Dhanieri 12:1-13
12 “Zvino munguva iyoyo Mikaeri+ achasimuka, iye muchinda mukuru+ anomira+ nokuda kwevanakomana vevanhu vako.+ Kuchava nenguva yokutambudzika isina kumbovapo kubvira pakatanga kuvapo rudzi kusvikira nguva iyoyo.+ Vanhu vako vachapukunyuka munguva iyoyo,+ ivo vanhu vose vanowanikwa vakanyorwa mubhuku.+
2 Vazhinji vakarara muguruva renyika vachamuka,+ ava kuupenyu husingagumi+ uye avo kukuzvidzwa nokusemwa kusingagumi.+
3 “Vane njere vachapenya sechiedza chokudenga;+ uye vaya vari kuita kuti vazhinji vave vakarurama,+ vachapenya senyeredzi nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.
4 “Asi iwe Dhanieri, vanza mashoko acho uname bhuku racho,+ kusvikira kunguva yokuguma.+ Vazhinji vachamhanya-mhanya, uye zivo yechokwadi ichawanda.”+
5 Zvino ini Dhanieri, ndakatarira, ndikaona vamwe vaviri vakanga vakamira,+ mumwe kumhenderekedzo ino yorwizi uye mumwe kumhenderekedzo iyo yorwizi.+
6 Mumwe akabva ati kumurume akanga akapfeka nguo yerineni,+ akanga ari pamusoro pemvura yorwizi: “Zvichatora nguva yakadini kusvikira pakuguma kwezvinhu izvi zvinoshamisa?”+
7 Ndakanzwa murume akanga akapfeka nguo yerineni, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, sezvaakasimudzira ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kumatenga, akapika+ naIye mupenyu nokusingagumi+ achiti: “Zvichava zvenguva imwe chete yakatarwa, nedzimwe nguva dzakatarwa nehafu.+ Kana kuputswa-putswa kwesimba revanhu vatsvene kwangopedzwa,+ zvinhu zvose izvi zvichaguma.”
8 Zvino ini ndakazvinzwa, asi handina kuzvinzwisisa;+ zvokuti ndakati: “Haiwa ishe wangu, zvinhu izvi zvichaguma sei?”+
9 Iye akati kwandiri: “Enda, Dhanieri, nokuti mashoko acho akavanzwa uye akanamwa kusvikira kunguva yokuguma.+
10 Vazhinji vachazvigeza+ vozvichenesa+ uye vachanatswa.+ Vakaipa vachaita zvakaipa,+ uye hapana kana vakaipa vachanzwisisa;+ asi vaya vane njere vachanzwisisa.+
11 “Kubvira panguva yakabviswa+ chibayiro chenguva dzose+ nokuiswa kwechinhu chinonyangadza+ chinoita kuti pave nokuparadzwa, pachava nemazuva ane chiuru chimwe nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe.
12 “Anofara+ ndiye anoramba akamirira uye anosvika pamazuva ane chiuru chimwe nemazana matatu nemakumi matatu nemashanu!
13 “Zvino iwe, enda kusvikira kumugumo;+ uye uchazorora,+ asi uchazomukira mugove wako pachapera mazuva acho.”+