2 Petro 1:1-21
1 Simoni Petro, muranda+ uye muapostora+ waJesu Kristu, kune vaya vakawana kutenda, kune ropafadzo yakaenzana neyedu,+ nokururama+ kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu:+
2 Mutsa usina kukodzera kuwanwa norugare ngazviwedzerwe kwamuri+ nezivo yakarurama+ pamusoro paMwari naJesu Ishe wedu,
3 nokuti simba raMwari rakatipa zvinhu zvose zvine chokuita noupenyu+ nokuzvipira kuna Mwari pachena,+ pachishandiswa zivo yakarurama pamusoro paiye akatidana,+ pachishandiswa kubwinya+ nokunaka.
4 Nezvinhu izvi iye akatipa pachena zvipikirwa zvinokosha uye zvikuru kwazvo,+ kuti neizvi imi muve vanhu vakaita saMwari,+ zvamakabva pakuora kuri munyika+ nomukuchiva kwazvo.
5 Chokwadi, nokuda kwaizvozvi, nokushingaira kwenyu nomwoyo wose,+ wedzerai kunaka pakutenda kwenyu,+ pakunaka kwenyu zivo,+
6 pazivo yenyu kuzvidzora, pakuzvidzora+ kwenyu kutsungirira, pakutsungirira kwenyu kuzvipira kuna Mwari,+
7 pakuzvipira kwenyu kuna Mwari kudanana kwazvo sehama, pakudanana kwazvo kwenyu sehama rudo.+
8 Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri uye zvichifashukira, zvichakudzivisai kuva vanhu vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko+ pamusoro pezivo yakarurama yaShe wedu Jesu Kristu.
9 Nokuti kana zvinhu izvi zvisipo mumunhu, iye ibofu, anotsinzina maziso ake kuti arege kuona chiedza,+ uye akanganwa+ kunatswa kwake+ pazvivi zvake zvekare kare.
10 Saka hama, itai zvose zvamunogona kuti kudanwa+ kwenyu nokusarudzwa+ kwenyu kuve kwechokwadi kwamuri; nokuti kana mukaramba muchiita zvinhu izvi hamungazombowi.+
11 Chokwadi, muchazarurirwa kwazvo saizvozvo kuti mupinde+ muumambo husingaperi+ hwaShe wedu uye Muponesi Jesu Kristu.+
12 Nokuda kwaizvozvi ini ndichagara ndichida kukuyeuchidzai+ nezvezvinhu izvi, kunyange muchizviziva uye makamira zvakasimba muchokwadi+ chiri mamuri.+
13 Asi ndinofunga kuti chero bedzi ndiri mutebhenekeri ino,+ zvakanaka kuti ndikumutsei nokukuyeuchidzai,+
14 zvandinoziva kuti kubviswa kwetebhenekeri yangu kuchakurumidza kuitika,+ sokuratidzwa kwandakaitwa naShe wedu Jesu Kristu.+
15 Naizvozvo ndichaitawo zvose zvandinogona nguva dzose kuti, pashure pokunge ndaenda,+ mukwanise kuyeuka zvinhu izvi.
16 Aiwa, hatina kukuzivisai simba nokuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu+ tichitevera ngano dzakanyatsorukwa,+ asi takazviita nokuva zvapupu zvakaona ukuru hwake.+
17 Nokuti iye akagamuchira kukudzwa nokubwinya+ kubva kuna Mwari Baba, mashoko akadai seaya paakaunzwa kwaari nokubwinya kukuru, zvichinzi: “Uyu ndiye mwanakomana wangu, anodiwa wangu, wandafarira.”+
18 Chokwadi, mashoko aya takaanzwa+ achitaurwa achibva kudenga patakanga tiinaye mugomo dzvene.+
19 Naizvozvo tine shoko rouprofita+ rakaitwa kuti rive rechokwadi kwazvo;+ uye muri kuita zvakanaka kuriteerera serambi+ rinopenya munzvimbo ine rima, imo mumwoyo menyu, kusvikira ava mambakwedza uye nyamasase+ ichibuda.
20 Nokuti kutanga munoziva izvi, kuti hakuna uprofita hwoRugwaro hunobva chero mukududzirwa kwezvinhu chero kupi zvako kwakazvimirira.+
21 Nokuti uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayo nevanhu,+ asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari+ sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.+