Amosi 3:1-15
3 “Inzwai shoko iri rataurwa naJehovha pamusoro penyu,+ haiwa imi vanakomana vaIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa munyika yeIjipiti,+ ndichiti,
2 ‘Imi ndimi chete vandakaziva+ pamhuri dzose dzepanyika.+ Ndokusaka ndichaita kuti muzvidavirire kukanganisa kwenyu kwose.+
3 “‘Vanhu vaviri vangafamba pamwe chete vasina kumborangana kuti vasangane here?+
4 Shumba ingadzvova musango isina chayabata here?+ Mwana weshumba ava nezenze angadzvova munzvimbo yake yaanovanda iye asina chaambobata here?
5 Shiri ingawira muchiteyeso panyika ipo pasina chinoikwezva here?+ Chiteyeso chingaurukira kumusoro icho chisina kana chachabata here?
6 Kana hwamanda ikaridzwa muguta, vanhu havadederiwo here?+ Kana dambudziko rikaitika muguta, haasi Jehovha azviitawo here?
7 Nokuti Changamire Ishe Jehovha haazoiti chinhu asina kumbozivisa zvakavanzika zvake kuvashumiri vake, ivo vaprofita.+
8 Kune shumba yadzvova!+ Ndiani asingazotyi? Changamire Ishe Jehovha ataura! Ndiani asingazoprofiti?’+
9 “‘Zvizivisei muri pamusoro peshongwe dzokugara dziri muAshdhodhi uye muri pamusoro peshongwe dzokugara dziri munyika yeIjipiti,+ muti: “Unganirai makomo eSamariya,+ muone kunyongana kuzhinji kuri pakati paro nokubiridzira kuri mukati maro.+
10 Havazivi kuita zvakarurama,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, “vaya vari kuunganidza chisimba+ nokupamba mushongwe dzavo dzokugara.”’
11 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Kune mhandu yakakomba nyika,+ ichawisira simba rako pasi richibva pauri, uye shongwe dzako dzokugara dzichapambwa.’+
12 “Zvanzi naJehovha, ‘Vanakomana vaIsraeri, vaya vagere muSamariya pazvigaro zvakanaka kwazvo+ nepamibhedha+ yokuDhamasiko, vachabvutwa sokubvuta kunoita mufudzi mazondo maviri kana chidimbu chenzeve+ pamuromo weshumba.’
13 “‘Inzwai, mupupure+ muri muimba yaJakobho,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, Mwari wemauto.
14 ‘Nokuti, pazuva randichaita kuti Israeri azvidavirire+ kumukira kwake, ndichaitawo kuti atari dzokuBheteri+ dzizvidavirire; uye nyanga dzeatari dzichagurwa dzowira pasi.+
15 Ndichaputsa imba yomunguva yechando+ pamwe chete neimba yomunguva yezhizha.’+
“‘Dzimba dzakagadzirwa nenyanga dzenzou dzichaparara,+ uye dzimba zhinji dzichaparara,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha.”