2 Timoti 2:1-26
2 Naizvozvo, iwe, mwana+ wangu, ramba uchiva nesimba+ mumutsa usina kukodzera kuwanwa+ uri muna Kristu Jesu,
2 uye zvinhu zvawakanzwa kwandiri zvichitsigirwa nezvapupu zvizhinji,+ zvinhu izvi zvipe vanhu vakatendeka, avo vachanyatsokwanisawo kudzidzisa vamwe.+
3 Tamburawo nezvinhu zvakaipa+ somurwi akanaka kwazvo+ waKristu Jesu.
4 Hapana munhu anoshanda somurwi+ anozvipinza mumabasa okutengeserana oupenyu,+ kuti afarirwe nouya akamupinza basa somurwi.
5 Zvakare, kana munhu achikwikwidza kunyange mumitambo,+ haapiwi korona kunze kwokunge akwikwidza maererano nemirau yacho.
6 Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kuva munhu wokutanga kudya zvibereko.+
7 Ramba uchifunga zvandiri kutaura; chokwadi Ishe achakupa ungwaru+ pazvinhu zvose.
8 Yeuka kuti Jesu Kristu akamutswa kubva kuvakafa+ uye akanga ari wokuvana vaDhavhidhi,+ maererano nemashoko akanaka andinoparidza;+
9 ari kuita kuti nditambure nezvinhu zvakaipa zvokusvika pakuva muzvisungo zvomujeri+ somunhu anoita zvakaipa. Kunyange zvakadaro, shoko raMwari harina kusungwa.+
10 Nokuda kweizvi ndinoramba ndichitsungirira zvinhu zvose nokuda kwevakasarudzwa,+ kuti ivowo vawane ruponeso ruri pamwe naKristu Jesu pamwe chete nokubwinya kusingaperi.+
11 Shoko iri rakatendeka:+ Chokwadi kana takafa pamwe chete, tichararamawo pamwe chete;+
12 kana tikaramba tichitsungirira, tichatongawo pamwe chete semadzimambo;+ kana tikaramba,+ iye achatirambawo;
13 kana tisina kutendeka, iye anoramba akatendeka,+ nokuti haangazvirambi.
14 Ramba uchivayeuchidza+ zvinhu izvi, uchivarayira+ pamberi paMwari sechapupu,+ kuti varege kuitisana nharo pamusoro pemashoko,+ zvisina kana zvazvinombobatsira, nokuti zvinokanganisa vaya vanenge vachiteerera.
15 Ita zvose zvaunogona kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa,+ somushandi+ asina chokunyara nacho,+ anobata shoko rechokwadi zvakarurama.+
16 Asi ramba kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene;+ nokuti vacharamba vachiwedzera pakusada Mwari,+
17 uye shoko ravo richapararira seronda rinonyenga.+ Himeniyo naFiretusi ndevamwe vaivavo.+
18 Varume ivava vakatsauka pachokwadi,+ vachiti kumuka kwakatoitika;+ uye vari kuparadza kutenda kwevamwe.+
19 Nokuda kwaizvozvo zvose, nheyo yakasimba yaMwari inoramba iripo,+ iine chisimbiso ichi chokuti: “Jehovha anoziva vaya vari vake,”+ uye kuti: “Munhu wose anodana zita raJehovha+ ngaarambe zvinhu zvisina kururama.”+
20 Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama nesirivha chete asiwo yematanda neyevhu, mimwe yebasa rinokudzwa asi mimwe yebasa risingakudzwi.+
21 Naizvozvo, kana munhu akaramba ari kure neyapedzisira kutaurwa, iye achava mudziyo webasa rinokudzwa, wakatsveneswa, unoshanda kumuridzi wawo, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka.+
22 Naizvozvo, tiza kuchiva kwouduku,+ asi tevera kururama,+ kutenda, rudo, rugare,+ pamwe chete nevaya vanodana panaShe zvichibva pamwoyo wakachena.+
23 Uyezve, ramba mibvunzo youpenzi neyokusaziva,+ uchiziva kuti inokonzera kurwa.+
24 Asi muranda waShe haafaniri kurwa,+ asi anofanira kuva norupfave kuna vose,+ anokwanisa kudzidzisa,+ anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa,+
25 achirayiridza nounyoro vaya vasingadi;+ kuti zvimwe Mwari avape rupfidzo,+ runoita kuti vawane zivo yakarurama pamusoro pechokwadi,+
26 uye vapengenuke kubva mumusungo+ waDhiyabhorosi, zvavakabatwa naye vari vapenyu+ kuti vaite zvinodiwa naiyeye.