1 Johani 3:1-24
3 Onai kuti rudo+ rukuru zvakadini rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari;+ uye ndizvo zvatiri. Ndokusaka nyika+ isingatizivi, nokuti haisati yasvika pakumuziva.+
2 Vadiwa, zvino tiri vana vaMwari,+ asi zvatichazova hazvisati zvaratidzwa pachena.+ Tinoziva kuti chero panguva ipi zvayo yaachazoratidzwa pachena+ tichafanana naye,+ nokuti tichamuona sezvaakaita.+
3 Munhu wose ane tariro iyi yakaiswa paari anozvichenesa+ sokuchena kwakaita iyeye.+
4 Munhu wose ane tsika yokuita chivi+ ari kuvawo netsika yokusateerera mutemo,+ naizvozvo chivi+ kusateerera mutemo.
5 Munozivawo kuti Jesu akaratidzwa pachena kuti abvise zvivi zvedu,+ uye maari hamuna chivi.+
6 Munhu wose anoramba ari pamwe+ naye haana tsika yokuita chivi;+ hapana munhu ane tsika yokuita chivi akamuona kana akasvika pakumuziva.+
7 Vana vaduku, ngaparege kuva nomunhu anokutsausai; uyo anoramba achiita zvakarurama akarurama, iyeye zvaakarurama.+
8 Uyo anoramba achiita chivi anobva kuna Dhiyabhorosi, nokuti Dhiyabhorosi ave achitadza kubvira pakutanga.+ Nokuda kwaizvozvi Mwanakomana waMwari akaratidzwa pachena,+ kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.+
9 Munhu wose akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi,+ nokuti mbeu Yake inoramba iri mumunhu akadaro, uye haangavi netsika yokuita chivi, nokuti akaberekwa naMwari.+
10 Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wose asingarambi achiita zvakarurama+ haabvi kuna Mwari, uyewo ndizvo zvakaita uya asingadi hama yake.+
11 Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubvira pakutanga,+ kuti tinofanira kudanana;+
12 hatifaniri kuita saKaini, akabva kune akaipa, akaponda+ munun’una wake. Akamuponderei? Nokuti mabasa ake akanga akaipa,+ asi aya omunun’una wake akanga akarurama.+
13 Hama, musashamiswa kuti nyika inokuvengai.+
14 Tinoziva kuti takabva murufu tikapinda muupenyu,+ nokuti tinoda hama.+ Uyo asingadi hama yake anoramba ari murufu.+
15 Munhu wose anovenga+ hama yake muurayi,+ uye munoziva kuti hapana muurayi+ ane upenyu husingaperi hunoramba huri maari.+
16 Neizvi takasvika pakuziva rudo,+ nokuti iyeye akapa mweya wake nokuda kwedu;+ uye tinosungirwa kuti tipe mweya yedu nokuda kwehama dzedu.+
17 Asi munhu ane zvokutsigira upenyu+ zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa,+ iye oramba kumunzwira tsitsi kwazvo,+ kuda Mwari kunoramba kuri maari sei?+
18 Vana vaduku, ngatiregei kudanana+ neshoko kana norurimi,+ asi nemabasa+ nechokwadi.+
19 Neizvi tichaziva kuti tinobva muchokwadi,+ uye tichaita kuti mwoyo yedu ive nechokwadi pamberi pake
20 pamusoro pezvinhu zvose izvo mwoyo yedu ingatipa mhosva mazviri,+ nokuti Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.+
21 Vadiwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tine rusununguko rwokutaura naMwari;+
22 uye zvinhu zvose zvatinokumbira tinozvigamuchira kubva kwaari,+ nokuti tiri kuchengeta mirayiro yake uye tiri kuita zvinhu zvinofadza pamberi pake.+
23 Chokwadi, uyu ndiwo murayiro wake, kuti titende muzita roMwanakomana wake Jesu Kristu+ uye tidanane,+ sokutirayira kwaakaita.
24 Zvakare, uyo anochengeta mirayiro yake anoramba ari pamwe naye, uye iye ari pamwe nomunhu akadaro;+ neizvi tinoziva kuti ari kuramba ari pamwe nesu,+ nokuda kwomudzimu+ waakatipa.