2 Makoronike 17:1-19
17 Zvino mwanakomana wake Jehoshafati+ akatanga kutonga panzvimbo pake, akasimbisa nzvimbo yake pana Israeri.
2 Akaisa mauto ehondo mumaguta ose akanga akavakirirwa aJudha, akaisa mapoka evarwi munyika yaJudha nomumaguta aEfremu akanga atorwa nababa vake Asa.+
3 Jehovha akaramba aina Jehoshafati,+ nokuti akafamba nenzira dzokutanga dzatateguru vake Dhavhidhi+ uye haana kutsvaka vanaBhaari.+
4 Nokuti akatsvaka Mwari wababa vake,+ uye akafamba mumurayiro wake,+ asingaiti maererano nezvaiitwa naIsraeri.+
5 Jehovha akaita kuti umambo hwacho hurambe hwakasimba kwazvo muruoko rwake;+ uye vaJudha vose vakaramba vachipa Jehoshafati zvipo,+ akava nepfuma yakawanda uye aikudzwa kwazvo.+
6 Mwoyo wake wakashinga kufamba munzira+ dzaJehovha, uye akatobvisa nzvimbo dzakakwirira+ nematanda matsvene+ pakati paJudha.
7 Zvino mugore rechitatu rokutonga kwake, akashevedza machinda ake, ivo Bheni-hairi naObhadhiya naZekariya naNetaneri naMikaya, kuti vazodzidzisa mumaguta aJudha,
8 ivo nevaRevhi vavaiva navo, Shemaya naNetaniya naZebhadhiya naAsaheri naShemiramoti naJehonatani naAdhonija naTobhija naTobhi-adhonija vaiva vaRevhi, uye vaiva nevapristi+ Erishama naJehoramu.
9 Vakatanga kudzidzisa+ pakati paJudha, vaine bhuku romutemo waJehovha;+ uye vakaramba vachipota nomumaguta ose aJudha vachidzidzisa vanhu.
10 Umambo hwose hwenyika dzakanga dzakapoteredza Judha hwakatya+ Jehovha, uye havana kurwisa Jehoshafati.+
11 Vaiuya nezvipo+ nemari somuripo+ kuna Jehoshafati vachibva kuvaFiristiya. VaArabhu+ vaiuyawo kwaari nemapoka ezvipfuwo, makondohwe zviuru zvinomwe nemazana manomwe nenhongo+ zviuru zvinomwe nemazana manomwe.
12 Jehoshafati akaramba achikwirira uye achiva mukuru+ kwazvo; uye akavaka nzvimbo dzakanga dzakavakirirwa+ nemaguta okuchengetera zvinhu+ pakati paJudha.
13 Akava nemabasa mazhinji mumaguta aJudha; uye varwi,+ varume vakanga vakashinga, vaiva nesimba,+ vaiva muJerusarema.
14 Idzi ndidzo dzakanga dziri nzvimbo dzavo maererano nedzimba dzemadzitateguru avo: Vakuru vezviuru vaJudha vaiva, Adnaa aiva mukuru wacho, uye aiva nevarume vakanga vakashinga, vaiva nesimba,+ zviuru mazana matatu.
15 Pasi pake paiva naJehohanani akanga ari mukuru, uye aiva nezviuru mazana maviri nezvine makumi masere.
16 Pasi pake paiva naAmasiya mwanakomana waZikri akanga akazvipira+ kuna Jehovha, uye aiva nevarume vakanga vakashinga, vaiva nesimba, zviuru mazana maviri.
17 Kuna Bhenjamini+ kwaiva nomurume akanga akashinga, aiva nesimba, ainzi Eriyadha, uye aiva nevarume zviuru mazana maviri vaiva nouta nenhoo.+
18 Pasi pake paiva naJehozabhadhi, uye aiva nevarume zviuru zana nezvine makumi masere vakanga vakagadzirira kurwa.
19 Ava ndivo vaishandira mambo, tisingabatanidzi vaya vakanga vaiswa namambo mumaguta akanga akavakirirwa+ pakati paJudha wose.