2 Makoronike 19:1-11
19 Jehoshafati mambo waJudha akabva adzokera kumba kwake kuJerusarema norugare.+
2 Zvino Jehu+ mwanakomana womuoni+ Hananai+ akasvika pamberi pake, akati kuna Mambo Jehoshafati: “Munofanira kubatsira vakaipa,+ uye kuda+ vanovenga+ Jehovha here? Jehovha akutsamwirai+ nokuda kweizvi.
3 Kunyange zvakadaro, pane zvinhu zvakanaka+ zvakawanikwa kwamuri, nokuti makabvisa matanda matsvene munyika,+ mukagadzirira mwoyo wenyu kuti mutsvake Mwari wechokwadi.”+
4 Zvino Jehoshafati akaramba achigara muJerusarema; uye akatangazve kubuda achienda pakati pevanhu kubvira kuBheeri-shebha+ kusvikira kunzvimbo ine makomo yaEfremu,+ kuti avadzose kuna Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.+
5 Akagadza vatongi munyika yose mumaguta ose aJudha akanga akavakirirwa, muguta neguta.+
6 Akati kuvatongi vacho: “Onai zvamuri kuita,+ nokuti hamutongeri munhu asi Jehovha;+ uye iye anemi mukutonga kwacho.+
7 Zvino ityai+ Jehovha.+ Chenjerai, muite chimwe chinhu,+ nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna zvisina kururama+ kana rusaruro+ kana kugamuchira pfumbamuromo.”+
8 Jehoshafati akagadzawo vamwe vaRevhi+ nevapristi+ nevamwe vakuru vedzimba dzemadzibaba+ aIsraeri muJerusarema kuti vatongere+ Jehovha uye vatonge mhosva+ dzevagari vomuJerusarema.
9 Akavarayirawo achiti: “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita muchitya+ Jehovha nokutendeka, nemwoyo yakakwana.
10 Mhosva dzose dzichauya kwamuri dzehama dzenyu dziri kugara mumaguta adzo, dzine chokuita nokuteurwa kweropa,+ dzine chokuita nomutemo+ nomurayiro+ nomurau+ nezvakatongwa,+ munyevere hama dzenyu kuti dzirege kuitira Jehovha zvakaipa kuti imi nehama dzenyu murege kutsamwirwa.+ Izvi ndizvo zvamunofanira kuita kuti murege kuva nemhosva.
11 Zvino hoyu mupristi mukuru Amariya achakutarisirai pazvinhu zvose zvaJehovha;+ naZebhadhiya mwanakomana waIshmaeri mutungamiriri weimba yaJudha achakutarisirai pazvinhu zvose zvamambo; uye mune vaRevhi kuti vakutungamirirei. Shingai+ muite chimwe chinhu, uye Jehovha+ ngaave nezvakanaka.”+