1 VaKorinde 14:1-40
14 Teverai rudo, asi rambai muchishingaira kutsvaka zvipo zvomudzimu,+ asi chinonyanya kudiwa ndechokuti muprofite.+
2 Nokuti anotaura nendimi haatauri nevanhu, asi naMwari, nokuti hapana anoteerera,+ asi iye anotaura zvakavanzika zvitsvene+ achishandisa mudzimu.
3 Zvisinei, uya anoprofita anovaka+ nokukurudzira nokunyaradza vanhu nokutaura kwake.
4 Uya anotaura nendimi anozvivaka, asi uya anoprofita anovaka ungano.
5 Zvino ndinoda kuti mose mutaure nendimi,+ asi ndinganyanya kuda kuti muprofite.+ Chokwadi, kana uya anotaura nendimi+ akasaturikira kuti ungano ivakwe, saka uya anoprofita mukuru kwaari.
6 Asi panguva ino, hama, kana ndikauya ndichitaura nemi nendimi, ndezvipi zvakanaka zvandingakuitirai kana ndikasataura nemi ndichishandisa zvakazarurwa+ kana zvimwe zivo+ kana kuprofita kana chinhu chinodzidziswa?
7 Sezvazviri, zvinhu zvisina upenyu zvinorira,+ ingava nyere kana rudimbwa; kana chinhu chacho chikasasiyanisa maririro, zvingazivikanwa sei kuti chii chiri kuridzwa panyere kana parudimbwa?
8 Nokuti chokwadi, kana bhosvo rikarira zvisina kujeka, ndiani achagadzirira kunorwa?+
9 Saizvozvowo, kana mukasataura norurimi zvinonzwisiswa zviri nyore,+ zvichazivikanwa sei kuti chii chiri kutaurwa? Chokwadi, munenge muchitaurira mumhepo.+
10 Zvingava kuti kune marudzi mazhinji kwazvo ematauriro munyika, asi hapana rudzi rusina zvarunoreva.
11 Zvino, kana ndisinganzwisisi zvinoreva kutaura kwacho, ndichava wokune imwe nyika+ kune ari kutaura, uye ari kutaura achava wokune imwe nyika kwandiri.
12 Saizvozvowo imi, zvamunoda kwazvo zvipo zvomudzimu,+ tsvakai kuwedzera mazviri kuti ungano ivakwe.+
13 Naizvozvo munhu anotaura nendimi ngaanyengetere kuti iye aturikire.+
14 Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, chipo changu chomudzimu ndicho chinenge chichinyengetera,+ asi pfungwa dzangu hadzina zvibereko.
15 Saka, chii chinofanira kuitwa? Ndichanyengetera nechipo chomudzimu, asi ndichanyengeterawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba rwiyo rwokurumbidza+ nechipo chomudzimu, asi ndichaimbawo rwiyo rwokurumbidza nepfungwa dzangu.+
16 Kana zvisina kudaro, kana ukarumbidza nechipo chomudzimu, ko munhu akagara pachigaro chomunhuwo zvake achati “Ameni”+ sei paunoonga, iye zvaasingazivi zvauri kutaura?
17 Chokwadi, iwe unoonga nenzira yakanaka kwazvo, asi mumwe munhu haasi kuvakwa.+
18 Ndinoonga Mwari kuti, ndinotaura nendimi zhinji kupfuura zvamunoita imi mose.+
19 Kunyange zvakadaro, ndingasva hangu ndataura mashoko mashanu nepfungwa dzangu muungano, kuti ndirayiridzewo vamwe ndichiita zvokuvataurira nomuromo, panzvimbo pemashoko ane zviuru gumi nendimi.+
20 Hama, musava vana vaduku pasimba rokunzwisisa,+ asi ivai vacheche pane zvakaipa;+ kurai zvakakwana pasimba rokunzwisisa.+
21 MuMutemo makanyorwa kuti: “‘Ndichataura nevanhu+ ava nendimi dzevanhu vokune dzimwe nyika nemiromo yevanhu vavasingazivi,+ asi kunyange panguva iyoyo havazonditeereri,’ anodaro Jehovha.”+
22 Naizvozvo ndimi hadzisi dzechiratidzo+ kuvatendi, asi kune vasingatendi,+ asi kuprofita, hakusi kwevasingatendi, asi kwevanotenda.+
23 Naizvozvo, kana ungano yose ikaungana panzvimbo imwe chete uye vose vakataura nendimi,+ asi vanhuwo zvavo kana kuti vasingatendi vakapinda, havangati munopenga here?
24 Asi kana mose muchiprofita uye munhu asingatendi chero upi zvake kana kuti munhuwo zvake akapinda, anotsiurwa navo vose,+ anonyatsoongororwa navose;
25 zvakavanzika zvomwoyo wake zvinoiswa pachena,+ zvokuti achawira pasi nechiso chake onamata Mwari, achizivisa kuti: “Chokwadi Mwari ari pakati penyu.”+
26 Saka hama, chii chinofanira kuitwa? Pamunoungana, mumwe ane pisarema, mumwe ane chinhu chokudzidzisa, mumwe ane zvakazarurwa, mumwe ane chipo chendimi, mumwe ane chokududzira.+ Zvinhu zvose ngazviitike nokuda kwokuvaka.+
27 Kana mumwe akataura nendimi, ngazvive zvevaviri kana vatatu chete, vachichinjana; uye mumwe ngaaturikire.+
28 Asi kana pasina muturikiri, ngaarambe akanyarara muungano, ataure oga+ uye ataure naMwari.
29 Uyezve, vaprofita+ vaviri kana vatatu ngavataure, uye vamwe ngavanzwisise zvazvinoreva.+
30 Asi kana zvikazarurirwa mumwe+ akagara ipapo, wokutanga ngaarambe akanyarara.
31 Nokuti mose munogona kuprofita+ muchitevedzana, kuti vose vadzidze uye vose vakurudzirwe.+
32 Zvipo zvomudzimu zvevaprofita zvinofanira kudzorwa nevaprofita.
33 Nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga,+ asi worugare.+
Sezvazvakaita muungano dzose dzevatsvene,
34 vakadzi ngavarambe vakanyarara+ muungano, nokuti hazvibvumirwi kuti vataure, asi ngavazviise pasi,+ sezvinotaura Mutemo.+
35 Zvino, kana vachida kudzidza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba, nokuti zvinonyadzisa+ kuti mukadzi ataure muungano.
36 Chii? Shoko raMwari rakabva kwamuri here,+ kana kuti rakasvika kwamuri chete here?
37 Kana paine munhu anofunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chomudzimu, ngaabvume zvinhu zvandiri kukunyorerai, nokuti izvo murayiro waShe.+
38 Asi kana munhu asingazivi, anoramba asingazivi.
39 Naizvozvo, hama dzangu, rambai muchishingaira kutsvaka kuprofita,+ asi musarambidza kutaura nendimi.+
40 Asi zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.+