsira Mhuri Kuti Dzifare
Zvinhu 12 Zviri Kubatsira Mhuri Kuti Dzifare
Tinogara tichinzwa nezvemhuri dzakawanda dziri kuparara. Asi chii chiri kubatsira dzimwe mhuri kuti dzifare?
Kubva muna 1990 kusvika muna 2015, nhamba yevanhu vakarambana kuUnited States yakawedzera. Nhamba yevane makore 50 zvichikwira yakapetwa kaviri uye yevane makore 65 zvichikwira yakapetwa katatu.
Vabereki havachazivi kuti voita sei: Dzimwe nyanzvi pakurera vana dzinoti vana ngavagare vachingorumbidzwa asi vamwe vanoti ngavarangwe kuti vakure vari vana kwavo.
Vechidiki vari kukura vasina ruzivo ruchazovabatsira muupenyu.
Asi chokwadi ndechekuti . . .
Wanano inogona kuita kuti mufare uye muchembedzane.
Vabereki vanogona kuranga vana vavo zvine rudo.
Vechidiki vanogona kuwana ruzivo ruchazovabatsira kana vakura.
Magazini ino ine zvinhu 12 zviri kubatsira mhuri kuti dzifare.
1: Kuzvipira
Zvinhu zvitatu zvinogona kubatsira vakaroorana kuti varambe vari vese.
2: Kushanda Pamwe Chete
Muri kugara muimba imwe chete asi muchiita mazvake mazvake here?
3: Kuremekedzana
Inzwa zvaunofanira kutaura kana kuti kuita kuitira kuti mumwe wako anzwe kuti ari kuremekedzwa.
4: Kuregererana
Zvii zvingakubatsira kuti uregerere mumwe wako?
5: Kukurukura
Zvinhu zvitatu zvinogona kukubatsirai kuti muve pedyo nevana venyu.
6: Kuranga
Kuranga mwana kunoita kuti akure achizvitarisira pasi here?
7: Tsika Neunhu
Unofanira kudzidzisa vana vako tsika dzakaita sei?
8: Zvamunoita
Kana muchida kuti vana venyu vaite zvamunotaura, munofanira kuita zvinoenderana nezvamunotaura.
9: Zvauri
Vechidiki vangaitei kuti vaite zvinoenderana nezvavanotenda?
10: Kuvimbika
Zvakakosha kuti uve munhu anovimbwa nevabereki vako paunenge uchikura.
11: Kushanda Nesimba
Kudzidzira kushanda nesimba uchiri mudiki kunogona kukubatsira kuti zvinhu zvikufambire muupenyu.
12: Zvinangwa
Kuzadzisa zvinangwa kunoita kuti uve nechivimbo, usimbise ushamwari hwako nevamwe uye uwedzere kufara.
Mamwe Mazano Ekubatsira Mhuri
Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti uve nemhuri inofara.