Amosi 6:1-14
6 “Vane nhamo vaya vakagara zvakanaka+ muZiyoni nevaya vanovimba negomo reSamariya! Ndivo vakakurumbira vorudzi rukuru pane mamwe marudzi, uye imba yaIsraeri yakaenda kwavari.
2 Endai kuKarine, muone; uye ibvai ikoko muende kuHamati+ yaiva nevanhu vazhinji, muende kuGati+ revaFiristiya. Iwo ari nani pane umambo uhwu here, kana kuti nharaunda yawo ihuru kupfuura nharaunda yenyu here?+
3 Munobvisa zuva rokutambudzika mupfungwa dzenyu here,+ uye munoswededza pedyo nzvimbo inogara chisimba here?+
4 Imi munorara panzvimbo dzokurara dzakagadzirwa nenyanga dzenzou+ uye munozvambarara pamibhedha yenyu, muchidya makondohwe eboka nenzombe duku dzinobva pamhuru dzakakodzwa;+
5 munoimba zvisina zvazvinobatsira maererano nokurira kwechiridzwa chine tambo;+ makazvigadzirira zviridzwa zvenziyo+ sezvakaitwa naDhavhidhi;
6 munonwira mumidziyo yewaini,+ munozora mafuta enyu akanaka kwazvo,+ uye hamuna kurwariswa nokukuvadzwa kwaJosefa.+
7 “Naizvozvo zvino ndimi muchatanga kutapwa pane vaya vachatapwa,+ uye mutambo wemafaro akanyanyisa wevaya vanorara vakazvambarara uchaparara.
8 “‘Changamire Ishe Jehovha akapika nomweya wake,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wemauto, ‘“Ndinosema kudada kwaJakobho,+ uye ndakavenga shongwe dzake dzokugara,+ ndichaisa guta racho nezviri mariri kuvavengi varo.+
9 Zvino kana varume gumi vakasara muimba imwe chete, ivo vachafawo.+
10 Hama yababa vake ichavatakura mumwe nomumwe, uye ichavapisa mumwe nomumwe, kuti ibvise mapfupa acho mumba.+ Ichati kumunhu wose anenge ari mukatikati memba yacho, ‘Uchiine vamwe here imomo?’ Iye achati, ‘Hamusisina!’ Iyo yoti, ‘Ramba wakanyarara! Nokuti haisi nguva yokutombotaura zita raJehovha.’”+
11 “‘Nokuti tarirai, Jehovha ari kurayira,+ uye achaputsa imba huru kuti ive dangwaza uye imba duku kuti ive murwi wezvakaparadzwa.+
12 “‘Mabhiza angamhanya pamabwe, kana kuti munhu angarima ipapo nemombe here? Nokuti imi makachinja kururamisira+ kuti kuve muti une muchetura, uye makachinja zvibereko zvokururama kuti zvive muti unovava,
13 imi munofarira chinhu chisipo;+ munoti: “Hatina kutora nyanga nesimba redu here?”+
14 Haiwa imi imba yaIsraeri, tarirai! ndichakumutsirai rudzi,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wemauto, ‘uye ruchakudzvinyirirai kubvira pamuganhu weHamati+ kusvikira kumupata une rukova weArabha.’”