Enda pane zvauri kuda

Mepu iri kuratidza nzvimbo dzakaitika mafashamo kumadokero kweCanada

26 NOVEMBER, 2021
CANADA

Kumadokero kweCanada Kwakanaya Mvura Yakawanda Ikakonzera Mafashamo

Kumadokero kweCanada Kwakanaya Mvura Yakawanda Ikakonzera Mafashamo

Kubva musi wa13 kusvika musi wa15 November, 2021, mune dzimwe nzvimbo dziri muBritish Columbia nechekumadokero kweCanada makanaya mvura isingaiti. Munzvimbo 20 kwakanaya mvura yakawanda chaizvo yavasati vambowana pazuva, mudzimwe dzacho yaitopfuura 250 millimeters mumazuva matatu iwayo. Mvura iyi yakakonzera mafashamo uye kukukurwa kwematombo nevhu zvichivhara migwagwa. Zvakasiyawo dzimba dzisisagariki zvekuti vanhu vaitofanira kudzisiya uye vaiva panzendo vakakundikana kuenderera mberi nenzendo dzavo.

Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu

  • Hapana akakuvara

  • Vaparidzi 144 vaitofanira kubva padzimba dzavo

  • Dzimba dzehama dzedu 35 dzakakanganisika

Mabasa Ekuyamura

  • Hofisi yebazi rekuCanada yakaita kuti pave Komiti Yekubatsira Panoitika Njodzi (DRC)

  • Hama nehanzvadzi dzakanga dzasiya misha yadzo dzakanogara neveukama nezvimwe Zvapupu zviri munzvimbo dziri pedyo dzisina kukanganiswa nemvura

  • Vatariri vematunhu nevakuru veungano vari kunyaradza nekukurudzira mhuri dzakawirwa nemafashamo

  • Munzvimbo dziri kunzi nehurumende hadzina njodzi, Komiti Yekubatsira Panoitika Njodzi iri kushanda pamwe chete Dhipatimendi Remapurani Nekuvaka (LDC) kuongorora kuti idzimba ngani dzakakanganisika uye kuti zvii zviri kudiwa kuti dzigadziridzwe

  • Vese vari kushanda pabasa rekuyamura vari kutevedzera mirayiridzo yekuzvidzivirira pachirwere cheCOVID-19

Zvapupu zvakawanda zvakawirwa nemafashamo aya zvakatombosiya misha yazvo nemhaka yedambudziko rekutsva kwakaita masango mwedzi mitatu yakanga yapfuura muna August 2021. Nekuwedzera kuri kuita njodzi dzinongoitika dzega, vanhu vaJehovha vari kubatsirwa nekuteerera mirayiridzo yekuti vagare vaine bhegi rine zvinhu zvekushandisa kana pakaitika njodzi.

Matambudziko anokonzerwa nenjodzi dzinongoitika dzega anogona kuramba achiwedzera asi ticharamba tichivimba nesimba raJehovha rekuponesa.—Habhakuki 3:17, 18.