2 Samueri 8:1-18
8 Zvino pashure paizvozvo Dhavhidhi akarwisa vaFiristiya,+ akavakunda,+ uye Dhavhidhi akatorera vaFiristiya Metegi-ama.
2 Akarwisa vaMoabhi,+ akavayera netambo, achiita kuti varare pasi, kuti ayere netambo kaviri vokuti auraye, uye ayere netambo yakakwana vokuti achengetedze vari vapenyu;+ uye vaMoabhi vakava vashandi vaDhavhidhi+ vairipa muripo.+
3 Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezeri+ mwanakomana waRehobhu mambo weZobha+ paaienda kunotongazve kurwizi rwaYufratesi.+
4 Dhavhidhi akamutorera vatasvi vemabhiza chiuru nemazana manomwe nevarume vaifamba netsoka zviuru makumi maviri;+ uye Dhavhidhi akagura madzira emakumbo emabhiza+ ose aikweva ngoro,+ asi akasiya mabhiza zana aikweva ngoro.
5 Siriya yokuDhamasiko+ payakauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akabva auraya varume zviuru makumi maviri nezviviri pavaSiriya.+
6 Dhavhidhi akaisawo mapoka evarwi+ muSiriya yokuDhamasiko; vaSiriya vakava vashandi vaDhavhidhi kuti varipe muripo.+ Jehovha akaramba achiponesa Dhavhidhi kwose kwose kwaaienda.+
7 Dhavhidhi akatorawo nhoo dzendarama dzeraundi+ dzaiva pavashandi vaHadhadhezeri, akaenda nadzo kuJerusarema.
8 Mambo Dhavhidhi akatora mhangura yakawanda kwazvo+ kuBheta nokuBherotai, maguta aHadhadhezeri.
9 Zvino Toi mambo weHamati+ akanzwa kuti Dhavhidhi akanga auraya uto rose rehondo raHadhadhezeri.+
10 Naizvozvo Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kunomubvunza kuti akadini+ nokumukorokotedza kuti akanga arwisa Hadhadhezeri akamuuraya (nokuti Hadhadhezeri akanga arovedzwa zvehondo achirwisana naToi); uye muruoko rwake maiva nezvinhu zvesirivha nezvinhu zvendarama nezvinhu zvemhangura.+
11 Mambo Dhavhidhi akatsaurirawo izvi kuna Jehovha, pamwe chete nesirivha nendarama yaakanga atsaurira, yakabva kumarudzi ose aakanga akunda,+
12 yakabva kuSiriya nokuMoabhi+ nokuvanakomana vaAmoni nokuvaFiristiya+ nokuna Amareki+ uye pane zvakanga zvapambwa kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu mambo weZobha.+
13 Dhavhidhi akaita mukurumbira paakadzoka achibva kunouraya vaEdhomu muMupata woMunyu+—zviuru gumi nezvisere.+
14 Akaita kuti mapoka evarwi arambe ari muEdhomu.+ Akaisa mapoka evarwi muEdhomu yose, uye vaEdhomu vose vakava vashandi vaDhavhidhi;+ uye Jehovha akaramba achiponesa Dhavhidhi kwose kwose kwaaienda.+
15 Dhavhidhi akaramba achitonga vaIsraeri vose;+ uye Dhavhidhi akaramba achiruramisira vanhu vake vose nokuvaitira zvakarurama.+
16 Joabhi+ mwanakomana waZeruya ndiye aitarisira uto racho; uye Jehoshafati+ mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wezvaiitika.
17 Zadhoki+ mwanakomana waAhitubhu naAhimereki+ mwanakomana waAbhiyatari vaiva vapristi, uye Seraya aiva munyori.
18 Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha ndiye aitarisira vaKereti+ nevaPereti.+ Asi vanakomana vaDhavhidhi vakava vapristi.*+