1 VaTesaronika 2:1-20
2 Chokwadi, imi hama, munoziva kuti kukushanyirai+ kwedu hakuna kushaya basa sei,+
2 asi, (sezvamunoziva) pashure pokunge tatambura+ uye taitirwa zvakaipa+ muFiripi,+ takava noushingi sei naMwari wedu kuti tikutaurirei+ mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo.
3 Nokuti kurayira kwatinoita hakubvi pakukanganisa kana pakusachena+ uye hakusi kwokunyengera,
4 asi, sezvatakanzi naMwari takakodzera kuronzeswa+ mashoko akanaka, tinotaura saizvozvo, tisingafadzi+ vanhu, asi Mwari, anoongorora mwoyo yedu.+
5 Chokwadi, hapana nguva yatakambouya tichitaura zvokungokubatai kumeso,+ (sezvamunoziva) kana kuti tichiita zvokunyengera+ kuti tichochore,+ Mwari ndiye chapupu!
6 Uyewo tave tisingatsvaki kukudzwa kunobva kuvanhu,+ aiwa, kungava kunobva kwamuri kana kune vamwe, kunyange zvazvo taigona kukuremedzai+ nezvinhu zvinodhura sevaapostora vaKristu.
7 Asi, takava norupfave pakati penyu, sezvinoita amai vanoyamwisa kana vachitarisira+ vana vavo.
8 Naizvozvo, zvataikudai kwazvo,+ hatina kungofara kukupai mashoko akanaka aMwari chete, asiwo mweya yedu,+ nokuti makadiwa+ nesu.
9 Chokwadi hama, munoyeuka basa redu nokushanda kwedu zvakaoma. Takakuparidzirai mashoko akanaka aMwari, tichishanda+ usiku nemasikati, kuti tirege kuisa mutoro unorema pane mumwe wenyu chero upi zvake.+
10 Imi muri zvapupu, naMwari chapupuwo, kuti takava vakavimbika sei nevakarurama, vasina chavanopomerwa+ kwamuri imi vatendi.
11 Maererano naizvozvo munonyatsoziva kuti sezvinoitira baba+ vana vavo, takaramba tichirayira+ sei mumwe nomumwe wenyu, tichikunyaradzai uye tichikupupurirai,
12 kuti murambe muchifamba+ zvakakodzera pamberi paMwari ari kukudanai+ kuti muuye kuumambo+ hwake nokubwinya kwake.
13 Chokwadi, ndokusaka tichiramba tichiongawo Mwari,+ nokuti pamakagamuchira shoko raMwari,+ ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu,+ asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari, riri kushandawo mamuri imi vatendi.+
14 Nokuti hama, makava vatevedzeri veungano dzaMwari dziri muJudhiya dziri pamwe naKristu Jesu, nokuti imi makatangawo kutambura+ zvinhu zviri kuitwa nevanhu vomunyika yenyu izvo ivowo vari kutambura zvichiitwa nevaJudha,
15 vaya vakauraya kunyange Ishe Jesu+ nevaprofita+ uye vakatitambudza.+ Uyezve, havasi kufadza Mwari, asi vanorwisana nezvinodiwa nevanhu vose,
16 sezvavanoedza kutidzivisa+ kutaura nevanhu vemamwe marudzi kuti ivava vaponeswe,+ zvichiita kuti vagare vachizadzisa+ zvivi zvavo. Asi hasha dzake pakupedzisira dzazouya pavari.+
17 Asi isu, hama, patakanga tarasikirwa nemi kwenguva pfupi chete, panyama, kwete mumwoyo, takavavarira kwazvo kuona zviso zvenyu nechido chikuru kupfuura zvatinoita nguva dzose.+
18 Nokuda kweizvi isu taida kuuya kwamuri, chokwadi, ini Pauro, ndaida kuuya kekutanga nekechipiri, asi Satani akatipinganidza.
19 Nokuti tariro yedu kana mufaro kana korona+ yokupembera nomufaro chii—chokwadi, hamusi imi here?—pamberi paShe wedu Jesu pakuvapo kwake?+
20 Chokwadi imi ndimi kukudzwa kwedu nomufaro wedu.