2 Timoti 4:1-22
4 Ndinokurayira kwazvo pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga+ vapenyu nevakafa,+ ndichishandisa kuratidzwa kwake pachena+ uye umambo+ hwake,
2 kuti paridza shoko,+ shingaira kuriparidza mumwaka wakakodzera,+ mumwaka unotambudza,+ tsiura,+ ranga, rayira, nomwoyo murefu+ nounyanzvi hwokudzidzisa.
3 Nokuti pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano,+ asi, maererano nezvavanoda, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo;+
4 uye vacharamba kunzwa chokwadi, vachitendeukira kungano.+
5 Asi iwe, svinurira+ zvinhu zvose, tambura nezvinhu zvakaipa,+ ita basa romuevhangeri,+ ita ushumiri hwako zvizere.+
6 Nokuti ndiri kutodururwa sechinopiwa chinonwiwa,+ uye nguva yakakodzera yokusunungurwa+ kwangu yava pedyo.
7 Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo,+ ndamhanya kusvika kumugumo,+ ndachengeta kutenda.+
8 Kubvira panguva ino ndakachengeterwa korona yokururama,+ iyo Ishe, mutongi akarurama,+ achandipa pazuva iroro+ somubayiro,+ kwete ini chete, asiwo vose vaya vakada kuratidzwa kwake pachena.
9 Ita zvose zvaunogona kuti ukurumidze kuuya kwandiri.+
10 Nokuti Dhemasi+ akandisiya nokuti akada mamiriro+ ezvinhu epanguva ino, uye akaenda kuTesaronika; Kresenzi kuGaratiya,+ Tito kuDharimatiya.
11 Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira+ pakushumira.
12 Asi ndatumira Tikiko+ kuEfeso.
13 Paunouya, uuye nejasi randakasiya riina Kapo kuTroasi,+ nemipumburu, kunyanya iya yematehwe.
14 Arekizanda+ mupfuri wemhangura akandiitira zvinokuvadza zvizhinji—Jehovha achamutsiva maererano nemabasa ake+—
15 newewo umuchenjerere, nokuti akashora mashoko edu kwazvo.
16 Pakuzvidzivirira kwangu kwokutanga hapana akanditsigira, asi vose vakandisiya+—ngavarege havo kuzviverengerwa+—
17 asi Ishe akamira pedyo neni+ akandipa simba,+ kuti kuparidza kuitwe zvizere uye marudzi ose akunzwe achishandisa ini;+ uye ndakanunurwa pamuromo weshumba.+
18 Ishe achandinunura pamabasa ose akaipa+ uye achandiponesa nokuda kwoumambo hwake hwokudenga.+ Ngaakudzwe nokusingaperi-peri. Ameni.
19 Ndikwazisirewo Priska+ naAkwira neimba yaOnesiforasi.+
20 Erasto+ akasara kuKorinde,+ asi ndakasiya Trofimo+ achirwara kuMireto.+
21 Ita zvose zvaunogona kuti usvike mwaka wechando usati watanga.
Yubhuro anokukwazisa, naPudhenzi naRino naKraudhiya nehama dzose.
22 Ishe ngaave nemafungiro aunoratidza.+ Mutsa wake usina kukodzera kuwanwa ngauve nemi.