1 Samueri 29:1-11
29 Zvino vaFiristiya+ vakaunganidza mauto avo ose kuAfeki, vaIsraeri pavakanga vakadzika musasa pedyo nechitubu chaiva muJezreeri.+
2 Madzishe akabatana evaFiristiya+ akanga achipfuura ari mazana uye ari zviuru, uye Dhavhidhi nevarume vake vakanga vachipfuura pashure pacho vaina Akishi.+
3 Machinda evaFiristiya akatanga kuti: “VaHebheru+ ava vari kudei?” Akishi akabva ati kumachinda evaFiristiya: “Uyu haasi Dhavhidhi mushandi waSauro mambo waIsraeri here, wandave ndiinaye pano kwegore kana kuti maviri,+ uye handina kuwana+ kana chinhu chimwe chete paari kubvira pazuva raakatizira kwandiri kusvikira nhasi?”
4 Asi machinda evaFiristiya akamutsamwira; machinda evaFiristiya akati kwaari: “Dzosa murume wacho,+ ngaadzokere kunzvimbo yake yawakamupa; usamurega achienda nesu kunorwa, kuti asava mudzivisi+ wedu pakurwa. Munhu uyu achaita kuti adiwe nashe wake nechii? Haazoiti kuti adiwe nokuda kwemisoro yevarume vedu ava here?
5 Uyu haasi Dhavhidhi wavakaramba vachibvumirana vachitamba, vachiti, ‘Sauro akauraya zviuru zvake, uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’ here?”+
6 Naizvozvo Akishi+ akashevedza Dhavhidhi, akati kwaari: “NaJehovha mupenyu,+ wakarurama, kubuda kwako nokupinda kwako+ neni mumusasa kwave kwakanaka kwandiri;+ nokuti handina kuwana chakaipa mauri kubvira pazuva rawakauya kwandiri kusvikira nhasi.+ Asi hauna kunaka kumadzishe akabatana+ aya.
7 Zvino dzokera, uende norugare, kuti urege kuitira madzishe akabatana evaFiristiya chinhu chero chipi zvacho chakaipa.”
8 Zvisinei, Dhavhidhi akati kuna Akishi: “Nei, ndaitei,+ chii chamakawana mumuranda wenyu kubvira pazuva randakava pamberi penyu kusvikira nhasi,+ zvokuti handifaniri kuuya, ndirwise vavengi vashe wangu mambo?”
9 Akishi akabva apindura Dhavhidhi, akati: “Ndinonyatsoziva kuti wave wakanaka kwandiri, sengirozi yaMwari.+ Kungoti machinda evaFiristiya ndiwo ati, ‘Ngaarege kuenda nesu kunorwa.’
10 Zvino kurumidza kumuka nevashandi vashe wako vawakauya navo; uye pakunenge kwachena mukurumidze kumuka, mobva maenda.”+
11 Naizvozvo Dhavhidhi akafumomuka, iye nevarume vake, kuti vaende ari mangwanani,+ vadzokere kunyika yevaFiristiya; uye vaFiristiya vakaenda kuJezreeri.+