1 VaKorinde 5:1-13
5 Chokwadi zviri kunzi pakati penyu pari kuitwa ufeve,+ ufeve husingambowaniki kunyange pakati pemamwe marudzi, hwokuti mumwe munhu ane mudzimai wababa vake.+
2 Munotozvitutumadza+ henyu, maisafanira here kuchema,+ kuti munhu akaita chinhu ichi abviswe pakati penyu?+
3 Somuenzaniso, ini kunyange ndisipo mumuviri ndiripo mumudzimu, chokwadi ndatotonga+ munhu akaita saizvozvi, sezvinonzi ndiripo,
4 kuti muzita raShe wedu Jesu, pamunenge maungana, pamwe chete nemafungiro angu nesimba raShe wedu Jesu,+
5 muise munhu akadaro kuna Satani+ kuti nyama iparadzwe, kuti mudzimu+ weungano uchengetedzwe pazuva raShe.+
6 Chikonzero chenyu chokuzvirumbidza+ hachina kumbonaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shomanana inovirisa+ mukanyiwa wose?+
7 Bvisai mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva,+ zvamusina kuvira. Nokuti, chokwadi, Kristu+ paseka+ yedu, akabayirwa.+
8 Naizvozvo ngatichengete mutambo,+ kwete nembiriso yekare,+ kana nembiriso+ youshati nouipi,+ asi nemakeke asina kuviriswa okutendeseka nechokwadi.+
9 Mutsamba yangu ndakakunyorerai kuti murege kufambidzana nezvifeve,
10 ndisingarevi kuti murege zvachose kufambidzana nezvifeve+ zvenyika+ ino kana vanhu vanokara nemakororo kana vanonamata zvidhori. Dai zvakadaro, chokwadi maizofanira kubva panyika.+
11 Asi zvino ndiri kukunyorerai kuti murege kufambidzana+ nomunhu wose anonzi hama iye ari chifeve kana munhu anokara+ kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa+ kana gororo, musambodya nomunhu akadaro.
12 Nokuti ndinei nokutonga vari kunze?+ Imi hamutongi vari mukati here,+
13 Mwari achitonga vari kunze?+ “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.”+