Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHARIREYOMURINDI Nhamba 1 2018 | Bhaibheri Richiri Kushanda Here?

BHAIBHERI RICHIRI KUSHANDA HERE?

Iye zvino zvakwava nemaTV neindaneti, zvine musoro here kutsvaga mazano kubva muBhaibheri? Bhaibheri rinoti:

“Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira.”—2 Timoti 3:16.

Magazini iyi inotibatsira kuona kana zvinotaurwa neBhaibheri zviri zvechokwadi

 

Bhaibheri Richiri Kushanda Here?

Nezvatinowana paTV kana paindaneti, munhu angatsvagirei mazano muBhaibheri rakanyorwa makore anenge 2 000 apfuura?

Zvinodzidziswa neBhaibheri Zvinobatsira

Bhaibheri harina kusara nenguva, zvarinodzidzisa zvichiri kushanda.

Rasara Nenguva Kana Kuti Ritori Kumberi?

Bhaibheri harisi bhuku resainzi, asi zvarinotaura panyaya dzesainzi zvinogona kukushamisa.

1 Bhaibheri Rinokubatsira Kudzivisa Matambudziko

Verenga unzwe kuti Bhaibheri rakabatsira sei vamwe vanhu kuti vasiye zvakaipa zvavaiita.

2 Bhaibheri Rinokubatsira Kugadzirisa Matambudziko

Bhaibheri rinokubatsira kugadzirisa matambudziko kunyange anoita seasiri kupera akadai sekunyanya kuzvidya mwoyo, kuverengera uye kusurukirwa.

3 Bhaibheri Rinokubatsira Kutsungirira Matambudziko

Ko matambudziko ausingakwanisi kudzivisa kana kuti kugadzirisa, akadai sekubatwa nechirwere chisingarapiki?

Zvinotaurwa neBhaibheri Nezveramangwana

Shoko raMwari rinogona kutibatsira pamatambudziko atinosangana nawo. Asi rinoita zvinopfuura ipapo. Rinotibatsirawo kuziva zvichange zvakaita ramangwana.

Unofungei?

Verenga unzwe zvinofungwa nevamwe uye zvinotaurwa neBhaibheri nezvemubvunzo uyu.