2 Makoronike 25:1-28
25 Amaziya+ akava mambo aine makore makumi maviri nemashanu, uye akatonga kwemakore makumi maviri nemapfumbamwe ari muJerusarema. Amai vake vainzi Jehoadhani+ wokuJerusarema.
2 Iye akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha,+ asi asingaiti nomwoyo wakakwana.+
3 Zvino umambo hwacho pahwakanga hwangosimba nokuda kwake, akabva auraya+ vashandi vake+ vakanga vauraya mambo, ivo baba vake.+
4 Haana kuuraya vanakomana vavo, asi akaita maererano nezvakanyorwa mumutemo, mubhuku raMosesi,+ zvakarayirwa naJehovha, achiti: “Madzibaba haafaniri kufa nokuda kwevanakomana,+ uyewo vanakomana havafaniri kufa nokuda kwemadzibaba;+ asi mumwe nomumwe anofanira kufa nokuda kwechivi chake.”+
5 Amaziya akaunganidza vaJudha, akaita kuti vamire maererano nedzimba dzemadzitateguru,+ maererano nevakuru vezviuru+ uye maererano nevakuru vemazana+ vevaJudha vose nevaBenjamini; uye akavanyora kubvira pane vaiva nemakore makumi maviri+ zvichikwira, akazowana kuti varume vakanga vakasarudzwa kuenda kuhondo, vaishandisa mapfumo marefu+ nenhoo+ huru, vaiva zviuru mazana matatu.
6 Akabhadharawo matarenda esirivha zana kuti atore varume vaIsraeri vakanga vakashinga, vaiva nesimba, vaisvika zviuru zana.
7 Zvino mumwe munhu waMwari+ wechokwadi akauya kwaari, akati: “Haiwa mambo, uto revaIsraeri ngarirege kuenda nemi, nokuti Jehovha haasi pakati pevaIsraeri,+ ivo vanakomana vose vaEfremu.
8 Asi endai moga, muite chimwe chinhu, shingai nokuda kwehondo.+ Mwari wechokwadi angaita kuti muparare pamberi pomuvengi; nokuti Mwari ane simba rokubatsira+ nerokuita kuti muparare.”+
9 Amaziya+ akabva ati kumunhu waMwari wechokwadi: “Zvino ndoita sei nematarenda zana andakapa varwi vevaIsraeri?”+ Munhu waMwari wechokwadi akati: “Jehovha anokwanisa kukupai zvakawanda kupfuura izvi.”+
10 Naizvozvo Amaziya akavatsaura, ivo varwi vakanga vauya kwaari vachibva kwaEfremu, kuti vaende kunzvimbo yavo. Asi, ivo vakatsamwira Judha kwazvo, zvokuti vakadzokera kunzvimbo yavo vakatsamwa kwazvo.+
11 Amaziya akashinga, akatungamirira vanhu vake, vakaenda kuMupata woMunyu;+ uye akauraya vanakomana vaSeiri,+ vane zviuru gumi.+
12 Kwaiva nevane zviuru gumi vakatapwa nevanakomana vaJudha vari vapenyu. Naizvozvo vakaenda navo pamusoro peibwe, vakavakanda vachibva pamusoro peibwe; uye vose zvavo vakatsemuka nepakati.+
13 Zvino nhengo dzevarwi vakanga vadzoswa naAmaziya kuti varege kuenda naye kuhondo+ dzakarwisa maguta aJudha, kubvira kuSamariya+ kusvikira kuBheti-horoni,+ dzikauraya vane zviuru zvitatu, dzikapamba zvinhu zvizhinji.
14 Zvino pashure pokunge Amaziya asvika achibva kunouraya vaEdhomu, akauya navanamwari+ vevanakomana vaSeiri, akavaita vanamwari vake,+ akakotama pamberi pavo,+ akavakwidzira utsi hwezvibayiro.+
15 Naizvozvo Jehovha akatsamwira Amaziya kwazvo, nokudaro akamutumira muprofita, akati kwaari: “Matsvakireiko+ vanamwari+ vemarudzi vasina kununura vanhu vavo muruoko rwenyu?”+
16 Zvino paakataura naye, mambo akabva ati kwaari: “Takakugadza kuti uve gurukota ramambo here?+ Nyarara kana uchida upenyu.+ Nei vachifanira kukuuraya?” Naizvozvo muprofita wacho akanyarara, asi akati: “Ndinoziva kuti Mwari atsunga kukuparadzai,+ nokuti maita izvi+ uye hamuna kuteerera zano rangu.”+
17 Amaziya mambo waJudha akabva atsvaka zano, akatumira shoko kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo waIsraeri,+ achiti: “Uya! Ngatirwisane takatarirana chiso nechiso.”+
18 Jehoashi mambo waIsraeri akabva atumira shoko kuna Amaziya mambo waJudha achiti:+ “Utumbambeva hwaiva muRebhanoni hwakatumira shoko kumusidhari waiva muRebhanoni,+ huchiti, ‘Ipa mwanakomana wangu mwanasikana wako kuti ave mudzimai wake.’+ Asi imwe mhuka yomusango+ yaiva muRebhanoni yakapfuura nepo ikatsika-tsika utumbambeva hwacho.
19 Wakazviudza kuti, Tarira wakaparadza Edhomu.+ Mwoyo wako+ waita kuti uzvikwidziridze kuti ukudzwe.+ Zvino ramba uchigara mumba mako.+ Unodirei kukakavara iwe zvinhu zvisina kukumirira zvakanaka,+ woparara iwe nevaJudha vauinavo?”+
20 Asi Amaziya haana kuteerera; nokuti zvakanga zvichibva kuna Mwari+ wechokwadi kuti avaise muruoko rwake, nokuti vakanga vatsvaka vanamwari veEdhomu.+
21 Naizvozvo Jehoashi mambo waIsraeri akaenda,+ vakarwisana vakatarirana chiso nechiso,+ iye naAmaziya mambo waJudha, kuBheti-shemeshi+ raJudha.
22 Judha akakundwa naIsraeri,+ zvokuti mumwe nomumwe akatizira kutende rake.+
23 Jehoashi mambo waIsraeri akabata+ Amaziya mambo waJudha mwanakomana waJehoashi mwanakomana waJehoahazi kuBheti-shemeshi, achibva azoenda naye kuJerusarema,+ akaputsa rusvingo rweJerusarema, kubvira paGedhi raEfremu+ kusvikira kuGedhi Repakona,+ makubhiti mazana mana.
24 Akatora ndarama yose nesirivha nezvinhu zvose zvaiva muimba yaMwari wechokwadi zviina Obhedhi-edhomu+ nomunzvimbo dzaichengeterwa pfuma yeimba yamambo+ pamwe chete nevasungwa, akabva adzokera kuSamariya.+
25 Zvino Amaziya+ mwanakomana waJehoashi mambo waJudha akararama kwemakore gumi nemashanu+ pashure pokufa kwaJehoashi+ mwanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.
26 Mamwe mabasa ose aAmaziya, okutanga neokupedzisira,+ tarirai! haana kunyorwa here muBhuku+ reMadzimambo aJudha naIsraeri?+
27 Kubvira panguva yakatsauka Amaziya pakutevera Jehovha, vakamumukira+ muJerusarema. Akazotizira kuRakishi;+ asi vakatuma vanhu, vakamutevera kuRakishi, vakamuurayira ikoko.+
28 Naizvozvo vakamutakura nemabhiza,+ vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake muguta raJudha.+