3 Johani 1:1-14
1 Murume mukuru+ kuna Gayo, anodiwa, wandinoda zvechokwadi.+
2 Anodiwa,+ ndinonyengetera kuti ubudirire+ muzvinhu zvose uye uve noutano hwakanaka,+ sokubudirira kuri kuita mweya wako.+
3 Nokuti ndakafara kwazvo hama padzakauya dzikapupurira chokwadi chauinacho, zvaunoramba uchifamba muchokwadi.+
4 Handina chikonzero chikuru chokuonga chinopfuura zvinhu izvi, kuti ndinzwe kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.+
5 Anodiwa, uri kuita basa rakatendeka muzvinhu zvose zvaunoitira hama,+ dzausingatozivi,+
6 idzo dzakapupurira rudo rwako pamberi peungano. Ndapota, udziendese zvakanaka nenzira yakakodzera Mwari.+
7 Nokuti dzakabuda nokuda kwezita rake, dzisingatori chinhu+ kuvanhu vemamwe marudzi.
8 Naizvozvo, isu tinosungirwa kuti tigamuchire vanhu vakadaro zvakanaka,+ kuti tive vashandi pamwe chete muchokwadi.+
9 Ndakanyorera ungano chimwe chinhu, asi Dhiyotrefesi, uyo anoda kuva nenzvimbo yokutanga+ pakati pavo, haagamuchiri chinhu+ chinobva kwatiri noruremekedzo.+
10 Naizvozvo, kana ndikauya, ndichaita kuti mabasa ake ayeukwe aanoramba achiita,+ achitireva nemashoko akaipa.+ Uyewo, asingagutsikani nezvinhu izvi, iye pachake haagamuchiriwo hama+ noruremekedzo, uye anoedza kudzivisa+ uye kudzingira kunze+ kweungano vaya vanoda kudzigamuchira.+
11 Anodiwa, usava mutevedzeri wezvinhu zvakaipa, asi wezvakanaka.+ Uyo anoita zvakanaka anobva kuna Mwari.+ Uyo anoita zvakaipa haana kuona Mwari.+
12 Dhemetriyo akapupurirwa navo vose+ uye chokwadi chinomupupurirawo. Chokwadi, isuwo, tiri kupupurira,+ uye iwe unoziva kuti uchapupu hwatinopa ndohwechokwadi.+
13 Ndaiva nezvinhu zvizhinji zvokukunyorera, asi handidi kuramba ndichikunyorera neingi nepeni.+
14 Asi ndinotarisira kukurumidza kukuona, uye tichataura zviso zvakatarisana.+
Rugare ngaruve newe.+
Shamwari dzinokukwazisa.+ Ndikwazisire+ shamwari nemazita adzo.