Amosi 7:1-17
7 Izvi ndizvo zvandakaoneswa naChangamire Ishe Jehovha, uye tarira! akanga achiita kuti pave nebute remhashu pakutanga kwokumera kwezvakanga zvapedzisira kudyarwa.+ Uye tarira! ndizvo zvakanga zvapedzisira kudyarwa pashure pokunge uswa hwamambo hwachekwa.
2 Zvino parakanga rapedza kudya zvinomera panyika, ndakabva ndati: “Haiwa Changamire Ishe Jehovha, ndapota, kanganwirai.+ Pavanhu vaJakobho ndiani achasimuka? Nokuti iye muduku!”+
3 Jehovha akazvidemba pamusoro peizvi.+ “Hazvizoitiki,” Jehovha akadaro.
4 Izvi ndizvo zvandakaoneswa naChangamire Ishe Jehovha, uye tarira! Changamire Ishe Jehovha akanga achishevedzera kuti pave nokukakavara achishandisa moto;+ uye iwo wakaomesa mvura yakadzika, ukaparadza chikamu chomunda.
5 Ndakabva ndati: “Haiwa Changamire Ishe Jehovha, ndapota, regai henyu.+ Pavanhu vaJakobho ndiani achasimuka? Nokuti iye muduku!”+
6 Jehovha akazvidemba pamusoro peizvi.+ “Izvozvowo hazvizoitiki,” Changamire Ishe Jehovha akadaro.
7 Izvi ndizvo zvaakandionesa, uye tarira! Jehovha akanga akamira parusvingo rwakagadzirwa pachishandiswa tambo yokuyeresa,+ uye aiva netambo yokuyeresa muruoko rwake.
8 Jehovha akabva ati kwandiri: “Amosi, uri kuonei?” Naizvozvo ndakati: “Tambo yokuyeresa.” Jehovha akatizve: “Tarira ndiri kuisa tambo yokuyeresa pakati pevanhu vangu vaIsraeri.+ Handizovaregererizve.+
9 Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka+ dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene+ dzaIsraeri dzichaparadzwa;+ uye ndichamukira imba yaJerobhoamu nebakatwa.”+
10 Zvino Amaziya mupristi wokuBheteri+ akatumira shoko kuna Jerobhoamu+ mambo waIsraeri, achiti: “Amosi akumukirai ari muimba yaIsraeri.+ Nyika haichagoni kushivirira mashoko ake ose.+
11 Nokuti zvanzi naAmosi, ‘Jerobhoamu achaurayiwa nebakatwa; uye chokwadi Israeri achatapwa achibva panyika yake.’”+
12 Zvino Amaziya akati kuna Amosi: “Haiwa iwe muoni,+ enda, tizira kunyika yaJudha, udye zvokudya ikoko, uye uprofitire ikoko.
13 Asi usaprofitazve+ uri muBheteri, nokuti inzvimbo tsvene yamambo+ uye iimba youmambo.”
14 Amosi akabva apindura Amaziya, akati: “Ndakanga ndisiri muprofita, uye ndakanga ndisiri mwanakomana womuprofita;+ asi ndaiva mufudzi+ nomunhu aibaya maonde emitsamvi.
15 Jehovha akanditora kuti ndirege kutarisira makwai, Jehovha akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu vaIsraeri.’+
16 Zvino chinzwa shoko raJehovha rokuti, ‘Uri kuti here: “Usaprofitira Israeri,+ uye usataurira shoko+ imba yaIsaka”?
17 Naizvozvo zvanzi naJehovha: “Mudzimai wako, achava pfambi muguta.+ Vanakomana vako nevanasikana vako, vachaurayiwa nebakatwa. Nyika yako ichakamurwa pachishandiswa tambo yokuyeresa, yogovewa. Iwe pachako, uchafira panyika isina kuchena;+ uye Israeri, achatapwa achibva panyika yake.”’”+