2 Makoronike 13:1-22
13 Mugore rechigumi nemasere raMambo Jerobhoamu, Abhija akatanga kutonga Judha.+
2 Akatonga kwemakore matatu ari muJerusarema, uye amai vake vainzi Mikaya+ mwanasikana waUrieri wokuGibhiya.+ Kurwa kwakavapo pakati paAbhija naJerobhoamu.+
3 Naizvozvo Abhija akarwa aine uto rehondo revarume vehondo zviuru mazana mana, vaiva nesimba,+ vakanga vakasarudzwa. Jerobhoamu akagadzirirawo kurwa naye aine varume vakanga vakasarudzwa zviuru mazana masere, varume vakanga vakashinga, vaiva nesimba.+
4 Zvino Abhija akamira pamusoro peGomo reZemaraimu, riri munzvimbo ine makomo yaEfremu,+ akati: “Ndinzwei, haiwa iwe Jerobhoamu nevaIsraeri vose.
5 Ko hamufaniri kuziva here kuti Jehovha Mwari waIsraeri akapa Dhavhidhi umambo+ kuti atonge vaIsraeri nokusingagumi,+ iye nevanakomana vake,+ achishandisa sungano yomunyu?+
6 Asi Jerobhoamu+ mwanakomana waNebhati, mushandi+ waSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, akasimuka, akapandukira+ ishe wake.+
7 Varume vakanga vasina zvokuita,+ vanhu pasina,+ vakaramba vachiungana kwaari. Vakazokunda Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, Rehobhoamu+ paakanga achiri muduku, asina ushingi,+ uye haana kukwanisa kuvakunda.
8 “Zvino imi muri kufunga zvokukunda umambo hwaJehovha huri muruoko rwevanakomana vaDhavhidhi,+ zvamuri boka guru revanhu+ uye zvamuine mhuru dzendarama dzamakagadzirirwa naJerobhoamu kuti dzive vanamwari venyu.+
9 Hamuna kudzinga vapristi vaJehovha,+ ivo vanakomana vaAroni, nevaRevhi, uye hamusi kuramba muchigadza vapristi venyu sezvinoita marudzi edzimwe nyika here?+ Chero munhu upi zvake aiuya, owana simba achishandisa nzombe duku nemakondohwe manomwe, iye akava mupristi wevaya vasiri vanamwari.+
10 Asi isu, Jehovha ndiye Mwari wedu,+ uye hatina kumusiya; vapristi vari kushumira Jehovha, ivo vanakomana vaAroni, uyewo vaRevhi vari kuita basa racho.+
11 Vari kuita kuti utsi hwezvinopiwa zvinopiswa hupfungairire kuna Jehovha mangwanani oga oga nemanheru oga oga+ pamwe chete nerusenzi inonhuhwirira;+ uye zvingwa zvakaturikidzana zviri patafura yendarama chaiyo,+ uye pane chigadziko chemarambi chendarama+ nemarambi acho okuti avhenekere manheru oga oga;+ nokuti isu tiri kuchengeta zvatinosungirwa kuti tiite+ naJehovha Mwari wedu, asi imi makamusiya.+
12 Zvino tarirai! isu tiri kutungamirirwa naMwari wechokwadi+ nevapristi+ vake nemabhosvo+ okushandisa kupa nyevero yokurwa nemi. Haiwa imi vanakomana vaIsraeri, musarwa naJehovha Mwari wemadzibaba enyu,+ nokuti hamuzokundi.”+
13 Asi Jerobhoamu akatuma vavandiri kuti vavakombe necheshure kwavo, zvokuti ivo vakava pamberi paJudha uye vavandiri vari shure kwavo.+
14 Vaya vaJudha pavakatendeuka, vakaona hondo iri mberi neshure.+ Vakatanga kuchema kuna Jehovha,+ vapristi pavakanga vachiridza mabhosvo kwazvo.
15 Varume vaJudha vakashevedzera nokuda kwehondo.+ Zvino varume vaJudha pavakashevedzera nokuda kwehondo, Mwari wechokwadi akabva akunda+ Jerobhoamu nevaIsraeri vose vaiva pamberi paAbhija+ naJudha.
16 Vanakomana vaIsraeri vakatiza Judha, Mwari akabva avaisa mumaoko avo.+
17 Abhija nevanhu vake vakauraya vanhu vazhinji kwazvo; uye vaIsraeri vaiurayiwa vakaramba vachiwira pasi, varume vakanga vakasarudzwa zviuru mazana mashanu.
18 Nokudaro vanakomana vaIsraeri vakaninipiswa panguva iyoyo, asi vanakomana vaJudha vakavakunda nokuti vakavimba+ naJehovha Mwari wemadzitateguru avo.
19 Abhija akaramba achidzingirira Jerobhoamu, akamutorera maguta, Bheteri+ nemataundi aiva pasi paro, Jeshana nemataundi aiva pasi paro, Efraini nemataundi aiva pasi paro.+
20 Jerobhoamu haana kuzovazve nesimba+ mumazuva aAbhija; asi Jehovha akamurova,+ akafa.
21 Abhija akaramba achiva nesimba.+ Kwapera nguva yakati, akawana madzimai gumi nemana,+ akabereka vanakomana makumi maviri nevaviri+ nevanasikana gumi nevatanhatu.
22 Mamwe mabasa ose aAbhija, zvaakaita nemashoko ake, zvakanyorwa mune zvakadudzirwa nomuprofita Idho.+