Amosi 5:1-27
5 “Inzwai shoko iri randiri kukuimbirai sorwiyo rwemariro,+ haiwa imi imba yaIsraeri:
2 “Israeri, mhandara+ iya, yawa;+Haigoni kumukazve.+Yasiyiwa iri panyika yayo;Hapana anoimutsa.+
3 “Nokuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Guta raimboenda kunorwa riine vanhu chiuru richasara nezana; uye riya raimboenda kunorwa riine vanhu zana richasara negumi, nokuda kweimba yaIsraeri.’+
4 “Nokuti zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri, ‘Nditsvakei+ kuti murambe muchirarama.+
5 Regai kutsvaka Bheteri,+ musaenda kuGirigari,+ uye musapfuura muchienda kuBheeri-shebha;+ nokuti chokwadi Girigari richatapwa;+ uye Bheteri, richava chinhu chemashiripiti.+
6 Haiwa imi imba yaJosefa,+ tsvakai Jehovha kuti murambe muchirarama,+ kuti arege kupfuta somoto,+ uye iwo urege kuparadza, kuti muBheteri murege kuva nomunhu anoudzima,+
7 haiwa imi munochinja kururamisira muchikuita muti unovava,+ nemi makakanda kururama pasi.+
8 Muiti weboka renyeredzi reKima+ neboka renyeredzi+ reKesiri,+ Iye anochinja zarima+ kuva mangwanani, Iye akaita kuti masikati asvibe sousiku,+ Iye anoshevedza mvura yegungwa, kuti aidururire panyika+—ane zita rokuti Jehovha;+
9 iye anoita kuti kuparadza kukurumidze kuuya pamunhu ane simba, anoita kuti kuparadza kuuye panzvimbo yakavakirirwa.
10 “‘Vanovenga munhu anotsiura+ ari pagedhi, uye vanosema munhu anotaura zvinhu zvakarurama.+
11 Naizvozvo, nokuti munotora mutero womunda kumunhu akaderera, uye munoramba muchitora muripo wezviyo kwaari;+ makavaka dzimba dzematombo akavezwa,+ asi hamuzorambi muchigara madziri; uye makadyara minda yemizambiringa yakanaka, asi hamuzorambi muchinwa waini yayo.+
12 Nokuti ndinoziva kuti kumukira+ kwenyu kungani uye kuti zvivi zvenyu zvikuru sei,+ haiwa imi munovenga munhu akarurama,+ imi munotora pfumbamuromo,+ nemi makadzinga varombo+ pagedhi.+
13 Naizvozvo uya ane njere acharamba akanyarara panguva iyoyo, nokuti ichava nguva yokutambudzika.+
14 “‘Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa,+ kuti murambe muchirarama;+ kuti Jehovha Mwari wemauto ave nemi, sezvamakataura.+
15 Vengai zvakaipa, mude zvakanaka,+ uye ruramisirai muri pagedhi.+ Zvimwe Jehovha Mwari wemauto anganzwira nyasha+ vakasara vaJosefa.’+
16 “Naizvozvo zvanzi naJehovha, iye Jehovha Mwari wemauto, ‘Kuungudza+ kuchavapo munzvimbo dzose dzinoungana vanhu, uye vanhu vachange vachiti: “Aa! Aa!” vari mumigwagwa yose. Vachashevedza murimi kuti acheme,+ uye vaya vanoziva nziyo dzemariro kuti vazoungudza.’+
17 ‘Kuungudza kuchavapo muminda yose yemizambiringa;+ nokuti ndichapfuura nepakati pako,’+ Jehovha adaro.
18 “‘Vane nhamo vaya vanoda kwazvo zuva raJehovha!+ Saka zuva raJehovha richarevei kwamuri?+ Richava rima, kwete chiedza,+
19 richava sezvinoitika munhu paanotiza shumba asi osangana nemhuka inonzi bheya; uye richava seapo munhu anopinda mumba obatirira kumadziro asi orumwa nenyoka.+
20 Zuva raJehovha harizovi rima here, kwete chiedza; uye harizovi zarima here, kwete kupenya?+
21 Ndakavenga, ndakaramba mitambo yenyu,+ uye handizofadzwi nokunhuhwirira kwokuungana kwenyu kukuru.+
22 Asi kana mukandipa zvinopiwa zvinopiswa zvakakwana,+ kunyange zvipo zvenyu zvinopiwa, handisi kuzozvifarira,+ uye handisi kuzotarira zvibayiro zvenyu zvokugoverana zvemhuru dzakakora.+
23 Bvisai ruzha rwenziyo dzenyu kwandiri; uye ngandirege kunzwa kurira kunonakidza kwezviridzwa zvenyu zvine tambo.+
24 Kururamisira ngakuyerere sezvinoita mvura,+ uye kururama ngakuyerere sezvinoita rukova runogara ruchiyerera.+
25 Haiwa imi imba yaIsraeri, makauya nezvibayiro nezvipo zvinopiwa pedyo neni murenje kwemakore makumi mana here?+
26 Muchatakura mambo wenyu+ Sakuti uye Kaiwani, iyo mifananidzo yenyu, nyeredzi yamwari wenyu, wamakazvigadzirira.+
27 Ndichaita kuti mutapwe, muendeswe kupfuura kuDhamasiko,’+ iye ane zita rokuti Jehovha Mwari wemauto adaro.”+