2 Samueri 24:1-25
24 Zvino Jehovha akatsamwirazve+ vaIsraeri, mumwe munhu paakakurudzira Dhavhidhi kuti avaitire zvakaipa, achiti: “Enda, uverenge+ vaIsraeri nevaJudha.”
2 Naizvozvo mambo akati kuna Joabhi+ mukuru wemauto ehondo waaiva naye: “Ndapota, famba-famba mumadzinza ose aIsraeri, kubvira kuDhani kusvikira kuBheeri-shebha,+ munyore vanhu,+ ndizive kuti vanhu vangani.”+
3 Asi Joabhi akati kuna mambo: “Jehovha Mwari wenyu ngaatowedzera vanhu kane zana kupfuura kuwanda kwavakaita maziso ashe wangu mambo achizviona. Asi ishe wangu mambo adirei chinhu ichi?”+
4 Shoko ramambo rakazokunda+ Joabhi nevakuru vemauto ehondo. Naizvozvo Joabhi nevakuru vemauto ehondo vakabva pamberi pamambo kuti vanonyora+ vanhu vaIsraeri.
5 Vakabva vayambuka Jodhani, vakadzika musasa paAroeri+ kurudyi rweguta riri pakati pomupata une rukova, nechokuvaGadhi,+ uye kuJazeri.+
6 Pashure paizvozvo vakasvika kuGiriyedhi+ nenyika yeTatimu-hodhishi vakaramba vachienda kuDhani-jaani uye vakapoterera vachienda kuSidhoni.+
7 Vakabva vasvika kunhare yeTire+ nemaguta ose evaHivhi+ neevaKenani, vakasvika kwokupedzisira muNegebhu+ yaJudha kuBheeri-shebha.+
8 Nokudaro vakafamba-famba munyika yose vakasvika kuJerusarema pakupera kwemwedzi mipfumbamwe nemazuva makumi maviri.
9 Zvino Joabhi akapa mambo nhamba yevanhu vakanga vanyorwa;+ vaIsraeri vakasvika varume vakashinga zviuru mazana masere vaivhomora bakatwa, uye varume vaJudha vaiva varume zviuru mazana mashanu.+
10 Zvino hana yaDhavhidhi yakatanga kurova+ apedza kuverenga vanhu saizvozvo. Naizvozvo Dhavhidhi akati kuna Jehovha: “Ndatadza+ kwazvo pane zvandaita. Zvino Jehovha, ndapota bvisai kukanganisa kwomushumiri wenyu;+ nokuti ndakaita zvoupenzi kwazvo.”+
11 Dhavhidhi paakamuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Gadhi,+ muoni+ waDhavhidhi, richiti:
12 “Enda uti kuna Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndiri kukupa zvinhu zvitatu.+ Sarudza chimwe chete chazvo kuti ndikuitire ichocho.”’”+
13 Naizvozvo Gadhi akapinda maiva naDhavhidhi, akamuudza, akati kwaari:+ “Unoda here kuti kuuye makore manomwe enzara munyika yako,+ kana kuti mwedzi mitatu uchitiza mhandu dzako,+ idzo dzichikutevera, kana kuti mazuva matatu edenda munyika yako?+ Zvino funga uone zvandichapindura Iye andituma.”
14 Naizvozvo Dhavhidhi akati kuna Gadhi: “Zviri kunditambudza kwazvo. Ndapota, regai tiwire hedu muruoko rwaJehovha,+ nokuti ngoni dzake izhinji;+ asi musandirega ndichiwira muruoko rwomunhu.”+
15 Jehovha akabva aunza denda+ pakati paIsraeri kubvira mangwanani kusvikira panguva yakatarwa, zvokuti vanhu zviuru makumi manomwe vakafa+ pavanhu vaigara kubvira kuDhani kusvikira kuBheeri-shebha.+
16 Ngirozi+ yakaramba yakatambanudzira ruoko rwayo kuJerusarema kuti iriparadze; Jehovha akatanga kuzvidemba+ pamusoro pedambudziko racho, naizvozvo akati kungirozi yakanga ichiparadza vanhu: “Zvakwana! Chidzikisa ruoko rwako.” Ngirozi yaJehovha yaiva pedyo neburiro raArauna+ muJebhusi.+
17 Dhavhidhi akati kuna Jehovha, paakaona ngirozi yakanga ichiuraya vanhu: “Tarirai ndini ndakatadza uye ndini ndakakanganisa; asi makwai+ aya—akaitei? Ndapota, ruoko rwenyu ngaruuye pandiri+ nepaimba yababa vangu.”
18 Gare gare Gadhi akapinda maiva naDhavhidhi zuva iroro akati kwaari: “Enda umisire Jehovha atari paburiro raArauna muJebhusi.”+
19 Dhavhidhi akaenda sezvakanga zvataurwa naGadhi, sezvakanga zvarayirwa naJehovha.+
20 Arauna paakatarira zasi, akaona mambo nevashandi vake vachiuya kwaari, Arauna akabva abuda, akakotamira+ mambo chiso chake chakatarira pasi.+
21 Arauna akabva ati: “Ishe wangu mambo avingei kumushandi wake?” Dhavhidhi akati: “Kuzotenga+ buriro kwauri kuti ndivakire Jehovha atari, kuti denda+ ribviswe pakati pevanhu.”
22 Asi Arauna akati kuna Dhavhidhi: “Ishe wangu mambo ngaaritore+ abayire zvakamunakira. Hedzo mombe dzechinopiwa chinopiswa nechirei chinoshandiswa kupura nemajoko emombe kuti zvive huni.+
23 Haiwa mambo, Arauna anopa mambo zvose.” Arauna akatizve kuna mambo: “Jehovha Mwari wenyu ngaakufarirei.”+
24 Asi mambo akati kuna Arauna: “Aiwa, asi ndichatoritenga kwauri nomutengo waro;+ uye handisi kuzopa Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.”+ Naizvozvo Dhavhidhi akatenga+ buriro nemombe dzacho nemashekeri esirivha makumi mashanu.
25 Dhavhidhi akavakira Jehovha atari+ ipapo, akapa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvokugoverana, Jehovha akabvuma kutetererwa+ nokuda kwenyika, zvokuti denda racho rakaguma pakati paIsraeri.