2 Makoronike 14:1-15
14 Abhija akazorara nemadzitateguru ake,+ vakamuviga muGuta raDhavhidhi;+ uye mwanakomana wake Asa+ akatanga kutonga panzvimbo pake. Mumazuva ake nyika yakanga isina chainetsa+ kwemakore gumi.
2 Asa akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.
3 Naizvozvo akabvisa atari dzevokune dzimwe nyika+ nenzvimbo dzakakwirira,+ akaputsa shongwe tsvene,+ akatema matanda matsvene.+
4 Akarayirawo vaJudha kuti vatsvake+ Jehovha Mwari wemadzitateguru avo uye kuti vachengete mutemo+ nomurayiro.+
5 Naizvozvo akabvisa nzvimbo dzakakwirira nezvigadziko zvokupisira rusenzi+ mumaguta ose aJudha; uye umambo hwacho hwakaramba husina chainetsa+ paaitonga.
6 Akavaka maguta akavakirirwa muJudha,+ nokuti nyika yakanga isina chainetsa; uye haana kurwiswa pamakore aya, nokuti Jehovha akamupa zororo.+
7 Naizvozvo akati kuvaJudha: “Ngativakei maguta aya tiapoteredze nemasvingo+ neshongwe,+ masuo ane madhoo maviri nemizariro.+ Nyika ichiri pamberi pedu, nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu.+ Takamutsvaka, uye anotipa zororo kumativi ose.”+ Zvino ivo vakavaka, vakabudirira.+
8 Asa akava neuto rehondo raitakura nhoo huru+ nemapfumo marefu,+ revaJudha vaisvika zviuru mazana matatu.+ Vaya vaitakura nhoo duku nokukunga uta+ vakabva kwaBhenjamini vaiva zviuru mazana maviri nezvine makumi masere. Vose ava vaiva varume vakanga vakashinga, vaiva nesimba.+
9 Gare gare Zera muItiopiya+ akaenda kunovarwisa aine uto rehondo revarume vaisvika miriyoni imwe chete+ nengoro mazana matatu, vakasvika kuMarisha.+
10 Asa akabva abuda kuti anorwa naye, vakagadzirira kurwa vari mumupata weZefata kuMarisha.
11 Asa akashevedzera kuna Jehovha Mwari+ wake, akati: “Haiwa Jehovha, imi munobatsira musinei nokuti kune vazhinji kana vaya vasina simba.+ Haiwa Jehovha Mwari wedu, tibatsirei, nokuti tinovimba nemi,+ uye tauya kuzorwa neboka revanhu ava muzita renyu.+ Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu.+ Musarega munhuwo zvake achiva nesimba pakurwa nemi.”+
12 Jehovha akabva akunda+ vaItiopiya pamberi paAsa nepamberi pevaJudha, vaItiopiya vakatiza.
13 Asa nevanhu vaaiva navo vakaramba vachivatevera kusvikira kuGerari,+ vaItiopiya vakaramba vachiwira pasi kusvikira pasisina kana mumwe chete wavo akanga achiri mupenyu; nokuti vakanga vaparadzwa pamberi paJehovha+ nepamberi peuto rake.+ Pashure paizvozvo vakatakura zvinhu zvizhinji kwazvo zvavakanga vapamba.+
14 Vakaparadzawo maguta ose akanga akapoteredza Gerari, nokuti akanga abatwa nokutya+ Jehovha; uye vakapamba maguta acho ose, nokuti aiva nezvokupamba zvakawanda maari.+
15 Vakaparadzawo matende+ evafudzi zvokuti vakatapa+ mapoka ezvipfuwo zvakawanda nengamera,+ vachibva vazodzokera kuJerusarema.