2 Makoronike 18:1-34
18 Zvino Jehoshafati akava nepfuma yakawanda uye aikudzwa kwazvo;+ asi akaroora+ kwaAhabhi.+
2 Naizvozvo kwapfuura makore akati, akaenda kuna Ahabhi kuSamariya;+ uye Ahabhi akabayira makwai+ nemombe zvakawanda nokuda kwake nevanhu vaaiva navo. Akatanga kumufurira+ kuti vaende kunorwisa Ramoti-giriyedhi.+
3 Ahabhi mambo waIsraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha: “Uchaenda neni kuRamoti-giriyedhi here?”+ Iye akati kwaari: “Ndakaita sewe, vanhu vangu vakaita sezvakaita vanhu vako uye tichange tinewe muhondo.”+
4 Zvisinei, Jehoshafati akati kuna mambo waIsraeri: “Ndapota, tanga wabvunza+ kuti Jehovha anotii.”
5 Naizvozvo mambo waIsraeri akaunganidza vaprofita,+ varume mazana mana, akati kwavari: “Tiende kunorwisa Ramoti-giriyedhi here, kana kuti ndirege?”+ Ivo vakatanga kuti: “Endai, uye Mwari wechokwadi achariisa muruoko rwamambo.”
6 Asi Jehoshafati akati: “Pano hapana mumwe muprofita waJehovha asara here?+ Saka ngatibvunzei tichishandisa iye.”+
7 Mambo waIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati:+ “Kuchine murume mumwe chete+ wokuti tishandise kubvunza Jehovha, asi ini ndinomuvenga,+ nokuti mazuva ake ose haaprofiti zvinhu zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa.+ Iye ndiMikaya mwanakomana waImra.”+ Asi Jehoshafati akati: “Mambo ngaarege kutaura chinhu chakadaro.”+
8 Naizvozvo mambo waIsraeri akashevedza rimwe jinda+ akati: “Kurumidza kuuya naMikaya mwanakomana waImra.”+
9 Zvino mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vakagara mumwe nomumwe pachigaro chake choumambo, vakapfeka nguo dzoumambo,+ vakagara paburiro pasuo regedhi reSamariya; uye vaprofita vose vakanga vachiita sevaprofita vari pamberi pavo.+
10 Zedhekiya mwanakomana waKenaana akabva agadzira nyanga+ dzesimbi, akati: “Zvanzi naJehovha,+ ‘Muchatunga vaSiriya neidzi kusvikira mavaparadza.’”+
11 Vamwe vaprofita vose vakanga vachiprofita saizvozvo, vachiti: “Endai kuRamoti-giriyedhi mukunde,+ uye Jehovha achariisa muruoko rwamambo.”+
12 Zvino nhume yakaenda kunoshevedza Mikaya yakati kwaari: “Tarira! Mashoko evaprofita ari kubvumirana zvakanaka pamusoro pamambo; ndapota, shoko rako ngarive seshoko romumwe wavo,+ utaure zvakanaka.”+
13 Asi Mikaya akati: “NaJehovha mupenyu,+ zvichataurwa naMwari wangu, ndizvo zvandichataura.”+
14 Akabva apinda maiva namambo, mambo akati kwaari: “Mikaya, tiende kuRamoti-giriyedhi kunorwa here, kana kuti ndirege?” Iye akabva ati: “Endai, mukunde; uye vachaiswa mumaoko enyu.”+
15 Mambo akati kwaari: “Ndinofanira kuita kuti upike+ kangani kuti undiudze chokwadi choga nezita raJehovha?”+
16 Naizvozvo akati: “Ndinoona vaIsraeri vose vakapararira pamakomo, semakwai asina mufudzi.+ Uye Jehovha ati: ‘Ava havana vanatenzi.+ Mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake norugare.’”+
17 Mambo waIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Handina here kuti kwauri, ‘Achaprofita pamusoro pangu, kwete zvinhu zvakanaka, asi zvakaipa’?”+
18 Zvino iye akati: “Naizvozvo inzwai shoko raJehovha:+ Ndaona Jehovha akagara pachigaro chake choumambo,+ uto rose+ rokumatenga rakamira pedyo naye, kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.+
19 Jehovha akati, ‘Ndiani achanyengedza Ahabhi mambo waIsraeri kuti aende, anofira kuRamoti-giriyedhi?’ Zvino pataurwa, mumwe achitaura zvokuti, uye mumwe achitaura zvokuti.+
20 Mumwe mudzimu+ wazobuda ukamira pamberi paJehovha, ukati, ‘Ini ndichamunyengedza.’ Jehovha akati kwauri, ‘Nechii?’+
21 Iwo ukati, ‘Ndichaenda, ndova mudzimu unonyengera mumiromo yevaprofita vake vose.’+ Naizvozvo iye ati, ‘Uchamunyengera, uyezve, uchakunda.+ Enda uite saizvozvo.’+
22 Zvino tarirai Jehovha aisa mudzimu unonyengera mumiromo yevaprofita venyu ava;+ asi Jehovha ataura nezvedambudziko pamusoro penyu.”+
23 Zvino Zedhekiya+ mwanakomana waKenaana+ akaswedera pedyo, akarova Mikaya+ padama,+ akati: “Mudzimu waJehovha wandipfuura nokupi kuti utaure newe?”+
24 Mikaya akati: “Tarira! Uchazviona pazuva iroro+ pauchapinda muimba yomukatikati kuti uvande.”+
25 Mambo waIsraeri akabva ati: “Torai Mikaya mumudzorere kuna Amone mukuru weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo.+
26 Muti, ‘Zvanzi namambo: “Isai munhu uyu muimba yevasungwa,+ mumupe mugove wezvokudya wakatapudzwa+ nomugove wemvura wakatapudzwa kusvikira ndadzoka norugare.”’”+
27 Mikaya akabva ati: “Kana mukadzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni.”+ Akawedzera kuti: “Inzwai, imi marudzi ose.”+
28 Mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda kuRamoti-giriyedhi.+
29 Zvino mambo waIsraeri akati kuna Jehoshafati: “Ini, ndichachinja nguo dzangu kuti ndirege kuzivikanwa,+ ndoenda kunorwa, asi iwe, pfeka nguo dzako.”+ Naizvozvo, mambo waIsraeri akachinja nguo dzake kuti arege kuzivikanwa, vachibva vaenda kunorwa.+
30 Zvino mambo weSiriya akanga arayira vakuru vengoro dzake, achiti: “Irwai, kwete nomuduku kana mukuru, asi namambo waIsraeri chete.”+
31 Vakuru vengoro dzacho pavakangoona Jehoshafati, vakati: “Ndiye mambo waIsraeri.”+ Naizvozvo vakatendeukira kwaari kuti vamurwise; asi Jehoshafati akatanga kushevedzera kuti abatsirwe,+ Jehovha akamubatsira,+ Mwari akabva aita kuti vamurege.+
32 Vakuru vengoro pavakangoona kuti akanga asiri mambo waIsraeri, vakabva varega kumutevera.+
33 Zvino mumwe murume akangokungawo zvake uta, akabaya+ mambo waIsraeri panobatana nhumbi dzokuzvidzivirira nadzo, zvokuti akati kumutyairi wengoro:+ “Tenderudza ngoro, undibudise pakati peuto, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.”+
34 Kurwa kwakaramba kuchinyanya pazuva iroro, uye mambo waIsraeri aifanira kuramba akamiswa ari mungoro akatarirana nevaSiriya kusvikira manheru; uye akazofa panguva yokuvira kwezuva.+