2 Makoronike 2:1-18
2 Zvino Soromoni akarayira kuti zita raJehovha+ rivakirwe imba+ uye kuti umambo hwake huvakirwe imba.+
2 Naizvozvo Soromoni akaverenga varume zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vemitoro uye varume zviuru makumi masere kuti vave vavezi vematombo mugomo,+ uye zviuru zvitatu nemazana matanhatu kuti vave vatariri vavo.+
3 Soromoni akatumirawo shoko kuna Hiramu+ mambo weTire, achiti: “Sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi,+ mukaramba muchivatumira matanda omusidhari kuti vavake imba yokuti vagare,—
4 tarirai ini ndiri kuvakira+ zita+ raJehovha Mwari wangu imba kuti ndiitsaurire+ kwaari, kuti ndipisire rusenzi inonhuhwirira+ pamberi pake, nokuisa imomo zvingwa zvakaturikidzaniswa+ zvenguva dzose nokupa zvinopiwa zvinopiswa mangwanani nemanheru,+ pamasabata+ nepakugara kwemwedzi+ nepamwaka yemitambo+ yaJehovha Mwari wedu. Izvi zvichava pavaIsraeri nokusingagumi.+
5 Imba yandichavaka ichava huru,+ nokuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwe vanamwari vose.+
6 Ndiani angava nesimba rokumuvakira imba?+ Nokuti haangakwani mumatenga nokumatengatenga,+ uye ndini ani+ kuti ndimuvakire imba kunze kweyokukwidzira utsi hwezvibayiro pamberi pake?+
7 Zvino nditumirei murume ane unyanzvi kuti agadzire zvinhu zvendarama nezvesirivha nezvemhangura+ nezvesimbi nezvemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka, neshinda tsvuku neyebhuruu, uye anogona kutemera runyoro, pamwe chete nenyanzvi dzandiinadzo dziri muJudha nomuJerusarema, dzakatsvakwa nababa vangu Dhavhidhi.+
8 Nditumirei matanda omusidhari,+ omujunipa+ neomuarigamu+ kubva kuRebhanoni,+ nokuti ndinonyatsoziva kuti vashandi venyu vane ruzivo rwokutema miti yokuRebhanoni,+ (uye tarirai vashandi vangu vari pamwe chete nevashandi venyu,)
9 kuti vandigadzirire matanda mazhinji, nokuti imba yandichavaka ichava huru zvinoshamisa.
10 Tarirai! ndichapa vaunganidzi vematanda, ivo vatemi vemiti, gorosi kuti zvive zvokudya zvevashandi venyu, makori zviuru makumi maviri,+ nemakori ebhari zviuru makumi maviri, nemabhati ewaini+ zviuru makumi maviri, nemabhati emafuta zviuru makumi maviri.”
11 Hiramu mambo weTire+ akabva anyora shoko, akaritumira kuna Soromoni achiti: “Jehovha zvaaida+ vanhu vake, iye akakugadza kuti uve mambo wavo.”+
12 Hiramu akati: “Jehovha Mwari waIsraeri akasika matenga nenyika+ ngaarumbidzwe,+ nokuti akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akachenjera, akangwara uye anonzwisisa,+ achavakira Jehovha imba uye achavakira umambo hwake imba.+
13 Zvino ndinotuma murume ane unyanzvi, anonzwisisa, iye Hiramu-abhi,+
14 mwanakomana womukadzi wevanakomana vaDhani, asi baba vake vaiva murume wokuTire, aiva noruzivo rwokugadzira zvinhu zvendarama nezvesirivha, zvemhangura,+ zvesimbi, zvematombo+ nezvematanda, zvemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka,+ zveshinda yebhuruu+ nezvemachira akanaka kwazvo,+ nezveshinda tsvuku,+ nerwokunyora kwemarudzi ose achiita zvokutemera+ nerwokufunga mazano emarudzi ose+ aangapiwa pamwe chete nevarume vako vane unyanzvi nevarume vane unyanzvi vashe wangu baba vako Dhavhidhi.
15 Zvino gorosi nebhari, mafuta newaini zvavimbiswa nashe wangu, ngaazvitumire vashandi vake.+
16 Isu tichatema miti+ yokuRebhanoni maererano nezvaunoda zvose,+ tichaiunza kwauri nomugungwa, iri matanda akasungwa,+ ichienda kuJopa,+ iwe wozoenda nayo kuJerusarema.”
17 Soromoni akabva averenga varume vose vakanga vari vatorwa, vaiva munyika yaIsraeri,+ pashure pokuverengwa kwavakanga vaitwa nababa vake Dhavhidhi;+ kukawanika zviuru zana nemakumi mashanu nezvitatu nemazana matanhatu.
18 Naizvozvo akaita kuti vane zviuru makumi manomwe vavo vave vatakuri vemitoro,+ nevane zviuru makumi masere vave vavezi vematombo+ mugomo uye vane zviuru zvitatu nemazana matanhatu vave vatariri vokuita kuti vanhu varambe vari pabasa.+