Dhanieri 8:1-27
8 Mugore rechitatu roumambo hwamambo Bheshazari,+ ini Dhanieri, ndine zvandakaratidzwa, pashure pezviya zvandakaratidzwa pakutanga.+
2 Ndakaona pane zvandakaratidzwa; uye pandakanga ndakatarira, kuti ndaiva munhare yeShushani,+ iri mudunhu reEramu;+ ndakaona pane zvandakaratidzwa, uye ini ndakanga ndiri pedyo norwizi rwaUrai.+
3 Pandakatarira, ndakabva ndaona, uye tarira! gondohwe+ rakanga rimire pedyo norwizi, uye raiva nenyanga mbiri. Nyanga dzacho mbiri dzakanga dziri refu, asi imwe yakanga yakareba kupfuura imwe yacho, uye refu yacho ndiyo yakapedzisira kubuda.+
4 Ndakaona gondohwe racho richitunga kumavirira nokuchamhembe nokumaodzanyemba, hapana mhuka yakaramba imire pamberi paro, uye kwakanga kusina aigona kununura pasimba raro.+ Rakaita sezvaraida, rikazvitutumadza kwazvo.
5 Zvino ini, ndakaramba ndichifunga, uye tarira! paiva nenhongo+ yakanga ichiuya ichibva kumavirazuva ichifamba panyika pose, asi yakanga isingatsiki pasi. Nhongo yacho yakanga ine nyanga yainyatsooneka pakati pemaziso ayo.+
6 Yakaramba ichiuya kugondohwe raiva nenyanga mbiri, randakanga ndaona rakamira pedyo norwizi; uye yakauya kwariri ichimhanya yakashatirwa kwazvo.
7 Ndakaiona ichiswedera pedyo negondohwe racho, ikaratidza hasha dzayo kwariri, ikatunga gondohwe racho, ikatyora nyanga dzaro mbiri, uye gondohwe harina kuva nesimba rokumira pamberi payo. Naizvozvo yakariwisira pasi, ikaritsika-tsika, uye gondohwe rakashayiwa mununuri pasimba rayo.+
8 Zvino nhongo yakazvitutumadza+ kwazvo; asi payakangova nesimba, nyanga yacho huru yakatyoka, panzvimbo payo pakabuda dzimwe ina dzainyatsooneka, dzakatarira kumhepo ina dzokumatenga.+
9 Zvino pane imwe yadzo pakabuda imwe nyanga, duku,+ ikaramba ichikura kwazvo ichienda nechokumaodzanyemba nokunobuda zuva nokunyika Yokushongedzwa.+
10 Yakaramba ichikura ikasvika kuuto rokumatenga,+ zvokuti yakawisira pasi rimwe uto racho nedzimwe nyeredzi,+ ikazvitsika-tsika.+
11 Yakazvitutumadza kwazvo kusvikira kuMuchinda+ weuto, chibayiro chenguva dzose+ chikabviswa kwaari, nenzvimbo isingachinji yenzvimbo yake tsvene ikaputswa.+
12 Zvishoma nezvishoma uto pamwe chete nechibayiro chenguva dzose+ zvakaiswa kwairi+ nokuda kwokudarika;+ uye yakaramba ichiwisira chokwadi+ pasi,+ ikashanda uye ikabudirira.+
13 Zvino ndakanzwa mumwe mutsvene+ achitaura, mumwe mutsvene akati kune uya akanga achitaura: “Zvakaratidzwa zvechibayiro chenguva dzose+ nezvokudarika kunoita kuti pave nokuparadzwa zvichatora nguva refu yakadini,+ kuti zviite kuti nzvimbo tsvene neuto zvive zvinhu zvokutsika-tsika?”+
14 Naizvozvo iye akati kwandiri: “Kusvikira madekwana nemangwanani zviuru zviviri nemazana matatu zvakwana; uye nzvimbo tsvene ichava sezvainofanira kuva.”+
15 Zvino ini Dhanieri pandakanga ndichiona zvairatidzwa uye ndichitsvaka kunzwisisa,+ chokwadi, tarira! paiva nomumwe munhu akanga akafanana nomurume aiva amire pamberi pangu.+
16 Ndakanzwa inzwi romunhu wepanyika aiva pakati porwizi rwaUrai,+ akashevedzera, akati: “Gabrieri,+ ita kuti uyo akamira uko anzwisise chinhu chakaonekwa.”+
17 Naizvozvo akauya pedyo nepandakanga ndakamira, asi paakasvika ndakatya zvokuti ndakawira pasi nechiso changu. Iye akati kwandiri: “Haiwa mwanakomana womunhu,+ nzwisisa+ kuti zvakaratidzwa ndezvomunguva yokuguma.”+
18 Zvino zvaakanga achitaura neni, ndakanga ndabatwa kwazvo nehope chiso changu chakatarira pasi.+ Naizvozvo akandibata, akaita kuti ndimire pandakanga ndakambomira.+
19 Akati kwandiri: “Tarira ndiri kukuzivisa zvichaitika pakuguma kwokutsamwirwa, nokuti ndezvenguva yakatarwa yokuguma.+
20 “Gondohwe rawakaona raiva nenyanga mbiri rinomirira madzimambo eMedhiya nePezhiya.+
21 Nhongo ine mvere inomirira mambo weGirisi;+ uye nyanga huru yaiva pakati pemaziso ayo inomirira mambo wokutanga.+
22 Zvino iyoyo zvayakatyoka, panzvimbo payo pakazobuda ina,+ umambo huna huchabva murudzi rwake huchamuka, asi kwete nesimba rake.
23 “Zvino pakuguma kwoumambo hwawo, vadariki zvavanotadza zvizere, pachamuka mambo ane chiso chinotyisa, anonzwisisa mashoko akaoma.+
24 Simba rake richava guru, asi hazvizoitwi nesimba rake.+ Achaparadza+ nenzira inoshamisa, uye achabudirira oita zvinoshanda. Achaparadza vane simba, nevanhu vatsvene.+
25 Achaita kuti unyengeri hubudirire muruoko rwake+ maererano nenjere dzake. Achazvitutumadza kwazvo+ mumwoyo make, uye panguva yokusanetseka+ achaparadza vakawanda. Achasimuka kuti arwise Muchinda wemachinda,+ asi achaparadzwa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.+
26 “Zvino chinhu chakaonekwa pamusoro pemadekwana nemangwanani, chakataurwa, ndechechokwadi.+ Asi iwe, chengeta zvawakaratidzwa zvakavanzika, nokuti ndezvemazuva mazhinji achauya.”+
27 Zvino ini, Dhanieri, ndakanzwa ndapera simba, ndikarwara kwemazuva.+ Ndakazomuka, ndikaita basa ramambo;+ asi ndakaramba ndisina simba pamusoro pechinhu chandakanga ndaona, uye hapana kana akanga achichinzwisisa.+