2 Makoronike 33:1-25
33 Manase+ akanga aine makore gumi nemaviri paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore makumi mashanu nemashanu ari muJerusarema.+
2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha,+ maererano nezvinhu zvinosemesa+ zvemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pevanakomana vaIsraeri.+
3 Naizvozvo akavakazve nzvimbo dzakakwirira+ dzakanga dzaputswa nababa vake Hezekiya,+ akavakira vanaBhaari+ atari,+ akagadzira matanda matsvene,+ akatanga kukotamira+ uto rose rokumatenga+ nokurishumira.+
4 Akavaka atari+ mumba maJehovha, makanga manzi naJehovha: “Zita rangu richava muJerusarema nokusingagumi.”+
5 Akavakira uto rose rokumatenga+ atari muzvivanze+ zviviri zveimba yaJehovha.+
6 Akapinza vanakomana vake mumoto+ mumupata womwanakomana waHinomu,+ akaita zvemashiripiti,+ akashopera,+ akaita zvouroyi,+ akagadza masvikiro+ nevafemberi.+ Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, kuti amugumbure.+
7 Akaisawo chifananidzo chakavezwa+ chaakanga agadzira muimba yaMwari wechokwadi,+ yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi uye kumwanakomana wake Soromoni: “Ndichaisa zita rangu+ nokusingagumi+ muimba iyi nomuJerusarema, iro guta randakasarudza+ pamadzinza ose aIsraeri.
8 Handizobvisizve tsoka dzevaIsraeri panyika yandakapa+ madzitateguru avo,+ kana vakangochenjerera kuita zvose zvandakavarayira+ maererano nomutemo+ wose nemirau+ nezvakatongwa+ noruoko rwaMosesi.”+
9 Manase+ akaramba achitsausa vaJudha+ nevagari vomuJerusarema kuti vaite zvakaipa+ kwazvo kupfuura marudzi akanga atsakatiswa naJehovha pamberi pevanakomana vaIsraeri.+
10 Jehovha akaramba achitaura naManase nevanhu vake, asi ivo havana kuteerera.+
11 Jehovha akazounza+ vakuru veuto ramambo weAsiriya+ kuti vazovarwisa, naizvozvo vakabata Manase ari mumakomba,+ vakamusunga+ nezvisungo zvomumakumbo zviviri zvemhangura, vakaenda naye kuBhabhironi.
12 Pazvakangomutambudza,+ akaita kuti anzwirwe nyasha naJehovha Mwari wake,+ akaramba achizvininipisa+ kwazvo nokuda kwaMwari wemadzitateguru ake.
13 Akaramba achinyengetera kwaari, zvokuti Iye akabvuma kutetererwa+ naye, uye Iye akanzwa chikumbiro chake chokuti anzwirwe nyasha, akamudzorera kuJerusarema paumambo hwake;+ uye Manase akaziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.+
14 Pashure peizvi, akavakira Guta raDhavhidhi+ rusvingo rwokunze+ kumavirira kweGihoni,+ mumupata une rukova, kusvikira kuGedhi reHove,+ akaita kuti rupoterere nokuOferi,+ akaita kuti rukwirire kwazvo. Akazoisa vakuru veuto rehondo mumaguta ose akanga akavakirirwa muJudha.+
15 Akabvisa vanamwari+ vokune dzimwe nyika nechidhori+ muimba yaJehovha neatari+ dzose dzaakanga avaka mugomo reimba yaJehovha nomuJerusarema, akabva aita kuti zvikandwe kunze kweguta.
16 Akagadzirawo atari yaJehovha,+ akatanga kubayira zvibayiro zvokugoverana+ nezvibayiro zvokuonga+ pamusoro payo, akaudza vaJudha kuti vashumire Jehovha Mwari waIsraeri.+
17 Kunyange zvakadaro, vanhu vakanga vachiri kubayira zvibayiro panzvimbo dzakakwirira;+ kungoti vaizviitira Jehovha Mwari wavo.
18 Mamwe mabasa ose aManase nomunyengetero+ wake kuna Mwari wake nemashoko evaoni+ vakaramba vachitaura naye vachishandisa zita raJehovha Mwari waIsraeri, tarirai zviri pamabasa emadzimambo aIsraeri.+
19 Munyengetero wake,+ nokuitirwa kwake zvaakateterera+ nechivi chake+ chose nokusatendeka+ kwake nepaakavakira nzvimbo dzakakwirira,+ akamisa matanda matsvene+ nemifananidzo yakavezwa+ asati azvininipisa,+ tarirai zvakanyorwa pamashoko evaoni vake.
20 Manase akazorara nemadzitateguru ake,+ vakamuviga+ paimba yake; uye mwanakomana wake Amone+ akatanga kutonga panzvimbo pake.
21 Amone+ akanga aine makore makumi maviri nemaviri paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore maviri ari muJerusarema.+
22 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha,+ sezvakanga zvaitwa nababa vake Manase;+ uye Amone akabayira+ kumifananidzo yakavezwa+ yose yakanga yagadzirwa nababa vake Manase,+ uye akaramba achiishumira.+
23 Haana kuzvininipisa+ pamberi paJehovha, sokuzvininipisa kwakaita baba vake Manase,+ nokuti Amone ndiye akaita kuti kuva nemhosva kuwedzere.+
24 Vashandi vake vakazomumukira,+ vakamuurayira mumba make.+
25 Asi vanhu vomunyika yacho vakauraya+ vose vakanga vamukira+ Mambo Amone,+ vanhu+ vomunyika yacho vakabva vagadza mwanakomana wake Josiya+ kuti ave mambo panzvimbo pake.