1 Samueri 13:1-23
13 Sauro akanga aine makore [?]* paakatanga kutonga,+ uye akatonga Israeri kwemakore maviri.
2 Sauro akasarudza varume zviuru zvitatu pavaIsraeri; uye zviuru zviviri zvakava naSauro kuMikmashi+ nomunzvimbo ine makomo yeBheteri, chiuru chaiva naJonatani+ kuGibhiya+ raBhenjamini, uye vamwe vanhu vose akavarega vachienda, mumwe nomumwe kutende rake.
3 Jonatani akabva auraya boka revarwi+ revaFiristiya+ rakanga riri muGebha;+ vaFiristiya vakazvinzwa. Asi Sauro akaita kuti hwamanda iridzwe+ munyika yose, achiti: “VaHebheru ngavanzwe!”
4 VaIsraeri vose vakanzwa zvichinzi: “Sauro auraya boka revarwi revaFiristiya, zvino vaIsraeri vava kuvengwa kwazvo+ nevaFiristiya.” Naizvozvo vanhu vakaunganidzwa kuti vatevere Sauro kuGirigari.+
5 Zvino vaFiristiya vakaungana kuti varwe nevaIsraeri, ngoro dzehondo+ zviuru makumi matatu nevatasvi vemabhiza zviuru zvitanhatu nevanhu vakawanda sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa;+ vakaenda vakatanga kudzika musasa muMikmashi kumabvazuva kweBheti-avheni.+
6 Varume vaIsraeri vakaona kuti vakanga vachitambudzika kwazvo,+ nokuti vanhu vakanga vamanikidzwa kwazvo; uye vanhu vakavanda mumapako+ nomumakomba nomumabwe nomuninga nomumakomba emvura.
7 VaHebheru vakatoyambuka rwizi rwaJodhani+ vachienda kunyika yaGadhi+ neyaGiriyedhi. Asi Sauro akanga achiri muGirigari, uye vanhu vose vaidedera pavaimutevera.+
8 Akaramba achimirira kwemazuva manomwe kusvikira nguva yakatarwa yakanga yataurwa naSamueri;+ asi Samueri haana kusvika kuGirigari, uye vanhu vakanga vachipararira vachimusiya.
9 Sauro akazoti: “Ndiunzirei chibayiro chinopiswa nezvibayiro zvokugoverana pedyo.” Naizvozvo akapa chibayiro chinopiswa.+
10 Paakangopedza kupa chibayiro chinopiswa, Samueri akabva asvika. Naizvozvo Sauro akabuda kuti amuchingure uye amukwazise.+
11 Samueri akabva ati: “Waitei?”+ Sauro akati: “Ndaona kuti vanhu vanga vapararira vachindisiya,+ uye imi—hamuna kuuya mumazuva akatarwa,+ uye vaFiristiya vanga vachiungana kuMikmashi,+
12 naizvozvo ndati,+ ‘Zvino vaFiristiya vachauya kuzorwa neni kuGirigari, uye handisati ndakumbira kunzwirwa nyasha naJehovha.’ Naizvozvo ndazvigombedzera+ ndikapa chibayiro chinopiswa.”
13 Samueri akabva ati kuna Sauro: “Waita zvoupenzi.+ Hauna kuchengeta murayiro+ waJehovha Mwari wako waakakurayira,+ nokuti, kudai wanga wadaro, Jehovha aizosimbisa umambo hwako pavaIsraeri nokusingagumi.
14 Zvino umambo hwako hahuzogari.+ Jehovha achazvitsvakira munhu anodiwa nomwoyo wake;+ uye Jehovha achamurayira kuti ave mutungamiriri+ wevanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakarayirwa naJehovha.”+
15 Samueri akabva asimuka, akaenda kuGibhiya raBhenjamini achibva kuGirigari, uye Sauro akaverenga vanhu, vaakanga achinavo, varume vanenge mazana matanhatu.+
16 Sauro nomwanakomana wake Jonatani nevanhu vaakanga achinavo vakanga vachigara muGebha+ raBhenjamini. Asi vaFiristiya vakanga vadzika musasa muMikmashi.+
17 Uto revapambi raibuda richibva kumusasa wevaFiristiya rakaita mapoka matatu.+ Rimwe boka raitsaukira kumugwagwa wokuOfra,+ kunyika yeShuari,
18 rimwe boka raitsaukira kumugwagwa wokuBheti-horoni,+ uye boka rechitatu raitsaukira kumugwagwa wokumuganhu wakatarira kumupata weZebhoimu, nechokurenje.
19 Zvino munyika yose yaIsraeri makanga musina kana mupfuri, nokuti vaFiristiya vakanga vati: “Kuitira kuti vaHebheru vasagadzira bakatwa kana kuti pfumo.”+
20 VaIsraeri vose vaienda kuvaFiristiya kuti mumwe nomumwe anorodzerwa muromo wegejo rake kana kuti bhidha rake kana kuti demo rake kana kuti jeko rake.+
21 Kurodza miromo yemagejo nemabhidha nezvishandiso zvine zvokubayisa zvitatu nematemo uye kusunga zvakasimba zvokubayisa nzombe+ kwaiita pimu.
22 Pazuva rokurwa hapana bakatwa+ kana pfumo raiva muruoko rwomunhu chero upi zvake pavanhu vakanga vaina Sauro naJonatani; asi Sauro+ nomwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nazvo.
23 Zvino boka revarwi vanorinda+ vevaFiristiya raibuda roenda kumupata wokuMikmashi.+