1 VaTesaronika 5:1-28
5 Zvino hama, kana dziri nguva nemwaka,+ hamufaniri henyu kunyorerwa chinhu.
2 Nokuti imi munonyatsoziva kuti zuva raJehovha+ riri kuuya sezvinonyatsoita mbavha usiku.+
3 Chero panguva yavachati:+ “Rugare+ nokuchengeteka!” kuparadzwa+ kusingatarisirwi kuchabva kwakurumidza kuvawira sokurwadziwa kwomukadzi ane pamuviri;+ uye havangambopukunyuki.+
4 Asi imi, hama, hamusi murima,+ kuti zuva iroro rikusvikirei sezvaringaita mbavha,+
5 nokuti imi mose muri vanakomana vechiedza+ nevanakomana vemasikati.+ Isu hatisi vousiku kana verima.+
6 Naizvozvo, ngatiregei kuramba takarara+ sezvinoita vamwe vose,+ asi ngatirambei takamuka,+ takasvinura.+
7 Nokuti vaya vanorara+ vakajaira kurara usiku,+ uye vanodhakwa vanowanzodhakwa usiku.
8 Asi kana tiri isu vemasikati, ngatisvinurei tipfeke chinhu chinovhariridza chipfuva,+ chokutenda+ uye rudo uye tariro yoruponeso+ sengowani;+
9 nokuti Mwari haana kutisarudza kuti atiitire hasha,+ asi kuti tiwane ruponeso+ naShe wedu Jesu Kristu.+
10 Iye akatifira,+ kuti, kana tikaramba takamuka kana kuti takarara, tizorarama pamwe chete naye.+
11 Naizvozvo rambai muchinyaradzana nokuvakana,+ sezvamuri kutoita chaizvo.+
12 Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze vaya vari kushanda nesimba pakati penyu vachikutungamirirai+ munaShe uye vachikurayirai;
13 uye kuti muvakudze kwazvo murudo nokuda kwebasa ravo.+ Itai kuti muve norugare nevamwe.+
14 Uyewo, tinokukumbirai, hama, rayirai vaya vanofamba zvisina kukodzera,+ taurai zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo,+ tsigirai vasina simba, itirai mwoyo murefu+ vanhu vose.
15 Onai kuti hapana anotsiva zvinokuvadza nezvinokuvadza kune mumwe munhu,+ asi garai muchitevera zvakanaka kune mumwe nomumwe nokune vamwe vose.+
16 Farai+ nguva dzose.
17 Rambai muchinyengetera.+
18 Ongai pamusoro pezvinhu zvose.+ Nokuti izvi ndizvo zvinodiwa naMwari pamwe naKristu Jesu kwamuri.
19 Musadzima moto womudzimu.+
20 Musazvidza zvinoprofitwa.+
21 Ivai nechokwadi nezvinhu zvose;+ batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo.+
22 Regai zvakaipa zvose.+
23 Iye Mwari worugare+ ngaakutsvenesei zvakakwana.+ Mafungiro enyu imi hama nomweya nomuviri ngazvichengetedzwe zvakanaka muzvinhu zvose pasina chazvinopomerwa pakuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu.+
24 Iye anokudanai akatendeka, uye achazviitawo.
25 Hama, rambai muchitinyengeterera.+
26 Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.+
27 Ndiri kukurayirai kwazvo naShe kuti munosungirwa kuti tsamba ino iverengerwe hama dzose.+
28 Mutsa usina kukodzera kuwanwa+ waShe wedu Jesu Kristu ngauve nemi.