1 Timoti 4:1-16
4 Zvisinei, kutaura kwakafuridzirwa kunotaura pachena kuti munguva dzinouya+ vamwe vachatsauka+ pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa+ kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni,+
2 nounyengeri hwevanhu vanoreva nhema,+ vane hana+ dzakapiswa sokunge nesimbi inoisa mucherechedzo;
3 vachirambidza kuroorana,+ vachirayira kurega zvokudya+ zvakasikwa naMwari+ kuti zvidyiwe nokuonga nevaya vanotenda+ uye vanoziva chokwadi zvakarurama.
4 Chikonzero cheizvi ndechokuti zvisikwa zvose zvaMwari zvakanaka kwazvo,+ uye hapana chinofanira kurambwa+ kana chichigamuchirwa nokuonga,+
5 nokuti chinotsveneswa neshoko raMwari nokuchinyengeterera.
6 Kana ukapa hama mazano aya uchava mushumiri waKristu Jesu akanaka, akarerwa nemashoko okutenda needzidziso yakanaka+ yawakanyatsotevera.+
7 Asi ramba ngano+ dzinoshatisa zvinhu zvitsvene uye dzinotaurwa nechembere. Uyewo, vavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari.+
8 Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kuzvipira kuna Mwari+ kunobatsira muzvinhu zvose,+ zvakuine chipikirwa choupenyu huno nohuya huchauya.+
9 Shoko iroro rakatendeka uye rakakodzera kugamuchirwa kwazvo.+
10 Nokuti ndizvo zvatinoshandira nesimba nokubishairira,+ nokuti takaisa tariro yedu+ pana Mwari mupenyu, uyo ari Muponesi+ wevanhu vemarudzi ose,+ kunyanya wevakatendeka.+
11 Ramba uchipa mirayiro+ iyi nokuidzidzisa.+
12 Ngaparege kuva nomunhu anombozvidza uduku hwako.+ Asi, iva muenzaniso+ kune vakatendeka,+ pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda, pakuchena.+
13 Ramba uchishingairira kuverengera vanhu vose,+ kurayira, uye kudzidzisa, kusvikira ndauya.
14 Usaregeredza chipo+ chiri mauri chawakapiwa nokufanotaurirwa,+ boka revarume vakuru parakaisa maoko+ aro pauri.
15 Fungisisa zvinhu izvi;+ nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako+ kuonekwe nevanhu vose.
16 Ramba uchizvichenjerera+ iwe nokudzidzisa kwako.+ Rambira pazvinhu izvi, nokuti kana ukaita izvi uchazviponesa iwe nevaya vanokuteerera.+