1 Makoronike 15:1-29
15 Zvino akaramba achizvivakira dzimba+ muGuta raDhavhidhi; uye akagadzirira areka yaMwari wechokwadi nzvimbo,+ akaidzikira tende.
2 Panguva iyoyo Dhavhidhi ndipo paakati: “Hapana anofanira kutakura areka yaMwari wechokwadi kunze kwevaRevhi, nokuti ndivo vakasarudzwa naJehovha kuti vatakure areka yaJehovha,+ uye kuti vamushumire+ nokusingagumi.”
3 Dhavhidhi akabva aunganidza vaIsraeri vose kuJerusarema+ kuti vaende neareka+ yaJehovha kunzvimbo yayo yaakanga aigadzirira.
4 Zvino Dhavhidhi akaunganidza vanakomana vaAroni+ nevaRevhi;
5 pavanakomana vaKohati, paiva naUrieri+ mukuru wacho nehama dzake, zana nemakumi maviri;
6 pavanakomana vaMerari,+ paiva naAsaya+ mukuru wacho nehama dzake, mazana maviri nemakumi maviri;
7 pavanakomana vaGeshomu,+ paiva naJoeri+ mukuru wacho nehama dzake, zana nemakumi matatu;
8 pavanakomana vaErizafani,+ paiva naShemaya+ mukuru wacho nehama dzake, mazana maviri;
9 pavanakomana vaHebroni, paiva naErieri mukuru wacho nehama dzake, makumi masere;
10 pavanakomana vaUzieri,+ paiva naAminadhabhi mukuru wacho nehama dzake, zana negumi nembiri.
11 Uyewo, Dhavhidhi akashevedza vapristi, Zadhoki+ naAbhiyatari,+ nevaRevhi, Urieri,+ Asaya+ naJoeri,+ Shemaya+ naErieri+ naAminadhabhi,
12 akati kwavari: “Ndimi vakuru+ vemadzibaba evaRevhi. Zvitsvenesei,+ imi nehama dzenyu, muuye neareka yaJehovha Mwari waIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira.
13 Nokuti hamuna kudaro pakutanga,+ Jehovha Mwari wedu akatirova,+ nokuti hatina kumutsvaka sezvaigara zvichiitwa.”+
14 Naizvozvo vapristi nevaRevhi vakazvitsvenesa+ kuti vauye neareka yaJehovha Mwari waIsraeri.
15 Vanakomana vevaRevhi vakabva vatakura+ areka yaMwari wechokwadi pamapfudzi avo nematanda aiva pairi,+ sezvakanga zvarayirwa naMosesi maererano neshoko raJehovha.
16 Zvino Dhavhidhi akaudza vakuru vevaRevhi kuti vagadze hama dzavo dzaiva vaimbi+ dziine zviridzwa,+ zviridzwa zvine tambo+ noudimbwa+ nemakwakwakwa esimbi,+ dzichiridza kwazvo kuti pave nokufara kukuru.
17 Naizvozvo vaRevhi vakagadza Hemani+ mwanakomana waJoeri uye pahama dzake, Asafi+ mwanakomana waBherekiya; uye pavanakomana vaMerari, hama dzavo, Etani+ mwanakomana waKushaya;
18 uye vaiva nehama dzavo dzeboka rechipiri,+ dzaiti, Zekariya,+ Bheni naJaazieri naShemiramoti naJehieri naUni, Eriyabhi naBhenaya naMaaseya naMatitiya naEriferehu naMikineya, naObhedhi-edhomu+ naJeyieri vaiva vachengeti vemagedhi,
19 nevaimbi, Hemani,+ Asafi+ naEtani, vaiva nemakwakwakwa emhangura okuti varidze kwazvo;+
20 naZekariya naAzieri+ naShemiramoti naJehieri naUni naEriyabhi naMaaseya naBhenaya, vaiva nezviridzwa zvine tambo zvakagadzirwa kuti zvirire seAramoti,+
21 naMatitiya+ naEriferehu naMikineya naObhedhi-edhomu naJeyieri naAzaziya, vaiva noudimbwa+ hwakagadzirwa kuti hurire seSheminiti,+ kuti vatungamirire;
22 naKenaniya+ mukuru wevaRevhi pakutakura, iye aipa mirayiridzo yokutakura, nokuti aiva nyanzvi;+
23 naBherekiya naErikana vaiva vachengeti vegedhi+ reAreka;
24 nevapristi, Shebhaniya naJoshafati naNetaneri naAmasai naZekariya naBhenaya naEriyezeri vairidza mabhosvo+ kwazvo vari pamberi peareka yaMwari wechokwadi, naObhedhi-edhomu naJehiya vaiva vachengeti vegedhi reAreka.
25 Zvino Dhavhidhi+ nevarume vakuru vaIsraeri+ nevakuru+ vezviuru ndivo vakafamba pamwe chete kunotora areka yesungano yaJehovha mumba maObhedhi-edhomu+ vachifara.+
26 Mwari wechokwadi paakabatsira+ vaRevhi pavakanga vachitakura areka yesungano yaJehovha, vakabayira nzombe nomwe duku nemakondohwe manomwe.+
27 Dhavhidhi akanga akapfeka jasi risina maoko rejira rakanaka kwazvo, uyewo vaRevhi vose vakanga vakatakura Areka, uye vaimbi naKenaniya+ mukuru wokutakura pamwe chete nevaimbi;+ asi Dhavhidhi akanga aine efodhi+ yerineni.
28 VaIsraeri vose vakanga vachienda neareka yesungano yaJehovha vachishevedzera vachifara,+ vachiridza hwamanda+ nemabhosvo+ nemakwakwakwa esimbi,+ vachiridza kwazvo zviridzwa zvine tambo noudimbwa.+
29 Zvino areka yesungano+ yaJehovha payakasvika kuGuta raDhavhidhi, Mikari,+ mwanasikana waSauro, akatarira pasi nepahwindo, akaona Mambo Dhavhidhi achisvetuka-svetuka uye achipembera;+ uye akatanga kumuzvidza+ mumwoyo make.