2 Madzimambo 6:1-33
6 Zvino vanakomana+ vevaprofita vakatanga kuti kuna Erisha: “Onai zvino! Nzvimbo+ yatiri kugara pamberi penyu yakanyanya kumanikana+ nokuda kwedu.
2 Tapota, regai tiende kuJodhani, mumwe nomumwe andozvitorera danda ikoko,+ tizvivakire nzvimbo yatingagara.” Naizvozvo akati: “Endai.”
3 Zvino mumwe wacho akati: “Ndapota, endaiwo nevashandi venyu.” Iye akati: “Ndichaenda.”
4 Naizvozvo akaenda navo, vakazosvika kuJodhani, vakatanga kutema miti.+
5 Zvino mumwe akanga achitema danda rake, demo+ rikabva, rikawira mumvura. Akatanga kuchema achiti: “Maiwe, tenzi wangu+ kani, nokuti rakaita zvokukumbirwa!”+
6 Munhu waMwari wechokwadi akabva ati: “Rawira papi?” Naizvozvo akamuratidza nzvimbo yacho. Akabva atyora kamuti akakakanda ipapo, akaita kuti demo riyangarare.+
7 Zvino akati: “Ritore.” Akabva atambanudza ruoko rwake akaritora.
8 Zvino mambo weSiriya+ akarwa naIsraeri. Naizvozvo akarangana nevashandi+ vake achiti: “Muchadzika musasa pamwe chete neni panzvimbo yokuti neyokuti.”+
9 Munhu waMwari+ wechokwadi akabva atumira mambo waIsraeri shoko, achiti: “Chenjererai kuti murege kupfuura nepanzvimbo iyi,+ nokuti vaSiriya vari kuuya ikoko.”+
10 Naizvozvo mambo waIsraeri akatumira shoko kunzvimbo yaakanga audzwa nomunhu waMwari wechokwadi.+ Akamunyevera,+ akarega kuenda ikoko, kwete kamwe kana kaviri.
11 Naizvozvo mwoyo wamambo weSiriya wakagumbuka nokuda kwenyaya iyi,+ zvokuti akashevedza vashandi vake akati kwavari: “Hamungandiudzi here kuti pane vokwedu ndiani anonzwana namambo waIsraeri?”+
12 Mumwe mushandi wake akabva ati: “Hapana, ishe wangu, asi Erisha+ muprofita ari pakati paIsraeri ndiye anoudza+ mambo waIsraeri zvinhu zvamunotaura muimba yenyu yomukati yokurara.”+
13 Naizvozvo akati: “Endai munoona kwaari, kuti nditume vanhu vanomutora.”+ Gare gare akaudzwa kuti: “Ari kuDhotani.”+
14 Akabva atuma mabhiza nengoro dzehondo neuto rehondo guru+ kwazvo ikoko; uye vakasvika usiku, vakakomba guta racho.
15 Mushumiri+ womunhu waMwari wechokwadi paakafumomuka, akabuda panze, akaona uto rehondo nemabhiza nengoro dzehondo zvakanga zvakakomba guta. Mushandi wake akabva ati kwaari: “Maiwe, tenzi wangu kani!+ Tichaiteiko?”
16 Asi iye akati: “Usatya,+ nokuti vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.”+
17 Erisha akatanga kunyengetera+ achiti: “Haiwa Jehovha, ndapota svinudzai maziso+ ake kuti aone.” Jehovha akabva asvinudza maziso omushandi wacho zvokuti akaona; uye tarira! nzvimbo yose ine makomo yakanga yakazara mabhiza nengoro dzehondo+ dzomoto zvakapoteredza Erisha.+
18 Pavakatanga kuuya kwaaiva, Erisha akanyengetera kuna Jehovha akati: “Ndapota, pofumadzai+ rudzi urwu.” Naizvozvo akavapofumadza sezvakanga zvataurwa naErisha.
19 Zvino Erisha akati kwavari: “Iyi haisi iyo nzira yacho, uye iri harisi iro guta racho. Nditeverei, ndikuendesei kumurume wamuri kutsvaka.” Asi iye akavaendesa kuSamariya.+
20 Zvino pavakangosvika kuSamariya, Erisha akabva ati: “Haiwa Jehovha, svinudzai maziso eava kuti vaone.”+ Jehovha akabva asvinudza maziso avo vakaona; uye vakaona kuti vaiva pakati peSamariya.
21 Zvino mambo waIsraeri akati kuna Erisha paakangovaona: “Baba vangu,+ ndivauraye here, ndivauraye here?”+
22 Asi iye akati: “Usavauraya. Vaya vawatapa nebakatwa rako nouta hwako ndivo vaunouraya here?+ Isa zvokudya nemvura pamberi pavo kuti vadye, vanwe,+ vaende kunashe wavo.”
23 Naizvozvo akavaitira mutambo mukuru; uye vakadya, vakanwa, achibva azovarega vachienda, ivo vakaenda kunashe wavo. Mapoka evapambi+ evaSiriya haana kuzombouyazve kana kamwe chete zvako munyika yaIsraeri.
24 Pashure paizvozvo, Bheni-hadhadhi mambo weSiriya akaunganidza uto rake rose, akaenda, akakomba+ Samariya.
25 Kwapera nguva yakati, nzara yakavapo muSamariya,+ uye tarira! ivo vakanga vakarikomba kusvikira musoro wembongoro+ wava kuita masirivha makumi masere, uye chikamu chimwe chete pazvikamu zvina zvekebhu yemadororo enjiva+ chava kuita masirivha mashanu.
26 Zvino mambo waIsraeri zvaakanga achipfuura ari parusvingo, mumwe mukadzi akashevedzera kwaari achiti: “Ponesai, haiwa ishe wangu mambo!”+
27 Iye akati: “Kana Jehovha asingakuponesi, ini ndichakuponesa nechii?+ nezvinobva paburiro kana kuti muchisviniro chewaini kana kuti muchisviniro chemafuta here?”
28 Mambo akati kwaari: “Zvaita seiko?” Naizvozvo iye akati: “Mukadzi uyu akati kwandiri, ‘Unza mwanakomana wako timudye nhasi, uye tichadya mwanakomana wangu mangwana.’+
29 Naizvozvo takabika+ mwanakomana wangu, tikamudya.+ Ndakazoti kwaari pazuva rakatevera, ‘Unza mwanakomana wako timudye.’ Asi akaviga mwanakomana wake.”
30 Zvino mambo paakangonzwa mashoko omukadzi wacho, akabva abvarura+ nguo dzake; uye zvaakanga achipfuura ari parusvingo, vanhu vakaona kuti akanga akapfeka masaga pamuviri wake.
31 Akati: “Mwari ngaandiitire saizvozvo, uye ngaawedzere pazviri saizvozvo, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri paari nhasi!”+
32 Zvino Erisha akanga akagara mumba make, uye varume vakuru vakanga vakagara naye,+ mambo paakatuma mumwe murume achibva kwaari. Nhume yacho isati yapinda maaiva, iye akati kuvarume vakuru: “Maona here kuti mwanakomana uyu wemhondi+ atuma sei munhu kuzobvisa musoro wangu? Onai: nhume yacho painongosvika pedyo, vharai suo, muisundidzire shure nesuo. Hakuna here mutsindo+ wetsoka dzashe wake shure kwake?”
33 Achiri kutaura navo, nhume yacho yakanga ichiuya kwaari, mambo akati: “Onai, iri idambudziko rinobva kuna Jehovha.+ Ndichamirireizve nokuda kwaJehovha?”+